RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 11/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Vakafa Vachamuka!
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Hama Neshamwari Dzako Dzakafa Dzinogona Kuraramazve!
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 11/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Ichokwadi here kuti Jesu akamutsa vakafa?

Jesu anomutsa Razaro, achimudaidza kuti abude muguva

Jesu akamutsa Razaro uyo akanga ava nemazuva mana afa

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Jesu akamutsa vakafa. Nyaya idzodzo hadzisi ngano, asi zvinhu chaizvo zvinozivikanwa nguva yazvakaitika nenzvimbo yazvakaitikira. Somuenzaniso, muchirimo chegore ra31 C.E., boka guru revanhu rakafamba naJesu kubva kuKapenaume richienda kuNaini. Vachisvika ikoko vakasangana nerimwe boka revanhu. Unogona kubvuma kuti nyaya yekumutswa yakazoitika ndeyechokwadi nekuti yakanyorwa muShoko raMwari Bhaibheri, uye yakaitika vanhu vose ivavo vachiona.​—Verenga Ruka 7:11-15.

Jesu akamutsawo shamwari yake Razaro uyo akanga ava nemazuva mana afa. Unogona kubvuma kuti nyaya yezvakaitwa naJesu zuva iroro ndeyechokwadi nekuti paiva nevanhu vakawanda vakazviona zvichiitika.​—Verenga Johani 11:39-45.

Nei Jesu akamutsa vakafa?

Jesu akamutsa vakafa nekuti ainzwira vanhu tsitsi. Akaitawo izvozvo kuti aratidze kuti akapiwa simba naBaba vake, Musiki weupenyu, rekuti amutse vakafa.​—Verenga Johani 5:21, 28, 29.

Kumutswa kwakaitwa vanhu naJesu kunoita kuti tivimbe nezvaakataura kuti achaita mune ramangwana. Achamutsa vanhu vakawanda kusanganisira vasina kururama vaisamboziva nezvaMwari wechokwadi. Vachapiwa mukana wokuti vazive uye vade Jehovha Mwari.​—Verenga Mabasa 24:15.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 7 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe