RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 12/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mwari Achagadza Hurumende Inotonga Pasi Pose Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • NezvoUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 12/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Chinangwa chokudzoka kwaKristu ndechei?

Jesu Kristu asati aenda kudenga muna 33 C.E., akavimbisa kuti aizodzoka. Akazvifananidza nemurume weimba huru akaenda kunyika iri kure kwenguva yakareba, ndokuzodzoka ava nesimba rokutonga samambo. Chinangwa chokudzoka kwaJesu ndechokuita kuti vanhu vawane hurumende yakanaka.—Verenga Ruka 19:11, 12.

Jesu achaita kuti vanhu vave nehurumende yakanaka

Kristu anodzoka nemuviri wakaita sei? Akamutswa semunhu wemudzimu asingaoneki. (1 Petro 3:18) Akabva aenda kudenga uye akagara kuruoko rworudyi rwaMwari. (Pisarema 110:1) Pave paya, Jesu akazoendeswa pamberi pe“Akakwegura Pamazuva,” Jehovha Mwari, uyo akabva apa Jesu simba rokutonga vanhu. Saka Jesu anodzoka, kwete semunhu, asi saMambo asingaoneki.—Verenga Dhanieri 7:13, 14.

Jesu achaitei paanosvika?

Jesu paanosvika asingaoneki pamwe chete nengirozi dzake, achatonga vanhu. Achaparadza vanhu vakaipa uye achapa upenyu husingaperi kune vaya vanobvuma kutongwa naye.—Verenga Mateu 25:31-33, 46.

SaMambo, Jesu achachinja nyika kuti ive paradhiso. Achamutsa vakafa kuitira kuti vanakidzwe neupenyu muParadhiso yepanyika.—Verenga Ruka 23:42, 43.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 73-85 mubhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Unogona kurikopa pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe