RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 7/1 pp. 16-17
  • Umambo hwaMwari Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Chii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 7/1 pp. 16-17

Dzidza Kubva Mushoko Ramwari

Umambo hwaMwari Chii?

Nyaya ino ine mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Umambo hwaMwari Chii?

Umambo hwaMwari ihurumende inotonga iri kudenga. Ichabvisa dzimwe dzose iyo yoga yosara iripo uye ichaita kuti kuda kwaMwari kuitwe kudenga nepanyika. Saka Umambo hwaMwari ndiyo hurumende yakanaka ichapedza matambudziko edu.—Verenga Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10.

Umambo hunotofanira kuva naMambo. Jehovha akagadza Mwanakomana wake Jesu, kuti ave Mambo woUmambo hwake.—Verenga Ruka 1:30-33.

2. Nei Jesu ari iye Mutongi akanyatsokodzera?

Mwanakomana waMwari ndiye akanyatsokodzera kutonga vanhu nokuti iye anoita zvakarurama nguva dzose, ane mutsa uye ane simba rakakwana kuti abatsire vanhu. (Mateu 11:28-30) Jesu amutswa, akakwira kudenga ndokutanga kumirira ari kuruoko rworudyi rwaJehovha. (VaHebheru 10:12, 13) Mwari akazopedzisira amupa simba rokuti atange kutonga ari kudenga.—Verenga Dhanieri 7:13, 14.

3. Pane vamwe vachatonga naJesu here?

Boka revanonzi “vatsvene” rinosarudzwa naMwari kuti ritonge naJesu kudenga. (Dhanieri 7:27) Vaapostora vakatendeka vaJesu ndivo vakatanga kusarudzwa kuti vave muboka iri revatsvene. Nanhasi Jehovha achiri kusarudza varume nevakadzi vakatendeka kuti vave muboka iri revatsvene. Vanomutswa vaine miviri yemidzimu sezvakangoitika kuna Jesu.—Verenga Johani 14:1-3; 1 VaKorinde 15:42-45.

Vangani vanoenda kudenga? Jesu akavashevedza kuti “boka duku.” (Ruka 12:32) Vachazosvika 144- 000, uye vachatonga nyika yose vaina Jesu.—Verenga Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1.

4. Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga rini?

Jesu akava Mambo muna 1914.a Pasina nguva, akakanda Satani nemadhimoni ake panyika. (Zvakazarurwa 12:7-10, 12) Kubva panguva iyoyo, matambudziko evanhu ari kuwedzera zvakanyanya. Zvinhu zvakadai sehondo, kudengenyeka kwenyika, nzara, zvirwere uye kusateerera mutemo, ndezvimwe zvinoumba chiratidzo chokuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira. (2 Timoti 3:1-5) Vose vanoda kukomborerwa noUmambo hwaMwari vanofanira kuva vateveri vaMambo Jesu.—Verenga Ruka 21:7, 10, 11, 31, 34, 35.

5. Umambo hwaMwari—zvahuri kuita uye zvahuchaita

Basa rokuparidza riri kuitwa munyika yose riri kuita kuti Umambo hwaMwari hutobatsira mamiriyoni evanhu vemarudzi ose kuti vadzidze zvinoda Mwari. (Mateu 24:14) Huchachengetedza “boka guru” revateveri vaJesu vakatendeka pahuchaparadza mamiriro ezvinhu akaipa ari panyika iye zvino.—Verenga Zvakazarurwa 7:9, 10, 13-17.

Kwemakore ane chiuru Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika ive paradhiso zvishoma nezvishoma. Pakupedzisira Jesu achadzorera Umambo kuna baba vake. (1 VaKorinde 15:24-26) Une mumwe munhu waungada kuudza nezveUmambo hwaMwari here?—Verenga Pisarema 37:10, 11, 29.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona zvitsauko 8 ne9 zvebhuku iri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko ouprofita hweBhaibheri hunotaura nezvegore ra1914, ona mapeji 215-218 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe