RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 9/1 pp. 16-17
  • Ungaita Sei Kuti Uswedere Pedyo naMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaita Sei Kuti Uswedere Pedyo naMwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaitei Kuti Uve Pedyo naMwari?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 9/1 pp. 16-17

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Ungaita Sei Kuti Uswedere Pedyo naMwari?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Mwari anoteerera minyengetero yose yose here?

Jehovha anokumbira kuti vanhu vose vanyengetere kwaari kuti vaswedere pedyo naye. (Pisarema 65:2) Asi haateereri minyengetero yose yose. Somuenzaniso, akaramba kuteerera minyengetero yevaIsraeri pavairamba vachiita zvakaipa. (Isaya 1:15) Uyewo, haateereri minyengetero yomurume anenge asingabati mudzimai wake zvakanaka. (1 Petro 3:7) Asi kana vanhu vanenge vaine zvivi zvakakomba vakapfidza, vanonzwiwa naMwari.—Verenga 2 Makoronike 33:9-13.

2. Tinofanira kunyengetera sei?

Munyengetero chinhu chinokosha pakunamata kwatinoita Jehovha uye iropafadzo huru kukwanisa kutaura naye tichinyengetera. Saka tinofanira kungonyengetera kwaari chete. (Mateu 4:10; 6:9) Sezvo tiri vanhu vane zvivi, tinofanira kunyengetera muzita raJesu nokuti ndiye “nzira” yakasarudzwa. (Johani 14:6) Jehovha haadi kuti tiite zvokudzokorora-dzokorora minyengetero yatinenge takabata nemusoro kana kuti yakaita zvokunyorwa.—Verenga Mateu 6:7; VaFiripi 4:6, 7.

Musiki wedu anotonzwa kunyange minyengetero yomumwoyo. (1 Samueri 1:12, 13) Anotikumbira kuti tinyengetere nguva dzose, zvakadai sepatinomuka nepatinozorara, panguva yokudya uye patinosangana nematambudziko.—Verenga Pisarema 55:22; Mateu 15:36.

3. Sei vaKristu vachiungana?

Kuswedera pedyo naMwari hakusi nyore nokuti tinorarama nevanhu vasingatendi kuti kuna Mwari uye vanotoseka chipikirwa chake chokuti achaunza runyararo panyika. (2 Timoti 3:1, 4; 2 Petro 3:3, 13) Saka tinofanira kuwadzana nevatinonamata navo tichikurudzirana.—Verenga VaHebheru 10:24, 25.

Unogona kuswedera pedyo naMwari kana ukashamwaridzana nevanhu vanoda Mwari. Misangano yeZvapupu zvaJehovha inotipa mikana yokubatsirwa nokutenda kwevamwe.—Verenga VaRoma 1:11, 12.

4. Kufungisisa kungakubatsira sei kuswedera pedyo naMwari?

Unogona kuswedera pedyo naJehovha nokufungisisa zvaunenge wadzidza muShoko rake. Fungisisa mabasa ake, zvaanotaura, uye zvipikirwa zvake. Kufungisisa uchinyengetera kuchaita kuti uonge nomwoyo wose rudo rwaMwari nouchenjeri hwake.—Verenga Joshua 1:8; Pisarema 1:1-3.

Unogona kuswedera pedyo naMwari kana ukavimba naye uchitenda maari. Asi kutenda kwakaita sechinhu chipenyu chinoda kuramba chichitarisirwa. Unofanira kugara uchisimbisa kutenda kwako nokuongorora zvinoita kuti utende zvaunotenda.—Verenga 1 VaTesaronika 5:21; VaHebheru 11:1, 6.

5. Kuswedera pedyo naMwari kuchakubatsira sei?

Jehovha ane hanya nevaya vanomuda. Anovadzivirira pazvose zvingakanganisa kutenda kwavo netariro yavo youpenyu husingaperi. (Pisarema 91:1, 2, 7-10) Anotinyevera kuti tisaita zvingakanganisa utano hwedu uye zvingaita kuti tisazofara. Jehovha anotidzidzisa mararamiro akanakisisa.—Verenga Pisarema 73:27, 28; Jakobho 4:4, 8.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 17 chebhuku iri raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe