RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 6/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa
    Mukai!—2023
  • Chipo Chisingaperi Chinobva kuMusiki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Zviri Mumagazini Ino
    Mukai!—2023
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 6/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Nyika yedu yakasikirwei?

Murume wechidiki ari kufungisisa nezvezvinhu zvakasiyana-siyana zvakasikwa

Nyika yakagadzirwa kuti ive musha wakanaka wevanhu

Nyika yakagadzirirwa kuti zvinhu zvipenyu zvirarame pairi. Ine mvura yakawanda, inodiwa kuti tirarame. Kurereka kunoita nyika, kutenderera, uye pairi, zvose zvakanakira kuti mvura yemumakungwa isaoma nechando kana kuti isavira nokupisa. Uye mhepo inoita seyakaputira nyika (atmosphere) uye simba renyika rinonzi magnetic field zvinodzivirira nyika pamwaranzi inouraya. Kutsigirana kunoita zvirimwa nemhuka zviri panyika kunoshamisa. Nokudaro, vanhu vakawanda vakagumisa kuti nyika yedu yakagadzirwa iine chinangwa.—Verenga Isaya 45:18.

Asi unganetseka kuti: ‘Kutambura uye udzvinyiriri zvinobatanidzwawo here pachinangwa chacho?’—Verenga Dheuteronomio 32:4, 5.

Chinangwa chakasikirwa nyika chichazadziswa here?

Nyika yakagadzirwa kuti ive musha wakanaka wevanhu vanoremekedzana uye vanoda Musiki wavo. Naizvozvo, upenyu hwevanhu hune chinangwa chakakwirira kupfuura mhuka kana zvirimwa. Tinokwanisa kunzwisisa kuti Musiki wedu ndiani uye kuyemura nekutevedzera rudo rwake nekururamisira.—Verenga Muparidzi 12:13; Mika 6:8.

Musiki wedu anogona kuzadzisa zvose zvaakaronga. Saka tinogona kuva nechivimbo chokuti achagumisa kutambura neudzvinyiriri oita kuti nyika yedu ive musha wakanaka chaizvo wevanhu.—Verenga Pisarema 37:11, 29; Isaya 55:11.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe