RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 7/1 p. 18
  • Kana Mwari Aregerera, Anobva Atokanganwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Mwari Aregerera, Anobva Atokanganwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mwari Achandikanganwira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 7/1 p. 18

Swedera Pedyo naMwari

Kana Mwari Aregerera, Anobva Atokanganwa Here?

MUCHIDIMBU, mhinduro ndihungu. Paanotaura nezvevanhu vaanoda, Jehovha anovimbisa kuti: “Ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.” (Jeremiya 31:34) Saka Jehovha anotivimbisa kuti kana akaregerera vatadzi vanenge vapfidza, haazoyeukizve zvivi zvavo. Asi zvinoreva here kuti Musiki wezvinhu zvose haakwanisi zvachose kuyeuka zvivi zvaanenge aregerera? Mashoko ari mubhuku raEzekieri anojekesa zvinorehwa nepfungwa yokuti Mwari anoregerera obva akanganwa.​—Verenga Ezekieri 18:19-22.

Jehovha akashandisa muprofita Ezekieri kuti azivise kuti aizoranga Judha neJerusarema. Rudzi rwacho rwose rwakanga rwatsauka pakunamata Jehovha uye rwaida zvokungorwisana. Jehovha akagara ataura kuti Jerusarema raizoparadzwa nevaBhabhironi. Asi kunyange zvazvo Jehovha aizivisa nezvekuranga, akataurawo mashoko aiita kuti vave netariro. Mumwe nomumwe aifanira kusarudza uye zvaaisarudza ndizvo zvaizotema kuti ramangwana rake raizomumirira sei.​—Ndima 19, 20.

Ko kana munhu achinge asiya zvakaipa oita zvakanaka? Jehovha akati: “Kana munhu akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mirau yangu yose, oruramisira uye oita zvakarurama, chokwadi iye acharamba achirarama. Haazofi.” (Ndima 21) Zvechokwadi Jehovha akanga ‘akagadzirira kukanganwira’ mutadzi ainge atendeuka panzira yake yakaipa, apfidza nomwoyo wose.​—Pisarema 86:5.

Ko zvivi zvaainge aita? “Kudarika kwake kwose kwaakaita​—hakuzoyeukwi pamusoro pake,” anodaro Jehovha. (Ndima 22) Ona kuti zvivi zvomunhu anopfidza ‘zvaisazoyeukwa pamusoro pake.’ Nei izvozvo zvichikosha?

MuBhaibheri, shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kuyeuka” haringorevi kurangarira zvakaitika kare. Rimwe duramanzwi parinotaura nezveshoko iri rinoti: “Kazhinji rinoreva kuita chimwe chinhu kana kuti rinoshandiswa pamwe nemashoko anenge achikurudzira kuita chimwe chinhu.” Saka, “kuyeuka” kunogona kureva “kuita chimwe chinhu.” Nokudaro Jehovha paanotaura kuti kukanganisa kwomutadzi anopfidza “hakuzoyeukwi pamusoro pake,” ari kureva kuti haazorangiri munhu zvivi izvozvo kana kumupa mhosva yazvo.a

Mashoko ari pana Ezekieri 18:21, 22 anotiratidza kudzama kwakaita kuregerera kwaMwari uye izvozvo zvinotibaya mwoyo. Kana Jehovha akatiregerera zvivi zvedu, haazombotirangiri zvivi izvozvo mune remangwana. Haayeuki zvivi zvevatadzi vanopfidza. (Isaya 38:17) Zvinoita sokuti anodzima panenge pakanyorwa zvivi zvacho.​—Mabasa 3:19.

Sevanhu vane chivi, tinoda kunzwirwa ngoni naMwari. Tinoda kuregererwa nokuti tinotadza kakawanda. (VaRoma 3:23) Asi Jehovha anoda kuti tizive kuti kana tikapfidza zvechokwadi, anoda kutiregerera. Uye kana achinge aregerera, anobva akanganwa zvivi zvacho, kureva kuti haazombotirangiri zvivi izvozvo kana kutipa mhosva. Mashoko iwayo anonyaradza chaizvo. Ngoni dzaMwari hadziiti kuti unzwe uchida kuswedera pedyo naye here?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna July:

◼ Ezekieri 6-20

[Mashoko Omuzasi]

a Saizvozvowo, “kuyeuka zvivi” kunogona kureva “kuranga vatadzi.”​—Jeremiya 14:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe