RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 8/1 p. 5
  • Mwari Anokunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anokunzwisisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anosanotiziva!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari Anokuziva Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mwari Anokunzwisisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Takaitwa Nenzira Inoshamisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 8/1 p. 5

NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANE HANYA NEWE HERE?

Mwari Anokunzwisisa

“Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva.”—PISAREMA 139:1.

DNA uye mwana ari mudumbu

“Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa.”—PISAREMA 139:16

CHINOITA KUTI VAMWE VASAVA NECHOKWADI: Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari anongoona vanhu sevatadzi, vasina kuchena uye vasina kukodzera kufungwa naye. Mukadzi anonzi Kendra, uyo akanga akaora mwoyo, akazvipa mhosva nokuti akanga asiri kunyatsoita zvinodiwa naMwari. Nokudaro akati, “Ndakarega kunyengetera.”

ZVINODZIDZISWA NESHOKO RAMWARI: Jehovha haangooni zvaunotadza chete asi anonzwisisawo zvauri chaizvo. Bhaibheri rinoti, “Anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.” Kupfuura izvozvo, haatiitiri “maererano nezvivi zvedu,” asi anotikanganwira nengoni patinopfidza.—Pisarema 103:10, 14.

Funga nezvaDhavhidhi, mambo wevaIsraeri ambotaurwa munyaya yokutanga. Akanyengetera kuna Mwari achiti: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, Uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu . . . Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu.” (Pisarema 139:16, 23) Dhavhidhi aiva nechokwadi kuti kunyange zvazvo akambotadza zvakakomba, Jehovha ainzwisisa kupfidza kwaaiita mumwoyo make.

Jehovha anokunzwisisa kupfuura chero munhu upi zvake. Bhaibheri rinoti, “Munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Mwari anoziva zvinoita kuti uite zvaunoita, anoziva kuti zvimwe zvacho wakangoberekwa uinazvo, zvimwe zvinobva pamakuriro awakaita, nzvimbo yaunogara, uye unhu hwako. Anoona uye anokoshesa zvaunoedza kuita, kunyange zvazvo uchitadza.

Mwari anokunyaradza sei achishandisa ruzivo irworwo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe