RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 12/1 pp. 16-17
  • Tingasarudza Sei Shamwari Dzakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingasarudza Sei Shamwari Dzakanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Sarudza Shamwari Dzinoda Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ida Vaya Vanodiwa naMwari
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 12/1 pp. 16-17

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Tingasarudza Sei Shamwari Dzakanaka?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Nei tichifanira kungwarira pakusarudza shamwari?

Hapana munhu asingadi kudiwa nevamwe. Izvi zvinowanzoita kuti titevedzere vaya vakatipoteredza. Saka shamwari dzedu dzine simba rokuchinja mafungiro atinoita. Dzinogonawo kutochinja unhu hwedu.—Verenga Zvirevo 4:23; 13:20.

Munyori weBhaibheri akafuridzirwa Dhavhidhi aingwarira pakusarudza shamwari dzake. Aishamwaridzana nevaya vaimubatsira kuramba akavimbika somushumiri waMwari. (Pisarema 26:4, 5, 11, 12) Somuenzaniso, Dhavhidhi aishamwaridzana naJonatani nokuti Jonatani aimukurudzira kuvimba naJehovha.—Verenga 1 Samueri 23:16-18.

2. Ungava sei shamwari yaMwari?

Kunyange zvazvo Jehovha aine simba rose, tinogona kutova shamwari dzake. Somuenzaniso, Abrahamu akava shamwari yaMwari. Abrahamu aivimba naJehovha uye aimuteerera, izvo zvakazoita kuti Jehovha amuone seshamwari yake. (Genesisi 22:2, 9-12; Jakobho 2:21-23) Kana tikavimba naJehovha uye tikaita zvaanoda, tinogona kuva shamwari dzake.—Verenga Pisarema 15:1, 2.

3. Ungabatsirwa sei nokuva neshamwari dzakanaka?

Shamwari dzechokwadi dzakavimbika uye dzinokubatsira kuti uite zvakarurama. (Zvirevo 17:17; 18:24) Somuenzaniso, kunyange zvazvo Jonatani angadaro aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore 30 uye ari iye aizofanira kuva mambo waIsraeri, akaratidza kuvimbika nokutsigira Dhavhidhi uyo akanga asarudzwa naMwari kuti ave mambo. Shamwari dzechokwadi dzinewo ushingi hwokukutsiura kana dzikaona kuti uri kuita zvoupenzi. (Pisarema 141:5) Shamwari dzinoda Mwari dzichakubatsira kuti uve netsika dzakanaka.—Verenga 1 VaKorinde 15:33.

PaImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha uchasangana nevanhu vanoda zvakarurama sezvaunoita. Uchawanawo shamwari dzichakukurudzira pane zvaunoedza kuita kuti ufadze Mwari.—Verenga VaHebheru 10:24, 25.

Zvisinei, kunyange shamwari dzinoda Mwari dzinombotiodza mwoyo. Usakurumidza kugumburwa nezvadzinokanganisa. (Muparidzi 7:9, 20-22) Yeuka kuti tinokoshesa shamwari dzinoda Mwari asiwo hapana shamwari isingakanganisi. Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tisati nanga-nanga nezvinokanganiswa nevatinonamata navo.—Verenga VaKorose 3:13.

4. Ko kana shamwari dzako dzichikushora?

Vanhu vakawanda vanoona kuti pavanotanga kubatsirwa kunzwisisa Shoko raMwari, dzimwe dzaimbova shamwari dzavo dzinovashora. Zvimwe shamwari dzakadaro hadzinzwisisi mazano anobatsira netariro yechokwadi zvawakadzidza muBhaibheri. Zvichida unogona kudzibatsira.—Verenga VaKorose 4:6.

Dzimwe nguva, shamwari dzako dzingashora mashoko akanaka anotaurwa muShoko raMwari. (2 Petro 3:3, 4) Paunoedza kuita zvakarurama vamwe vangakuseka. (1 Petro 4:4) Kana ukasekwa, ungafanira kusarudza kuti wova shamwari yavo here kana kuti shamwari yaMwari. Kana ukasarudza kuva shamwari yaMwari, unenge wasarudza shamwari yakanaka kupfuura dzose.—Verenga Jakobho 4:4, 8.

Kuti unzwe zvakawanda, ona zvitsauko 12 ne19 zvebhuku iri raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe