RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 11/1 p. 3
  • Mhinduro Yacho Ine Basa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhinduro Yacho Ine Basa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Akamuti “Mwanasikana Wamambo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Kutevedzera Mitemo yeBhaibheri Kwakanakirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • ‘Uri Mukadzi Akanaka Chaizvo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 11/1 p. 3

Mhinduro Yacho Ine Basa Here?

“Ndakatanga kudanana nevakomana ndiine makore 10. Takatanga tichingobatana maoko nokutsvodana. Asi pasina nguva takanga tava kubatana-batana nhengo dzakavandika uye tava kutotanga kuita zvebonde nenzira dzakasiyana-siyana. Pandakanga ndava nemakore 15, ndakatanga kushanda uye ndaipfimbwa nevarume vokubasa avo vaitoda kusangana pabonde neni. Ndaida kunzi handibviri uye kuitawo zvose zvaiitwa nevandaishanda navo. Ndaida kuti shamwari dzangu dzindifarire, izvo zvakatoita kuti ndirambe ndichiita zvepabonde nenzira dzakasiyana-siyana.”—SARAH,a AUSTRALIA.

ZVINGAKUSHAMISA here kuziva kuti Sarah akarererwa mumhuri yaida zvokunamata? Vabereki vake vakaedza kumurera maererano netsika dzinotaurwa muBhaibheri. Asi Sarah haana kuda mararamiro iwayo.

Vakawanda vangabvumirana nezvakasarudzwa naSarah. Vanoti zvinotaurwa neBhaibheri nezvebonde zvava zvechinyakare chaizvo. Vamwe havaoni chakaipa nokutaura kuti vanoda zvokunamata asi ivo vachiita unzenza pamadiro.

Zvine basa here kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvebonde uye kurarama maererano nazvo? Bhaibheri rinoti ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa.’ (2 Timoti 3:16) Kana uchibvuma kuti Mwari ndiye akasika vanhu uye kuti Bhaibheri iShoko rake rakafuridzirwa, zvakakodzera kuti uzive zvarinotaura nezvenyaya iyi.

Zvinonzwisa tsitsi kuti vakawanda havanzwisisi zvinodzidziswa neBhaibheri nezvebonde. Vatungamiriri vezvitendero vanoti vanoremekedza Bhaibheri, asi ivo vachitaura pfungwa dzinopesana nezvarinodzidzisa panyaya dzebonde. Nyaya iyi yakatoita kuti machechi akakurumbira aparadzane.

Pane kungoteerera zvinotaurwa nevamwe, wadii kuwana maminitsi mashomanana okuongorora nyaya iyi iwe pachako? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo gumi inowanzobvunzwa nevanhu nezvezvinotaura Bhaibheri panyaya dzokusangana pabonde. Ine mhinduro dzakajeka dzinobva muBhaibheri. Nyaya yokupedzisira pane idzi dzakatevedzana ichataura kuti sei zvatinosarudza zviine basa.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe