RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 11/1 p. 3
  • Mwari Anoona Sei Hondo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anoona Sei Hondo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Hondo
    Mukai!—2017
  • Mwari Anoona Sei Hondo Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mwari Aiona Sei Hondo Jesu Paaiva Panyika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mwari Aiona Sei Hondo Kare Kare?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 11/1 p. 3
Masoja, zvimota zvehondo, nendege dzehondo

NYAYA IRI PAKAVHA

Mwari Anoona Sei Hondo?

Ungapindura sei mubvunzo uyu? Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari anoda kuti vanhu varwe hondo. Vanoti Mwari akamboudza vamwe vanhu vaimunamata munguva dzekare kuti varwe hondo; uye ndizvowo zvinotaurwa neBhaibheri. Asi vamwewo vanonzwisisa kuti Mwanakomana waMwari Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vade vavengi vavo. (Mateu 5:43, 44) Saka vanoti Mwari akazochinja maonero aanoita hondo uye kuti mazuva ano haachatenderi vanhu kurwa hondo.

Unofungei? Mwari anoda kuti vanhu varwe hondo here? Kana zvakadaro anotsigira ani muhondo dziriko mazuva ano? Kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi, kuchakubatsira kuongorora maonero ako nemafungiro ako panyaya yehondo. Somuenzaniso, kana ukaziva kuti Mwari anoda kuti vanhu varwe hondo uye kuti ari kutsigira divi rako muhondo, zvichida waizofara kuti maonero ako panyaya yehondo akanaka, wova nechivimbo chokuti masoja enyu achakunda muhondo. Ukuwo waizonzwa sei kana ukaziva kuti Mwari ari kutsigira vavengi vako muhondo? Zvichida waizofunga kaviri.

Nyaya iyi haisi yokutamba nayo. Kuziva kuti Mwari anoona sei hondo kunogona kuchinja maonero aunomuita. Kana uri mumwe wemamiriyoni evanhu vakarwadziswa chaizvo nehondo, zviri pachena kuti unoda kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi: Mwari ndiye anokurudzira kuti hondo dzivepo sezvinofungwa nevamwe here? Anofarira kuti vanhu vatambure nehondo here? Haana kana basa nekurwadziswa kunoitwa vanhu muhondo here?

Unogona kushamisika kana ukaziva kuti mhinduro dzeBhaibheri dzakasiyana zvikuru nemafungiro ose iwayo. Uyewo, kubvira kare maonero anoita Mwari hondo haana kuchinja. Ngationei kuti Bhaibheri rinoti Mwari aiona sei hondo kare kare uyewo kuti ainge ava kuiona sei pakazouya Jesu panyika. Izvozvo zvichatibatsira kuziva kuti Mwari ari kuona sei hondo mazuva ano uye kuti hondo dzicharamba dziripo here.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe