Dzidza Kubva Mushoko raMwari
Ngirozi Dzinotibatsira Here?
Nyaya ino inokurukura mibvunzo yaungava nayo uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.
1. Ngirozi ndivanaani?
Ngirozi zvisikwa zvine miviri isingaoneki nemaziso edu uye dzinogara kudenga. Dzakasiyana chaizvo nevanhu. Mwari wechokwadi uyo ane muviri wakafanana nowengirozi, ndiye akadzisika asati atombosika pasi rino. (Jobho 38:4, 7; Mateu 18:10) Jehovha anogara nemamiriyoni engirozi dzakatendeka.—Verenga Pisarema 103:20, 21; Dhanieri 7:9, 10.
2. Ngirozi dzinobatsira vanhu here?
Ngirozi dzakabatsira murume akanga akarurama ainzi Roti. Aigara muguta raida kuparadzwa naJehovha nokuti rakanga razara nevanhu vakaipa. Ngirozi mbiri dzakanyevera Roti nemhuri yake kuti vatize. Vamwe vakaona nyevero yacho sedambe saka havana kuiteerera. Asi Roti nevanasikana vake vakaponeswa nokuti vakateerera nyevero yaMwari achishandisa ngirozi.—Verenga Genesisi 19:1, 13-17, 26.
Bhaibheri rinoratidza kuti ngirozi dziri kubatsira vanhu mazuva ano, dzichitungamirira basa rinoitwa nevaya vanoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nomazvo. (Mateu 24:14) Mashoko akanaka anonyeverawo. Sezvazvakanga zvakangoitawo munguva yaRoti, nyevero yacho harisi dambe. NdiMwari ari kutonyevera vanhu achishandisa ngirozi.—Verenga Zvakazarurwa 1:1; 14:6, 7.
Mwari anogona kushandisa ngirozi kuti atisimbise patinowirwa nemiedzo. Akashandisa ngirozi kuti asimbise Jesu.—Verenga Ruka 22:41-43.
Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achashandisa ngirozi kuti aparadze vanhu vakaipa vanokonzera matambudziko. Izvi zvichazorodza chaizvo vanhu vakarurama.—Verenga 2 VaTesaronika 1:6-8.
3. Madhimoni anotitambudza sei?
Ngirozi dzakawanda dzakapandukira Mwari kudenga, sezviri kungoitawo vanhu vakawanda pano panyika. (2 Petro 2:4) Ngirozi dzakapanduka idzi dzinonzi madhimoni. Satani Dhiyabhorosi ndiye mukuru wawo. Satani nemadhimoni ake vari kutsausa vanhu.—Verenga Zvakazarurwa 12:9.
Satani anoshandisa mabhizimisi ane uori, hurumende dzevanhu, uye zvitendero zvenhema kuti anyengere vanhu uye avatsause pana Mwari. Saka ndiye ari kukonzera udzvinyiriri, kurwisana uye mamwewo matambudziko ari kuwira vanhu.—Verenga 1 Johani 5:19.
4. Madhimoni ari kutsausa sei vanhu?
Satani akatsausa vakawanda nedzidziso yokuti kana vanhu vafa vanova midzimu inogona kutaura nevapenyu. Asi Bhaibheri rinoti vakafa havana kana chavanogona kuita. (Muparidzi 9:5) Madhimoni anowanzonyengera vanhu paanotevedzera inzwi rehama yavo yakafa. (Isaya 8:19) Anonyengerawo vamwe achishandisa masvikiro, vanofembera, vanoshopera uye vanofembera vachishandisa nyeredzi. Shoko raMwari rinotinyevera kuti tisaita zvinhu zvakadaro. Saka tinofanira kurasa zvinhu zvose zvine chokuita nemadhimoni zvatingava nazvo.—Verenga Dheuteronomio 18:10, 11; Mabasa 19:19.
Kana tichida Jehovha hatina chikonzero chokutya madhimoni. Kana tikadzidza Shoko raMwari toita zvarinotaura, tinodzivisa Dhiyabhorosi uye tinoswedera pedyo naMwari. Jehovha ane simba kupfuura madhimoni. Ngirozi dzake dzakatendeka dzinotitsigira patinenge tichida kubatsirwa.—Verenga Pisarema 34:7; Jakobho 4:7, 8.
Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 10 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.