RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 4 p. 16
  • Bhaibheri Rinotii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri rinobatsira here kuti usanyanya kuzvidya mwoyo?
  • Kuzvidya mwoyo kuchazopera here?
  • Kandira Funganyo Yako Yose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kuzvidya Mwoyo
    Mukai!—2016
  • Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 4 p. 16
Mhuri iri muParadhiso

Umambo hwaMwari pahuchauya, vanhu “vachafara kwazvo norugare rukuru.”​—Pisarema 37:11

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri rinobatsira here kuti usanyanya kuzvidya mwoyo?

Ungati kudii?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Pamwe

Zvinotaurwa neBhaibheri

‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Bhaibheri rinotisimbisa parinotiudza kuti Mwari anokwanisa kutibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Kunyengetera kunoita kuti uwane “rugare rwaMwari,” zvoita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.​—VaFiripi 4:6, 7.

  • Uyezve, kuverenga Shoko raMwari kunokubatsira kana uine zviri kukunetsa.​—Mateu 11:28-30.

Kuzvidya mwoyo kuchazopera here?

Vamwe vanoti . . . kuzvidya mwoyo hakufi kwakapera. Asi vamwe vanoti kunopera kana munhu azoenda kudenga afa. Unofungei?

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mwari achabvisa zvese zvinoita kuti vanhu vazvidye mwoyo. “Rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”​—Zvakazarurwa 21:4.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vagare murugare uye murunyararo.​—Isaya 32:18.

  • Hakuna munhu anozozvidya mwoyo.​—Isaya 65:17.

Kana uchida kunzwa zvimwe, verenga chitsauko 3 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe