Swedera Pedyo naMwari
Jehovha Anovenga Udzvinyiriri
“MUNHU akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Muparidzi 8:9) Iye zvino pava nemakore 3 000 mashoko aya anyorwa, uye anorondedzera nomazvo zviri kuitika munyika yatiri kurarama. Pasinei nokuti ndivanaani uye vanogara kupi, vanhu vane tsika yokudzvinyirira vamwe. Varombo nevaya vanenge vasina munhu anovadzivirira ndivo vanowanzodzvinyirirwa. Jehovha anonzwa sei pavanodzvinyirirwa saizvozvo? Mhinduro yacho tinoiwana pana Ezekieri 22:6, 7, 31.—Verenga.
MuMutemo waakapa Israeri, Jehovha akajekesa kuti vaya vaiva nezvinzvimbo vakanga vasingambofaniri kudzvinyirira vamwe. Aizongokomborera rudzi rwacho chete kana vatungamiriri vacho vaitira varombo nevakaderera mutsa nenyasha. (Dheuteronomio 27:19; 28:15, 45) Zvisinei, mumazuva aEzekieri, machinda eJerusarema neJudha aidzvinyirira vamwe zvoutsinye zvisingaiti. Chii chaiitika?
Mumwe nomumwe wemachinda aishandisa “ruoko rwake kuti ateure ropa.” (Ndima 6) Shoko rokuti “ruoko” rinomiririra simba kana kuti chiremerera. Ndokusaka shanduro yeBhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi ichiti: ‘Muchinda mumwe nomumwe waIsraeri anoteura ropa achishandisa simba rake.’ Vanhu vangabatwa zvakanaka sei kana vatungamiriri vanofanira kunge vachivachengetedza uye vachiita kuti mitemo itevedzerwe varivo vanodzvinyirira vachiuraya vanhu vasina mhaka?
Mushure mokutaura izvi, zviri pachena kuti Ezekieri haangopomeri mhosva vatungamiriri chete, asiwo vaya vanovatevedzera pakusateerera mitemo yaJehovha. Anoti: “Ivo vakazvidza baba naamai.” (Ndima 7) Mhuri ndidzo dzaiva musimboti werudzi rwacho saka kuzvidza kwakaita vanhu chiremerera chevabereki kwakaita kuti rudzi rwacho ruite zinyekenyeke.—Eksodho 20:12.
Vanhu vaiva nouori vaidzvinyirira vaya vakanga vasina anovadzivirira. Pose pavairega kuteerera murayiro waJehovha vairatidza kusaremekedza urongwa hwake hworudo hwairatidzwa muMutemo waakapa Israeri. Somuenzaniso, Mutemo waMwari waiti vaIsraeri vaifanira kubata zvakanaka vatorwa vavaigara navo. (Eksodho 22:21; 23:9; Revhitiko 19:33, 34) Asi ivo ‘vaibiridzira’ mutorwa.—Ndima 7.
Vanhu vaiitirawo utsinye “nherera nechirikadzi” dzakanga dzisina anodzivirira. (Ndima 7) Jehovha anonzwira tsitsi chaizvo vaya vanofirwa nomubereki kana kuti nowavakaroorana naye. Akati iye pachake aizotonga vaya vanotambudza nherera nechirikadzi.—Eksodho 22:22-24.
VaIsraeri vomuzuva raEzekieri pavaiita izvi, vaityora Mutemo waMwari uye vairatidza kusaremekedza mutemo uyu worudo. Jehovha aizoita sei? Akavimbisa kuti: “Ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo.” (Ndima 31) Sezvaakanga avimbisa, akarega vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema uye vachitapa vanhu varo mugore ra607 B.C.E.
Mashoko aEzekieri anotidzidzisa zvidzidzo izvi zviviri nezvemaonero anoita Jehovha udzvinyiriri: Chokutanga, anohuvenga; chechipiri, anonzwira tsitsi vaya vanodzvinyirirwa asi vasina mhosva. Mwari haana kuchinja. (Maraki 3:6) Anovimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya achabvisa udzvinyiriri pamwe nevaya vanohukonzera. (Zvirevo 2:21, 22) Wadii kudzidza zvakawanda nezvaMwari uyu “anoda kururamisira,” uye zvaungaita kuti uswedere pedyo naye?—Pisarema 37:28.
Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna August:
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
Jehovha akajekesa kuti vaya vaiva nezvinzvimbo vakanga vasingambofaniri kudzvinyirira vamwe