RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 12/1 p. 10
  • Nei Vamwe Vanhu Vasingapembereri Krisimasi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vamwe Vanhu Vasingapembereri Krisimasi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Krisimasi?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Magamuchidzanwa eKrisimisa—Ndedzipi Dziri Mviromviro Dzawo?
    Mukai!—1990
  • Kwakabva Krisimasi Yazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Krisimisi—Neiko Yakakurumbira Kwazvo muJapan?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 12/1 p. 10

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Nei Vamwe Vanhu Vasingapembereri Krisimasi?

Munyika yose vanhu vanoda kusvika mabhiriyoni maviri vanopemberera Krisimasi musi wa25 December, asiwo vanopfuura mamiriyoni maviri vanopemberera zuva rokuberekwa kwaJesu Kristu musi wa7 January. Zvisinei, panewo mamiriyoni akasarudza kusapemberera Krisimasi zvachose. Chii chakaita kuti vasarudze kudaro?

Chimwe chingaita kuti vadaro ndechokuti zvitendero zvavo hazvidyidzani nechiKristu. Somuenzaniso, vamwe vanopinda chitendero chechiJudha, chiHindu, uye chiShinto nezvimwewo. Vaya vanoti hakuna Mwari uye vanoti chitendero hachina basa muupenyu nevamwewo, vanoona Krisimasi sengano.

Asi ungashamisika kuti pane vanhu vakati wandei vanotenda muna Jesu asi vasingaiti tsika dzinoitwa munguva yeKrisimasi. Sei vachidaro? Vanopa zvikonzero zvinenge zvina.

Chokutanga ndechokuti havabvumi kuti Jesu akaberekwa muna December kana kuti muna January. Bhaibheri haritauri musi waakaberekwa. Rinongoti: “Munyika iyoyowo makanga muine vafudzi vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku. Zvino ngirozi yaJehovha yakangoerekana yamira pedyo navo . . . yakati kwavari: ‘. . . Nhasi maberekerwa Muponesi, uyo ari Kristu Ishe.’”—Ruka 2:8-11.

Uchapupu huripo hunoratidza kuti Jesu anofanira kunge akaberekwa panenge pakutanga kwaOctober, apo vafudzi vakanga vachiri kurara kunze kwemisha vachifudza makwai. Mumaruwa ekuBhetrehema munotonhora zvakanyanya muna December naJanuary. Saka kana hwava usiku makwai anovharirwa mudanga kuitira kuti adziirwe.

Jesu akangorayira vateveri vake kuti vayeuke rufu rwake chete kwete kuberekwa kwake

Chechipiri ndechokuti Jesu akangorayira vateveri vake kuti vayeuke rufu rwake chete kwete kuberekwa kwake, uye pakuyeuka kwacho paizoshandiswa zvokudya zvisingashamisiri zvaizogoveranwa. (Ruka 22:19, 20) Zivawo kuti Evhangeri yaMako neyaJohani hadzitauri nezvokuberekwa kwaJesu.

Chechitatu ndechokuti hapana uchapupu hwokuti vaKristu vepakutanga vakapemberera kuberekwa kwaKristu. Asi vaigara vachiyeuka rufu rwake. (1 VaKorinde 11:23-26) Krisimasi yakatozotanga kuchengetwa zviri pamutemo musi wa25 December nevemachechi anozviti ndeechiKristu papera makore anopfuura 300 kubva pakaberekwa Jesu. Makore anenge 350 apfuura, kuEngland kwakambodzikwa mutemo wairambidza kupemberera Krisimasi. Ndozvakaitwawo nedare rokuUnited States rinonzi Massachusetts General Court. Sei vakaita izvi? Bhuku rinonzi The Battle for Christmas rinoti: “Hapana uchapupu hweBhaibheri kana kuti hwenhoroondo dzekare hunoratidza kuti Jesu akaberekwa musi wa25 December.” Rinowedzera kuti sangano rechitendero revaPuritans raiona, “Krisimasi somutambo wechihedheni unoitwa vanhu vachihwanda nechiKristu.”

Chikonzero chechina ndechokuti kwakabva mhemberero yacho hakuna kunaka. Krisimasi yakatanga kare-kare muguta reRoma rekare umo mainge makazara kunamata kwenhema uye maiitwa mitambo yokupemberera mwari wokurima ainzi Saturn uye mwari wezuva ainzi Sol Invictus kana kuti Mithra. Christian Rätsch naClaudia Müller-Ebeling avo vanova nyanzvi dzinoongorora magariro evanhu, vakanyora mubhuku rinonzi Pagan Christmas kuti: “Sezvakangoitwawo tsika dzakawanda nezvitendero zvaivapo chiKristu chisati chatanga, mutambo wekare wokupemberera kudzoka kwezuva gore negore wakachinjwa kuti uve kupemberera kuberekwa kwaKristu.”

Kubva pane zvataurwa pamusoro apa, waona here kuti nei vaKristu vechokwadi vasingapembereri Krisimasi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe