Rakangofanana Nemamwe Mabhuku Here?
“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira . . . , kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.”—2 TIMOTI 3:16, 17.
HAASI munhu wose anobvuma kuti Bhaibheri rinobatsira pane zvose. Ko iwe unotiwo kudii? Patsanangudzo dziri pasi apa ndeipi yaunoti inonyatsoenderana nemaonero aunoita Bhaibheri?
• Nderimwe remabhuku anokosha
• Ibhuku rinokosha sezvinongoitawo mamwe mabhuku matsvene
• Ibhuku rengano asi rinodzidzisa tsika dzakanaka
• IShoko raMwari
Mumwe mubvunzo ndewokuti, Maonero aunoita nyaya iyi ane basa here? Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro paro zvokuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Saka apa Bhaibheri riri kutaura kuti rakanyorerwa kuti ritirayiridze, ritinyaradze uye ritipe tariro.
Saka kudai Bhaibheri riri bhuku rakafanana nemamwe mabhuku kana kuti rimwe remabhuku matsvene, waizovimba naro here kuti rikurayiridze kana kutungamirira vomumhuri mako, kunyanya kana zvarinotaura zvakasiyana nezvaunofunga kuti zvakarurama? Dai riri bhuku rengano raizokunyaradza here kana kukupa tariro?
Kune mamiriyoni evanhu ari kudzidza Bhaibheri ari kugutsikana kuti iShoko raMwari rakasiyana nemamwe mabhuku ose. Nei? Bhaibheri rakasiyana papi nemamwe mabhuku ose? Tinokukumbira kuti uverenge nyaya dzinotevera kuti uone zvinhu zvishanu zvinosiyanisa Bhaibheri nemamwe mabhuku.