RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 11/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Vakafa Vachamuka!
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 11/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Vakafa vachamuka here?

Vanhu vari muParadhiso vachigamuchira vanhu vamutswa kubva kuvakafa

Zvechokwadi Musiki anokwanisa kumutsa vakafa

Jehovha Mwari ndiye tsime reupenyu. (Pisarema 36:9) Saka hazvingave nemusoro here kufunga kuti Mwari mumwe chete iyeye anokwanisa kumutsa vakafa? Bhaibheri rinotivimbisa kuti ndizvo chaizvo zvaachaita. (Verenga Mabasa 24:15) Sei achizomutsa vakafa?

Musiki wedu akasika munhu kuti ararame nekusingaperi panyika pano. (Genesisi 1:31; 2:15-17) Nanhasi haana kuchinja panyaya iyi. Anorwadziwa paanoona tichitambura chaizvo muupenyu uye tichikurumidza kufa.—Verenga Jobho 14:1, 14, 15.

Vanhu vachamutswa vachagara kupi?

Mwari akasika vanhu kuti vagare kudenga here? Kwete. Mwari akasika ngirozi kuti dzigare kudenga. Akasika vanhu kuti vagare panyika. (Genesisi 1:28; Jobho 38:4, 7) Uine pfungwa idzi, funga nezvevanhu vakamutswa naJesu. Akavamutsa kuti vararamezve vari pasi pano. Saizvozvowo, vakawanda vachamutswa mune ramangwana vachagara pasi pano.—Verenga Johani 5:28, 29; 11:44.

Zvisinei, Mwari akasarudza vanhu vashoma kuti vamutswe vaine miviri yekudenga, kuti vazorarama ikoko. (Ruka 12:32; 1 VaKorinde 15:49, 50) Vaya vachamutswa kuti vanorarama kudenga vachava madzimambo pamwe chete naKristu, vachitonga nyika.—Verenga Zvakazarurwa 5:9, 10.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 7 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Riripowo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe