RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 4 pp. 14-15
  • Enzanisa Zvinodzidziswa Kuchechi Kwenyu Nezviri muBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Enzanisa Zvinodzidziswa Kuchechi Kwenyu Nezviri muBhaibheri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ENZANISA DZIDZISO DZAUNOTENDA NEZVIRI MUBHAIBHERI
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
    Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 4 pp. 14-15

Enzanisa Zvinodzidziswa Kuchechi Kwenyu Nezviri Mubhaibheri

URI muKristu here? Kana uri muKristu, uri pakati pevamwe vanopfuura mabhiriyoni maviri vanotiwo vaKristu. Izvi zvinoreva kuti mumwe chete pavanhu vatatu vega vega anozviti muteveri waKristu. Mazuva ano machechi anoti ndeechiKristu awanda chaizvo, asi zvaanodzidzisa zvinosiyana. Saka dzidziso dzaunotenda dzinogona kunge dzakasiyana nekure nedzevamwe vanotiwo vaKristu. Asi zvine basa here kuti unotenda dzidziso dzipi? Ehe zvine basa, kana kuri kuti unoda kunyatsotevedzera chiKristu chinotaurwa muBhaibheri.

Vateveri vaJesu Kristu vekutanga vakazotumidzwa kuti “vaKristu.” (Mabasa 11:26) Sezvo kwaingova nechiKristu chimwe chete, pakanga pasina chikonzero chekuti vadanwe nemamwe mazita. VaKristu vainge vakabatana pakutevedzera zvavaidzidziswa naJesu Kristu, uyo akatanga chiKristu. Ndizvo zviri kuitwawo nechechi yaunopinda here? Zvainodzidzisa ndizvo here zvaidzidziswa naKristu uye zvaitevedzerwa nevateveri vake vekutanga? Chii chinogona kukubatsira kuziva? Bhaibheri chete ndiro rinogona kukubatsira.

Chimbofunga izvi: Jesu Kristu airemekedza chaizvo Magwaro achiaona seShoko raMwari. Aitoshora vanhu vaikoshesa tsika dzavo kupfuura zvinodzidziswa neBhaibheri. (Mako 7:9-13) Saka zviri pachena kuti vateveri vechokwadi vaJesu vanofanira kutora dzidziso dzavo muBhaibheri. Saka muKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Zvinodzidziswa kuchechi kwedu zvinoenderana here nezviri muBhaibheri?’ Kuti upindure mubvunzo uyu, wadii kumboenzanisa zvinodzidziswa kuchechi kwenyu nezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri?

Jesu akati kunamata kwatinoita Mwari kunofanira kubva pachokwadi chiri muBhaibheri. (Johani 4:24; 17:17) Uye muapostora Pauro akati kana tichida kuponeswa tinofanira kuva “nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Saka zvinokosha kuti dzidziso dzedu dzinge dzichibva pachokwadi chiri muBhaibheri nekuti tikasadaro hatizoponeswi.

ENZANISA DZIDZISO DZAUNOTENDA NEZVIRI MUBHAIBHERI

Tinokukumbira kuti uverenge mibvunzo 6 iri munyaya ino, wonzwa mhinduro dzacho dzinobva muBhaibheri. Verengawo mavhesi aripo, woona kuti ari kutsigira sei mhinduro dzacho. Kana wapedza zvibvunze kuti, ‘Zvinodzidziswa kuchechi kwedu zviri kuenderana here nezviri kutaurwa neBhaibheri?’

Mibvunzo iyi inogona kukubatsira kuti uone paumire. Ungada here kuenzanisa dzimwe dzidziso dzekuchechi kwenyu nezvinotaurwa neBhaibheri? Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukubatsira kuona chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri. Wadii kukumbira mumwe wavo kuti akubatsire kudzidza Bhaibheri pasina mari yaunobhadhara. Kana kuti unogona kuenda panzvimbo yedu yepaIndaneti, jw.org.

1. MUBVUNZO: Mwari ndiani?

MHINDURO: Jehovha, Baba vaJesu, ndiye Mwari anorarama nekusingaperi uye Wemasimbaose akasika zvinhu zvose.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

“Tinogara tichionga Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai.”—VaKorose 1:3.

“Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose.”—Zvakazarurwa 4:11.

Onawo VaRoma 10:13; 1 Timoti 1:17.

2. MUBVUNZO: Jesu Kristu ndiani?

MHINDURO: Jesu ndiye Mwanakomana wekutanga waMwari. Akaita zvekusikwa, saka ane paakatangira. Jesu anoteerera Mwari uye anozviisa pasi pake.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

“Baba vakuru kwandiri.”—Johani 14:28.

“[Jesu] ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, dangwe rezvisikwa zvose.”—VaKorose 1:15.

Onawo Mateu 26:39; 1 VaKorinde 15:28.

3. MUBVUNZO: Mudzimu mutsvene chii?

MHINDURO: Mudzimu mutsvene isimba rinoshandiswa naMwari kuti aite kuda kwake. Hausi munhu. Vanhu vanogona kuzadzwa nemudzimu mutsvene uye unogona kuvapa simba.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

“Erizabheti zvaakanzwa kukwazisa kwaMariya, mwana aiva mudumbu make akakwakuka; uye Erizabheti akazadzwa nomudzimu mutsvene.”—Ruka 1:41.

“Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri.”—Mabasa 1:8.

Onawo Genesisi 1:2; Mabasa 2:1-4; 10:38.

4. MUBVUNZO: Umambo hwaMwari chii?

MHINDURO: Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga. Jesu ndiye mambo wacho. Pasina nguva, Umambo uhwu huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi rose.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

“Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo. Manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: ‘Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe wedu nohwaKristu wake, uye Iye achatonga samambo nokusingaperi-peri.’”—Zvakazarurwa 11:15.

Onawo Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10.

5. MUBVUNZO: Vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga here?

MHINDURO: Aiwa. Kunongoendwa chete nevashoma vakatendeka, vanonzi “boka duku,” uye vanosarudzwa naMwari. Vachatonga nyika pamwe chete naJesu semadzimambo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

“Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.”—Ruka 12:32.

“Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo.”—Zvakazarurwa 20:6.

Onawo Zvakazarurwa 14:1, 3.

6. MUBVUNZO: Mwari akasikirei nyika nevanhu?

MHINDURO: Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga panyika, pasi rose richava paradhiso uye vanhu vakatendeka vachange vava neutano hwakanaka, kuine runyararo, uye vachararama nekusingaperi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.

“Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Onawo Pisarema 37:29; 2 Petro 3:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe