RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 10/1 p. 15
  • Kanganwira Nemwoyo Wese

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kanganwira Nemwoyo Wese
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kanganwiranai Nomwoyo Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kukanganwira Kuita Sei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuvirei Anokanganwira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 10/1 p. 15

UCHENJERI HWEKARE HUNOTIBATSIRA MAZUVA ANO

Kanganwira Nemwoyo Wose

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Rambai muchikanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.’—VaKorose 3:13.

Mukadzi anosimudza ruoko rwake achibva pane mumwe mukadzi

Zvinorevei? MuBhaibheri, chivi chinofananidzwa nechikwereti, uye kukanganwira kunofananidzwa nekukanzura chikwereti. (Mateu 18:21-35) Rimwe bhuku rinoti, muMagwaro, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kanganwira” rinoreva “kukanzura chikwereti, kureva kusabvunza chikwereti chacho kumunhu wawakakweretesa.” Saka patinosarudza kukanganwira munhu anenge atitadzira, tinobva takanganwa nezvazvo pane kuda kuti munhu wacho atiitire chimwe chinhu. Kuda kwatinoita kuregerera vamwe hakurevi kuti zvavakaita zvinenge zvisina kutirwadza kana kuti tinenge tichitsigirana navo pane zvakaipa zvavanenge vakaita. Asi kunoreva kuti tinenge tangorega kuchengeta chigumbu, kunyange zvazvo tingave nechikonzero chine musoro ‘chokunyunyuta.’

Zvichiri kushanda here mazuva ano? Sevanhu vane chivi, tose tinotadza. (VaRoma 3:23) Saka tinofanira kuregerera vamwe, nekuti mangwana ndisuwo tinozoda kuregererwa. Uyewo, kuregerera vamwe kunotibatsira. Munzira dzipi?

Vakadzi vaviri vakambundirana

Kana tikagara takatsamwa uye takachengeta chigumbu, tisingaregereri vamwe, tinenge tichitozvikuvadza. Kana tikaita izvi, tinenge tichizviomesera uye hatimbofari muupenyu. Zvinogonawo kukanganisa utano hwedu zvikuru. Yoichi Chida uyo akadzidza chaizvo, uyewo mumwe purofesa anoona nezvekushanda kwepfungwa anonzi Andrew Steptoe, vakambotaura muJournal of the American College of Cardiology kuti: “Zvichangobva kutsvakurudzwa zvinoratidza kuti kutsamwa uye ruvengo zvinokonzera chirwere chemwoyo.”

Asi ngationei kuti kuregerera kunotibatsira sei. Patinoregerera vamwe nemwoyo wose, tinoramba takabatana uye tichiwirirana. Chinotonyanya kukosha ndechekuti tinenge tichitevedzera Mwari, uyo anoregerera vatadzi vanopfidza uye anotitarisira kuti nesuwo tiite saizvozvo.—Mako 11:25; VaEfeso 4:32; 5:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe