MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA
Tinokwanisa here kuziva chokwadi nezvaMwari?
Nei Mwari achida kuti tizive chokwadi? Verenga Johani 17:3
Mwari akataura nevanhu. Akashandisa mudzimu mutsvene, kana kuti simba rake rinoita basa, pakuita kuti pfungwa dzake dzinyorwe muBhaibheri. (2 Petro 1:20, 21) Tinogona kusvika pakuziva chokwadi nezvaMwari kana tikaverenga Bhaibheri.—Verenga Johani 17:17; 2 Timoti 3:16.
Mwari anoita kuti vanhu vazive zvakawanda nezvake achishandisa Bhaibheri. Anotaura kuti sei akasika vanhu, achavaitirei, uye kuti vanofanira kurarama sei. (Mabasa 17:24-27) Jehovha Mwari anoda kuti tizive chokwadi nezvake.—Verenga 1 Timoti 2:3, 4.
Nei Mwari achigamuchira vanhu vanoda chokwadi?
Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi, uye akatuma Mwanakomana wake, Jesu, kuti adzidzise vanhu chokwadi. Saka vaya vanoda chokwadi vanodawo Jesu. (Johani 18:37) Mwari anoda vanhu vakadaro kuti vamunamate.—Verenga Johani 4:23, 24.
Satani Dhiyabhorosi ari kuparadzira dzidziso dzisiri dzechokwadi nezvaMwari kuti vanhu vakawanda vasaziva nezvaMwari. (2 VaKorinde 4:3, 4) Vanhu vasingadi zvinhu zvakanaka vanobvuma dzidziso idzodzo dzenhema. (VaRoma 1:25) Asi mamiriyoni evanhu vanonyatsoda kuziva chokwadi nezvaMwari vari kuchiwana pavanodzidza Bhaibheri.—Verenga Mabasa 17:11.