RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 8/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Minyengetero Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Minyengetero Yaani Inopindurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 8/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Mwari anoteerera minyengetero yose here?

Mwari anoteerera vanhu vemarudzi ose. (Pisarema 145:18, 19) Shoko rake, Bhaibheri rinotikurudzira kutaura naye kana paine chero chiri kutinetsa. (VaFiripi 4:6, 7) Asi pane mimwe minyengetero isingafarirwi naMwari. Somuenzaniso kuita minyengetero yokungodzokorora nomusoro hakufarirwi naMwari.—Verenga Mateu 6:7.

Jehovha haafaririwo minyengetero yevanhu vasingateereri mitemo yake vachitoziva havo. (Zvirevo 28:9) Somuenzaniso, munguva dzinotaurwa muBhaibheri, Mwari akaramba kuteerera minyengetero yevaIsraeri vaiva nemhosva dzekuponda. Zviri pachena kuti pane zvatinotofanira kuita kuti Mwari atinzwe.—Verenga Isaya 1:15.

Tinofanira kuitei kuti Mwari atinzwe?

Hazviite kuti tinyengetere kuna Mwari kana tisina kutenda. (Jakobho 1:5, 6) Tinofanira kunyatsova nechivimbo chakasimba chokuti ariko uye kuti ane hanya nesu. Tinogona kusimbisa kutenda kwedu kuburikidza nokudzidza Bhaibheri, nokuti ndiro rine uchapupu nevimbiso zvinoita kuti tive nekutenda kwechokwadi.—Verenga VaHebheru 11:1, 6.

Tinofanira kunyengetera nemwoyo wose tichizvininipisa. Kunyange Jesu Mwanakomana waMwari aizvininipisa paainyengetera. (Ruka 22:41, 42) Saka pane kuti tiudze Mwari zvokuita, tinofanira kuverenga Bhaibheri tonzwisisa zvaanoda kuti tiite. Tikadaro tinenge tava kukwanisa kunyengetera maererano nezvinodiwa naMwari.—Verenga 1 Johani 5:14.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 17 chebhuku iri, rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Unogona kurikopa pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe