RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 6/1 p. 4
  • Uprofita Hwose Hunozadzika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uprofita Hwose Hunozadzika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Girisi—Simba Renyika Guru Rechishanu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ndiani Achatonga Nyika?
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 5
    Mukai!—2011
  • Fungisisa Shoko raMwari Rouprofita Rezuva Redu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 6/1 p. 4

Uprofita Hwose Hunozadzika

“Hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana.”—JOSHUA 23:14.

BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Zvinhu zvaiprofitwa makare-kare zvainyatsozivikanwa kuti zvakanga zvisina kujeka, uye pane zvaitaurwa zvacho zvishoma ndizvo zvaiitika. Nanhasi ndizvo zvichiri kungoitika pane zvinofemberwa nevanhu. Vanhu vanoongorora zviri kuitika kuti zvivabatsire kufungidzira remangwana. Havatombokwanisi kunyatsotaura kana kufungidzira zvichaitika pachine mazana emakore. Asi uprofita hweBhaibheri hunonyatsodonongodza zvichaitika uye hwagara huchizadzika, huchitozivisa “kubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa.”—Isaya 46:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

MUENZANISO: Muzana remakore rechitanhatu B.C.E., muprofita Dhanieri akaona chiratidzo chokukunda kwaizoita Girisi umambo hweMedhiya nePezhiya. Uprofita hwacho hwakataurawo kuti mambo weGirisi ‘paaizongova nesimba’ umambo hwake hwaizoparara. Mambo uyu aizotsiviwa nani? Dhanieri akanyora kuti: “Umambo huna huchabva murudzi rwake huchamuka, asi kwete nesimba rake.”—Dhanieri 8:5-8, 20-22.

ZVINOTAURWA NEVAONGORORI VENHOROONDO DZEKARE: Papera makore anopfuura 200 Dhanieri afa, Alexander ainge akakurumbira ndiye akazova mambo weGirisi. Mushure memakore 10, Alexander akakunda Umambo hweMedhiya nePezhiya uye akanga ava kutonga kusvikira kuRwizi rwaIndus (rwuri munyika yePakistan). Asi akafa achingova nemakore 32 chete. Umambo hwaAlexander hwakazoparara pahondo yakarwiwa pedyo neIpsus muAsia Minor. Vanhu vana vakakunda muhondo yacho vakazogovana Umambo hweGirisi. Asi pavari vose hapana akava nesimba rakafanana neraiva naAlexander.

UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku rine uprofita hunozadzika seizvi? Izvi hazviratidzi kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhuku here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Bhaibheri rine uprofita . . . hwakawanda chaizvo zvokuti hazvingatomboiti zvachose kuti zvinzi hunozadzika netsaona.”—BHUKU RINONZI A LAWYER EXAMINES THE BIBLE, RAKANYORWA NAIRWIN H. LINTON

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

© Robert Harding Picture Library/SuperStock

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe