RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 1/1 p. 22
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Akadzivirira Vanhu vaMwari
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEsteri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Esteri Akadzivirira Vanhu vaMwari
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 1/1 p. 22

Waizviziva Here?

Ahashivheroshi mambo wePezhiya anotaurwa mubhuku reBhaibheri raEsteri aiva ani?

▪ Bhuku raEsteri rinoti Ahashivheroshi akaroora musikana wechiJudha ainzi Esteri uyo akazodzivirira vanhu vokwake kuti vasaurayiwa. Pava nenguva yakareba nyanzvi dzichitaura zvinopesana panyaya yokuti mambo uyu wePezhiya anonzi Ahashivheroshi muBhaibheri aiva ani. Asi zvinoita sokuti nharo dzacho dzakapedzwa nezvinyorwa zviri mumitauro mitatu zvakawanikwa pazvivakwa zvePezhiya. Zvinyorwa izvi zvinosiya pasina mubvunzo kuti Ahashivheroshi aiva Xerxes I, mwanakomana waDhariyasi Mukuru (Hystaspis). Kana zita raXerxes rakanyorwa pazvivako izvi mumutauro wokuPezhiya rikashandurirwa muchiHebheru, rakangoda kufanana nemanyorerwo arakaitwa muchiHebheru mubhuku raEsteri.

Zvose zvakanyorwa mubhuku raEsteri nezvaAhashiveroshi zvinoratidza kuti aiva Xerxes I. Mambo uyu wePezhiya aitonga mumuzinda wake waiva muSusa (Shushani), muEramu. Aitongawo Medhiya neIndia uye zvitsuwa zviri mugungwa reMediterranean. (Esteri 1:2, 3; 8:9; 10:1) Muzvinafundo Lewis Bayles Paton anoti: “Hapana mumwe mambo wePezhiya akaita izvi kunze kwaXerxes. Unhu hwaAhashivheroshi sematsanangurirwo ahunoitwa muBhuku raEsteri hunonyatsoti gedye gedye nezvakanyorwa naHerodotus nevamwe vanyori vechiGiriki pamusoro paXerxes.”

Uchapupu hupi huripo hwokuti muIjipiti yekare maikanywa zvidhinha?

▪ Bhuku reBhaibheri raEksodho rinoti vaIjipiti vaishandisa varanda vavo vechiHebheru pakuita basa rokukanya zvidhinha. Varanda vacho vaifanira kusvitsa nhamba yavaiudzwa zuva roga-roga, uye vaishandisa dhaka nemashanga.—Eksodho 1:14; 5:10-14.

Kukanya zvidhinha zvaiomeswa nezuva raiva basa rinokosha muRwizi rwaNire munguva dzeBhaibheri. Zvivako zvekare zvakavakwa nezvidhinha izvozvo zvichiriko. Mifananidzo yakadhirowewa muzana remakore rechi15 B.C.E. paguva raRekhmire riri muThebes inoratidza maitirwo ebasa racho. Mifananidzo yacho yakadhirowewa panguva yakada kuenderana neyakaitika zvinhu zvinorondedzerwa mubhuku raEksodho.

Bhuku rinonzi The International Standard Bible Encyclopedia rinorondedzera zviri paguva racho richiti: “Mvura inocherwa mudziva; ivhu rinokanywa nebadza robva raiswa parinokwanisa kutorwa neanokanya. Dhaka racho rinoroverwa muforoma iyo inozokwidibirwa pasi. Foroma yacho inobva yasimudzwa yosiya chidhinha pasi chichiomeswa nezuva. Zvidhinha zvakawanda zvinokanywa uye kana zvaoma zvinobva zvarongwa kuti zvizoshandiswa. KuNear East vanhu vachiri kutevedzera maitiro iwayo.”

Zvinyorwa zvakawanda zviri pamapepa akagadzirwa nenhokwe zvemuzana remakore rechi20 B.C.E. zvinotaura nezvokukanya zvidhinha kwaiitwa nevaranda, uye kushandiswa kwaiitwa dhaka nemashanga pamwe chete nenhamba yezvidhinha zvaifanira kukanywa nevashandi zuva roga roga.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Mufananidzo wedombo waAhashivheroshi (akamira) uye waDhariyasi Mukuru (akagara)

[Kwazvakatorwa]

Werner Forman/Art Resource, NY

[Mufananidzo uri papeji 22]

Zvakadhirowewa paguva raRekhmire

[Kwazvakatorwa]

Erich Lessing/Art Resource, NY

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe