RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 7/15 p. 26
  • Nhengo Itsva yeDare Rinodzora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhengo Itsva yeDare Rinodzora
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Nhengo Itsva Dzedare Rinodzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Nhengo Itsva dzeDare Rinodzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nhengo Itsva yeDare Rinotungamirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Musangano Usingakanganwiki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 7/15 p. 26

Nhengo Itsva yeDare Rinodzora

Mangwanani omusi weChitatu September 5, 2012, mhuri yeBheteri yokuUnited States neyokuCanada dzakaziviswa kuti kwava nenhengo itsva yawedzerwa muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Kubva musi wa1 September, 2012, Hama Mark Sanderson vakatanga kushumira senhengo yeDare Rinodzora.

Hama Sanderson vakakurira kuSan Diego, California, U.S.A. vachirerwa nevabereki vavo Zvapupu uye vakabhabhatidzwa musi wa9 February, 1975. Vakatanga kushanda sapiyona muSaskatchewan, Canada, musi wa1 September, 1983. Muna December 1990, vakapedza kudzidza mukirasi yechinomwe yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri (chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora) muUnited States. Hama Sanderson vakagadzwa kuva piyona chaiye kuchitsuwa cheNewfoundland, Canada, muna April 1991. Pashure pokunge vamboshanda semutsivi womutariri wedunhu, vakakokwa kuti vazova nhengo yemhuri yeBheteri kuCanada muna February 1997. Muna November 2000, vakanzi vanoshandira kubazi rokuUnited States kwavakanoshanda muDhipatimendi Remashoko Echipatara uye vakazochinjirwa kuDhipatimendi Rebasa.

Muna September 2008, Hama Sanderson vakapinda Chikoro Chenhengo Dzedare Rebazi uye vakagadzwa kuva nhengo yeDare Rebazi kuPhilippines. Muna September 2010, vakakokwa kuti vadzoke zvekare kuUnited States kwavakanoshanda somubatsiri muDare Rebasa reDare Rinodzora.

Nhengo dzeDare Rinodzora Dziripo Iye Zvino

Mutsetse wokumashure kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: D. H Splane, A. Morris III, D. M. Sanderson, G. W. Jackson, M. S. Lett. Mutsetse wepamberi, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: S. F. Herd, G. Lösch, G. H. Pierce. Vose vari muDare Rinodzora vaKristu vakazodzwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe