RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 6/1 p. 3
  • Rakangofanana Nemamwe Mabhuku Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakangofanana Nemamwe Mabhuku Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Nyaradza Vose Vanochema’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nyaradza Vanochema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nyaradzwa Nesimba raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mwari Anotinyaradza Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 6/1 p. 3

Rakangofanana Nemamwe Mabhuku Here?

“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira . . . , kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.”—2 TIMOTI 3:16, 17.

HAASI munhu wose anobvuma kuti Bhaibheri rinobatsira pane zvose. Ko iwe unotiwo kudii? Patsanangudzo dziri pasi apa ndeipi yaunoti inonyatsoenderana nemaonero aunoita Bhaibheri?

• Nderimwe remabhuku anokosha

• Ibhuku rinokosha sezvinongoitawo mamwe mabhuku matsvene

• Ibhuku rengano asi rinodzidzisa tsika dzakanaka

• IShoko raMwari

Mumwe mubvunzo ndewokuti, Maonero aunoita nyaya iyi ane basa here? Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro paro zvokuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Saka apa Bhaibheri riri kutaura kuti rakanyorerwa kuti ritirayiridze, ritinyaradze uye ritipe tariro.

Saka kudai Bhaibheri riri bhuku rakafanana nemamwe mabhuku kana kuti rimwe remabhuku matsvene, waizovimba naro here kuti rikurayiridze kana kutungamirira vomumhuri mako, kunyanya kana zvarinotaura zvakasiyana nezvaunofunga kuti zvakarurama? Dai riri bhuku rengano raizokunyaradza here kana kukupa tariro?

Kune mamiriyoni evanhu ari kudzidza Bhaibheri ari kugutsikana kuti iShoko raMwari rakasiyana nemamwe mabhuku ose. Nei? Bhaibheri rakasiyana papi nemamwe mabhuku ose? Tinokukumbira kuti uverenge nyaya dzinotevera kuti uone zvinhu zvishanu zvinosiyanisa Bhaibheri nemamwe mabhuku.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe