Vimba naJehovha Sezvo Mugumo Uri Kuswedera
“Vimbai naJehovha, nguva dzose.”—ISA. 26:4.
1. Vashumiri vaMwari vakasiyana sei nevanhu vari munyika?
TIRI kurarama munyika umo vakawanda vasisazivi kuti vovimba naani kana kuti nechii, zvichida nokuti vakarwadziswa kana kuti vakaodzwa mwoyo kakawandisa. Izvozvo zvakasiyana chaizvo nevashumiri vaJehovha! Sezvo vachitungamirirwa nouchenjeri hwaMwari, vanoziva kuti hazvibatsiri kuvimba nenyika ino ne“vanokudzwa” vayo. (Pis. 146:3) Asi vanoisa upenyu hwavo neramangwana mumaoko aJehovha, vachiziva kuti anovada uye anogara achizadzisa Shoko rake.—VaR. 3:4; 8:38, 39.
2. Joshua akati chii nezvokuvimbika kwaMwari?
2 Joshua wemunguva yekare akataura nezvokuvimbika kwaMwari. Ava pedyo nokufa, akaudza vamwe vake vaIsraeri kuti: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu.”—Josh. 23:14.
3. Zita raMwari rinoratidzei nezvake?
3 Jehovha haangozadzisi zvaanopikira nemhaka yokuda kwaanoita vashumiri vake chete, asi anonyanya kuzviita nokuda kwezita rake. (Eks. 3:14; 1 Sam. 12:22) Mashoko okusuma eThe Emphasized Bible, yaJ. B. Rotherham anoti nezvezita raMwari: “[Iro] chipikirwa chenyasha dzakakura; rinoratidza kuti Mwari anokwanisa kuchinjira kumamiriro ezvinhu chero api zvawo, matambudziko chero api zvawo, kana kuti chii zvacho chinenge chichida kuitwa . . . [Iro] chipikirwa, . . . rinoratidza zvaari, rinoyeuchidza, uye rinovimbisa. Mwari haazombotadzi kuita zvinoenderana neZita iri; haazombofi akanyadziswa naro.”
4. (a) Isaya 26:4 inotikurudzira kuitei? (b) Tichakurukurei munyaya ino?
4 Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsoziva Jehovha zvokuti ndingavimba naye zvizere here? Ndinotarisira ramangwana nechivimbo, ndichiziva kuti zvinhu zvose zviri mumaoko aMwari here?’ Isaya 26:4 inoti: “Vimbai naJehovha, nguva dzose, nokuti Jah Jehovha iDombo rinogara nokusingagumi.” Ichokwadi kuti iye zvino Mwari haapindiri muupenyu hwevanhu achiita zvishamiso zvaaimboita sezvinotaurwa muBhaibheri. Kunyange zvakadaro, ‘seDombo rinogara nokusingagumi’ tinogona kuvimba naye “nguva dzose.” Mwari wedu akavimbika anobatsira sei vashumiri vake vakatendeka mazuva ano? Ngatikurukurei nzira idzi ina: Anotipa simba patinotsvaka rubatsiro rwake kuti tirwise muedzo, anotitsigira patinosangana nevanhu vasingakendengi kana kuti vanopikisa zviri pachena, uye anotipa simba patinoremerwa nezvinotidya mwoyo. Patinenge tichiongorora nzira idzi, iva nechokwadi chokufungisisa kuwedzera kwaungaita kuvimba kwako naJehovha.
Vimba naMwari Paunosangana Nomuedzo Wokuita Zvakaipa
5. Ndepapi pazvinganyanya kutiomera kuvimba naMwari?
5 Zviri nyore kuvimba naJehovha pazvinhu zvatine shungu nazvo zvakadai sechipikirwa chake cheParadhiso kana kuti rumuko. Asi hazvisi nyore kuvimba naye panyaya yetsika, kunyatsova nechivimbo mumwoyo medu chokuti kubvuma nzira dzake nezvaanoda ndizvo zvakarurama uye zvichaita kuti tifare zvikuru. Mambo Soromoni akanyora zano iri: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvir. 3:5, 6) Cherechedza mashoko okuti “nzira” dzedu uye “makwara.” Izvi zvinoreva kuti mararamiro edu ose, kwete tariro yechiKristu chete, anofanira kuratidza kuvimba kwatinoita naMwari. Tingaratidza sei chivimbo ichocho panouya miedzo?
6. Tingawedzera sei kutsunga kwedu kuti tirambe pfungwa dzakaipa?
6 Kubva pane zvakaipa kunotangira mupfungwa. (Verenga VaRoma 8:5; VaEfeso 2:3.) Saka ungawedzera sei kutsunga kwako kuti urambe pfungwa dzakaipa? Funga nzira idzi shanu: 1. Tsvaka kubatsirwa naMwari nokunyengetera. (Mat. 6:9, 13) 2. Fungisisa mienzaniso iri muBhaibheri yevaya vasina kuteerera Jehovha uye vaya vakateerera. Wadaro, ona kuti zvakazovafambira sei.a (1 VaK. 10:8-11) 3. Fungisisa kushungurudzika kwaungaita uye kungaita hama dzako neshamwari kana ukaita chivi. 4. Funga kuti Mwari anonzwa sei mumwe wevashumiri vake akaita chivi chakakura. (Verenga Pisarema 78:40, 41.) 5. Funga kufara kunoita mwoyo waJehovha paanoona munamati wake akavimbika achiramba zvakaipa oita zvakarurama, paruzhinji kana kuti ari oga. (Pis. 15:1, 2; Zvir. 27:11) Iwe unogonawo kuratidza kuti unovimba naJehovha.
Vimba naMwari Paunosangana Nevanhu Vasingambokendengi Uye Vanopikisa
7. Jeremiya akasangana nemiedzo yakaita sei, uye aimbonzwawo sei?
7 Hama dzedu dzakawanda dzinoshumira mundima dzakaoma chaizvo. Muprofita Jeremiya akashumira mundima yakadaro, muumambo hweJudha pahwakanga husina kugadzikana mumazuva okupedzisira. Kuvimba kwake naMwari kwaiedzwa zuva roga roga nokuti aimuteerera achizivisa mashoko ake omutongo waiuya. Pane imwe nguva, kunyange munyori wake akavimbika Bharuki, akanyunyuta achiti akanga aneta. (Jer. 45:2, 3) Jeremiya akakundwa nokuora mwoyo here? Aimbosuruvarawo. “Zuva randakaberekwa ngaritukwe!” akambodaro. “Ndakabudirei muchibereko kuti ndione basa rakaoma nokushungurudzwa uye kuti mazuva angu agumire munyadzi?”—Jer. 20:14, 15, 18.
8, 9. Maererano naJeremiya 17:7, 8 uye Pisarema 1:1-3, tinofanira kuitei kuti tirambe tichibereka zvibereko zvakanaka?
8 Zvisinei Jeremiya haana kukanda mapfumo pasi. Akaramba achivimba naJehovha. Saka, muprofita uyu akatendeka akaona kuzadziswa kwemashoko aJehovha pachake akanyorwa pana Jeremiya 17:7, 8 anoti: “Akakomborerwa murume anovimba naJehovha, uye akaita Jehovha chivimbo chake. Achava somuti wakadyarwa pedyo nemvura, unoendesa midzi yawo kurwizi chaiko; uye haazooni panouya kupisa, asi mashizha ake achava akasvibirira. Mugore rokusanaya kwemvura haazozvidyi mwoyo, uyewo haazoregi kubereka zvibereko.”
9 Kufanana nomuti wemichero wakasvibirira “wakadyarwa pedyo nemvura” kana kuti uri mumunda unodiridzwa, Jeremiya haana ‘kumborega kubereka zvibereko.’ Akaramba kukanganiswa nevaseki vakaipa vakanga vakamupoteredza. Pane kudaro, akanamatira kuna iye anopa “mvura” youpenyu uye akateerera zvose zvaakaudzwa naJehovha. (Verenga Pisarema 1:1-3; Jer. 20:9) Jeremiya muenzaniso wakazonaka kwatiri, kunyanya kune vaya vari kushumira Mwari mundima dzakaoma! Kana uri mundima yakadaro, ramba uchinyatsovimba naJehovha, uyo achaita kuti utsungirire sezvaunozivisa “pachena zita rake.”—VaH. 13:15.
10. Zvikomborero zvipi zvatinazvo, uye tinofanira kuzvibvunza kuti chii?
10 Jehovha akatipa zvakawanda kuti atibatsire kutsungirira matambudziko atinosangana nawo muupenyu mumazuva ano okupedzisira. Chimwe chezvaakatipa iShoko rake rakakwana, iro riri kuramba richishandurirwa zvakarurama mumitauro yakawanda. Akaita kuti pave nezvokudya zvakawanda zvinosimbisa pakunamata zvinouya panguva zvichibva kuboka romuranda akatendeka, akangwara. Akaitawo kuti titsigirane neushamwari hwevamwe vatinonamata navo vakawanda pamisangano uye pamagungano. Unonyatsoshandisa urongwa hwose uhwu here? Vose vanodaro “vachashevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo.” Asi vaya vasingateereri Mwari ‘vachashevedzera nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo uye vachaungudza nokuda kwokurwadziwa mwoyo kwazvo.’—Isa. 65:13, 14.
Vimba naMwari Paunenge Uine Zvinokudya Mwoyo
11, 12. Tichifunga nezvematambudziko enyika, tinoratidza kuti takachenjera zvechokwadi nokuitei?
11 Sezvakagara zvataurwa, vanhu vakaita zvokunyura mumafashamo ematambudziko. (Mat. 24:6-8; Zvak. 12:12) Panoitika mafashamo chaiwo, vanhu vanowanzomhanyira kunzvimbo yakakwirira kana kuti vanokwira padenga rechivako. Saizvozvowo, nokuwedzera kuri kuita matambudziko enyika, vakawanda vanopotera kuzvinhu zvinoita sezvakakwirira zvakadai semari, zvematongerwo enyika, kana kuti zvitendero, uye sayenzi neruzivo rwokugadzira zvinhu. Zvisinei zvose izvi hazvidziviriri munhu zvechokwadi. (Jer. 17:5, 6) Asi vashumiri vaJehovha vane kwokupotera kwechokwadi, iro “Dombo rinogara nokusingagumi.” (Isa. 26:4) Munyori wepisarema akati: “[Jehovha] ndiye dombo rangu noruponeso rwangu, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka.” (Verenga Pisarema 62:6-9.) Tinopotera sei kuDombo iri?
12 Tinonamatira kuna Jehovha patinoteerera Shoko rake, iro rinowanzopesana nouchenjeri hwevanhu. (Pis. 73:23, 24) Somuenzaniso, vanhu vanotungamirirwa nouchenjeri hwevanhu vangati: ‘Upenyu haudzokororwi, saka itonakidzwa nahwo zvizere.’ ‘Vavarira kuva nebasa rinobhadhara.’ ‘Ita mari.’ ‘Tenga chokuti nechokuti.’ ‘Imbobvakacha; idya nyika rutivi.’ Asi uchenjeri hwaMwari hunoenderana nezano iri: “Vaya vari kushandisa nyika [ngavave] sevasiri kuishandisa zvizere; nokuti mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaK. 7:31) Jesu anotipawo zano rokuti tigare tichiisa Umambo pokutanga izvo zvinoita kuti tiunganidze “pfuma kudenga,” kusina chinoiparadza.—Mat. 6:19, 20.
13. Tichifunga nezva1 Johani 2:15-17, tinofanira kuzvibvunza kutii?
13 Maonero aunoita “nyika” uye “zvinhu zviri munyika” anoratidza here kuti unovimba naMwari zvizere? (1 Joh. 2:15-17) Unonyanya kuda uye kukoshesa zvikomborero zvinobva kuna Mwari uye ropafadzo dzebasa roUmambo kupfuura zvinhu zvinowanika munyika here? (VaF. 3:8) Unovavarira kuramba uine ‘ziso rakanaka’ here? (Mat. 6:22) Ichokwadi kuti Mwari haadi kuti uve munhu asina kungwara kana kuti asina hanya, kunyanya kana uine mhuri yokuriritira. (1 Tim. 5:8) Asi anotarisira kuti vashumiri vake vavimbe naye zvizere, kwete nenyika yaSatani yava kuparara.—VaH. 13:5.
14-16. Vamwe vakabatsirwa sei nokuramba vaine ‘ziso rakanaka’ uye kuramba vachiisa Umambo pakutanga?
14 Funga nezvomuenzaniso waRichard naRuth, vane vana vatatu. Richard anoti, “Mwoyo wangu waindiudza kuti ndaigona kuwedzera kushumira kwandinoita Jehovha. Ndaive ndigere zvakanaka asi ndaiona sokuti ndaipa Mwari mafufu anenge asara. Pashure pokunyengetera nezvazvo uye kuona kana taizozvikwanisa, ini naRuth takabvumirana kuti ndaizokumbira mukuru wangu webasa kuti ndishande mazuva mana chete pavhiki, kunyange zvazvo nyika yakanga ichitambura pane zvoupfumi. Akabvuma uye mwedzi iwoyo ndakatanga kushanda sezvandakanga ndakumbira.” Iye zvino Richard anonzwa sei?
15 Anoti, “Mari yandinotambira yakadzika nezvikamu 20 muzana, asi iye zvino ndava nemamwe mazuva 50 pagore okuti ndive nemhuri uye ndidzidzise vana. Ndakakwanisa kuwedzera nguva yangu yomuushumiri nekaviri, zvidzidzo zveBhaibheri nekatatu, uye ndava kukwanisa kutungamirira ungano zvakawedzerwa. Uye zvandava nenguva yakawanda yokubatsira vana, Ruth ari kukwanisa kumbopota achitora upiyona hwebetsero. Ndiri kuda kuramba ndichiita izvi chero mamiriro ezvinhu achibvumira.”
16 Roy naPetina, avo vane mwanasikana wavachiri kugara naye pamba vakakwanisa kuderedza nguva yavanoenda kubasa kuti vaite ushumiri hwenguva yakazara. Roy anoti, “Ndinoshanda mazuva matatu pavhiki, uye Petina anoshanda maviri. Uyewo takatama muimba yakakura tichienda mufurati, iro risinganetsi kutarisira. Takambopayona tisati tava nemwanakomana nemwanasikana, asi takaramba tiine chido chokupayona. Saka vana pavakanga vakura, takatangazve ushumiri hwenguva yakazara. Hapana mari inogona kuenzana nezvikomborero zvatakawana.”
“Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wako
17. Magwaro akakunyaradza sei panyaya yokusaziva kuti mangwana kuchaitikei?
17 Hapana anoziva kuti mangwana kuchaitikei, nokuti tose tinowirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Mup. 9:11) Kunyange zvakadaro, kusaziva zvichaitika mangwana hakufaniri kutishayisa mufaro, sezvinowanzoita vaya vasina chinovadzivirira nokuti havana ukama naMwari. (Mat. 6:34) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga.”—VaF. 4:6, 7.
18, 19. Mwari anotinyaradza sei? Ipa muenzaniso.
18 Jehovha akanyaradza uye akapa rugare rwake hama nehanzvadzi dzakawanda dzaiva mumatambudziko. Imwe hanzvadzi inoti: “Mumwe chiremba airamba achindityisidzira kuti ndibvume kuwedzerwa ropa. Tisati tatombokwazisana akati, ‘Ndochii ichocho kuti hamudi kuwedzerwa ropa?’ Sezvandaiita pane dzimwe nguva, ndakanyengetera kuna Jehovha chinyararire, uye rugare rwake rwakauya pandiri. Ndakanzwa ndasimba sedombo. Kunyange ndakanga ndisina simba pamusana peropa shoma, ndakakwanisa kupa zvikonzero zvakajeka zvomuMagwaro zvaiita kuti ndirambe ropa.”
19 Dzimwe nguva Mwari anotitsigira achishandisa mumwe watinonamata naye kuti atinyaradze kana kuti zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvinouya panguva yakakodzera. Zvichida wakambonzwa imwe hama kana kuti hanzvadzi ichiti: “Nyaya iyi yanyatsotaura zvandiri kusangana nazvo chaizvo. Iri kuita seyakanyorerwa ini!” Pasinei nokuti mamiriro edu ezvinhu akaita sei kana kuti tinodei, Jehovha acharatidza kuti anotida kana tikavimba naye. Angasadaro sei isu tiri “makwai” ake, uye akaita kuti tidanwe nezita rake!—Pis. 100:3; Joh. 10:16; Mab. 15:14, 17.
20. Chii chichaita kuti vashumiri vaJehovha vagare vakachengeteka nyika yaSatani paichaguma?
20 “Pazuva rokushatirwa kukuru kwaJehovha” riri kukurumidza kuuya, zvose zvinovimbwa nazvo nenyika yaSatani zvichaparara. Ndarama, sirivha, nezvimwe zvinhu zvose zvinokosha hazvizombodziviriri munhu. (Zef. 1:18; Zvir. 11:4) Kwokupotera chete kuchange kuripo “iDombo [redu] rinogara nokusingagumi.” (Isa. 26:4) Saka ngatiratidzei kuti tinovimba zvizere naJehovha iye zvino nokumuteerera tichifamba munzira dzake dzakarurama, nokuzivisa shoko roUmambo hwake pasinei nokuti tinosangana nevanhu vasingakendengi kana kuti vanotipikisa, uye nokukanda zvose zvinotidya mwoyo kwaari. Kana tikaita izvi, zvechokwadi ‘tichagara takachengeteka, tisinganetseki nokutya dambudziko.’—Zvir. 1:33.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona mapeji 102-106 ebhuku rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari.”
Ungatsanangura Here?
Tingavimba sei naMwari
• patinosangana nomuedzo wokuita zvakaipa?
• patinosangana nevanhu vasingakendengi kana kuti vanotipikisa?
• patinenge tiine zvinotidya mwoyo?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Kuramba tiine tsika dzinodiwa naMwari kunoita kuti tifare
[Mufananidzo uri papeji 15]
“Jehovha iDombo rinogara nokusingagumi”