RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 3/1 p. 6
  • Chii Chinonzi Mashoko Akanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Mashoko Akanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ngatiparidze Aya Mashoko Akanaka oUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Mashoko Akanaka”!
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 3/1 p. 6

Chii Chinonzi Mashoko Akanaka?

“Aya mashoko akanaka . . . ”—MATEU 24:14.

VAKRISTU vanofanira kuparidza “mashoko akanaka oUmambo” nokuudza vamwe nezvawo, vachitsanangura kuti Umambo ihwohwo ndihwo chete hurumende ichatonga nyika yose zvakarurama. Asiwo manzwi okuti “mashoko akanaka” anoshandiswa kureva zvinhu zvakasiyana-siyana muBhaibheri. Somuenzaniso pane panoti, “mashoko akanaka okuponesa” (Pisarema 96:2); “mashoko akanaka aMwari” (VaRoma 15:16); uye “mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu.”—Mako 1:1.

Kutaura zvazviri, mashoko akanaka anosanganisira chokwadi chose chakataurwa naJesu uye chakanyorwa nevadzidzi vake. Jesu asati adzokera kudenga, akaudza vateveri vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Saka basa revaKristu vechokwadi harisi rokungoudza vamwe pamusoro poUmambo; asiwo nderokuita kuti vanhu vave vadzidzi.

Ko machechi ari kuiteiwo panyaya iyi? Pamusana pokuti vakawanda havanzwisisi chinonzi Umambo, zvinobva zvaitawo kuti vatadze kudzidzisa vamwe zvakarurama nezvahwo. Mharidzo dzavo ndedzokuda kungofadza vanhu, vachitaura kuti munhu ngaangotenda muna Jesu kuti aregererwe zvivi zvake. Vanoitawo mabasa okubatsira vanhu akadai sekuvaka zvipatara, zvikoro uye kuvakira vanotambura dzimba nechinangwa chokuti vanhu vakawanda vatendeuke. Zvavanoita izvi zvingaita kuti vanhu vadirane kumachechi avo, asi hazviiti kuti vave vaKristu vechokwadi vanoedza nomwoyo wose kurarama zvinoenderana nezvakadzidziswa naJesu.

Mumwe anoongorora zvechitendero akanyora kuti: “Nyanzvi kana kuti vatungamiriri vakawanda vemachechi echiKristu vanobvuma kuti tinofanira kuita kuti vanhu vave vadzidzi uye kuvadzidzisa zvose zvakataurwa naJesu. . . . Asi zvakarayirwa naJesu panyaya iyi zvakanyatsojeka. Kungoti hatisi kuita zvaakataura. Hatitomboedzi kuzviita. Uye kutaura chokwadi, hatizivi kuti tozviita sei.”

Tsvakurudzo yakaitwa kuUnited States yakaratidza kuti pavanhu vanopinda chechi yeRoma 100 voga voga, 95 vavo vanobvuma kuti kuparidza mashoko akanaka ndechimwe chezvinhu zvinodiwa pachinamato chavo. Asi vanenge vose vanofunga kuti nzira yakanakisisa yokuita izvi ndeyokurarama upenyu hunoyemurika, kwete kuita zvokuparidza. Mumwe akabvunzwa akataura kuti: “Vhangeri haringorevi kuparidza nakuparidza. Isu vacho tisu inofanira kuratidza kuti tiri Mashoko Akanaka.” Magazini yeU.S. Catholic yakaita tsvakurudzo iyi, yakati vanhu vakawanda vakataura kuti vanonyara kutaura nezveShoko nokuti “chechi yavo ine mukumbira wakaipa panyaya yeunzenza huri kutsviriridza uye dzidziso dzomuchechi yavo hadzinzwisisiki.”

Ukuwo bhishopi weMethodist akachema-chema achiti vanhu vari muchechi make vanongoita mazvake-mazvake, vakavhiringidzika, havana ushingi hwokuita basa ravanofanira kuita uye vanorarama sezvinongoita vanhu vari munyika. Achiratidza kushushikana, akabvunza kuti: “Saka ndivanaani chaizvo vanokwanisa kuita basa rokuparidza Umambo uye ndivanaani vari kuriita?”

Bhishopu wacho haana kupindura mubvunzo wake. Asi mhinduro yacho iripo. Uchaiwana munyaya inotevera.

[Mashoko okukwezva zvaverengi ari papeji 6]

Mashoko akanaka anotaura nezveUmambo hwaMwari uye kuponeswa kunobva pakutenda muna Jesu Kristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe