RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 4/1 pp. 24-25
  • Unombonzwa Kusurukirwa Uye Kutya Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unombonzwa Kusurukirwa Uye Kutya Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Wakambonzwa Kuti Uri Wega Uye Uchitya Here?
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Akanyaradzwa naMwari Wake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akabvuma Kunyaradzwa naMwari Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Uchava Akatendeka saEria Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 4/1 pp. 24-25

Dzidzisa Vana Vako

Unombonzwa Kusurukirwa Uye Kutya Here?

MAZUVA ano vanhu vakawanda vanonzwa vakasurukirwa vachiona sokuti hapana kana ane hanya navo zvechokwadi. Kazhinji ndiwo manzwiro anowanzoita vanhu vakuru. Nevanawo vazhinji mazuva ano, kusanganisira vakawanda vanoshumira Mwari, vanombonzwawo vakasurukirwa uye vachitya. Unoziva here kuti nemhaka yei vachinzwa saizvozvo?—a

Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanzwe saizvozvo. Ngatimbokurukurai muenzaniso womumwe murume akararama kare-kare, makore anenge chiuru Jesu asati azvarwa. Ainzi Eriya. Akararama panguva iyo rudzi rwaIsraeri rwakanga rwasiya kunamata Mwari wechokwadi Jehovha. Vakawanda vakanga vatanga kunamata mwari wenhema Bhaari. Eriya akati: “Ini ndoga ndini ndasara.” Asi unofunga kuti Eriya ndiye oga akanga asara pavanhu vaishumira Jehovha here?—

Kunyange zvazvo Eriya asina kuzviziva, vamwe muIsraeri vakanga vachiri kunamata Mwari wechokwadi. Kungoti vakanga vatiza vakanovanda. Vakanga vachitya. Unoziva kuti vaityei here?—

Mambo wevaIsraeri Ahabhi, akanga asisiri kunamata Jehovha; akanga ava kunamata mwari wenhema Bhaari ainamatwa nemudzimai wake akaipa ainzi Jezebheri. Saka Jezebheri nomurume wake Ahabhi vaida kubata vose vaishumira Jehovha vobva vavaita kanyama-kanyama, kunyanya Eriya. Ndokusaka Eriya akatiza. Akafamba makiromita anenge 483 akananga mugwenga reHorebhi, nzvimbo inonziwo Sinai muBhaibheri. Pachine mazana emakore Eriya asati azvarwa, paSinai ndipo apo Jehovha akapa vanhu vake Mitemo ine Gumi nemimwe mitemo yose. Eriya akavanda mubako muHorebhi ari oga. Unofunga kuti Eriya aifanira kutya here?—

Bhaibheri rinoratidza kuti izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga amboshandisa Eriya kuita zvishamiso zvikuru. Jehovha akambopindura Eriya paakanyengetera kuti atumire moto kubva kudenga kuti upise chibayiro. Paakaita izvozvo, Jehovha akaratidza kuti ndiye Mwari wechokwadi, kwete Bhaari. Saka Eriya paaiva mubako, Jehovha akataura naye.

Jehovha akamubvunza kuti, “Uri kuitei pano?” Eriya akapindura kuti, ‘Ini ndoga ndini ndasara pavanhu vose vanokushumirai.’ Jehovha akabva agadzirisa Eriya zvakanaka-naka achiti, ‘Ndichine zviuru zvinomwe zvevanhu vanondishumira.’ Jehovha akaudza Eriya kuti adzokere, achimutsanangurira kuti akanga achine basa rakawanda raaifanira kuita.

Unofunga kuti tinodzidzei pane zvakaitwa naEriya?—Kunyange vanhu vanoshumira Jehovha dzimwe nguva vanombotya. Saka tose vakuru nevaduku, tinofanira kuyeuka kuti tikumbire Jehovha kuti atibatsire. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari.”

Panezve chimwe chidzidzo: Tine hama nehanzvadzi dziri kwakasiyana-siyana dzinoda Jehovha uye dzinotida. Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvizhinji izvozvo zvamuri kutambura nazvo zviri kuitika musangano rose rehama [dzedu] munyika.” Hazvifadzi here kuziva kuti hapana chaipo patinenge tiri toga?—

Verenga muBhaibheri Rako

  • 1 Madzimambo 19:3-18

  • Dheuteronomio 5:1-22

  • Pisarema 145:18

  • 1 Petro 5:9

a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe