RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 5 p. 9
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • “Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Ngoni Nokuda Kwavanotambudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Jesu Anoporesa Musikana Ane Dhimoni Uye Murume Matsi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Panjodzi Mugungwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 5 p. 9

Waizviziva Here?

Jesu aituka here paakataura mufananidzo ‘weimbwa duku’?

Mwana wechiGiriki kana kuti wechiRoma ari kutamba nekambwanana

Mwana wechiGiriki kana kuti wechiRoma ari kutamba nekambwanana (makore ekuma100 B.C.E. kusvika kuma200 C.E.)

Mumwe musi Jesu paaiva kuRoma mupurovhinzi yeSiriya, mumwe mukadzi wechiGiriki akauya kwaari achikumbira kubatsirwa. Jesu paakamupindura, akashandisa muenzaniso waifananidza vanhu vakanga vasiri vaJudha ‘neimbwa diki.’ Imbwa dzaionekwa sedzisina kuchena muMutemo waMosesi. (Revhitiko 11:27) Saka Jesu aituka here mukadzi uyu nevamwe vakanga vasiri vaJudha?

Aiwa. Sekutsanangura kwaakaita kuvadzidzi vake, Jesu aireva kuti panguva iyoyo aifanira kutanga kubatsira vaJudha. Ndokusaka akapindura mukadzi uyu kuti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira imbwa duku.” (Mateu 15:21-26; Mako 7:26) VaGiriki nevaRoma vaida imbwa uye vaitogara nadzo mumba dzichitotamba nevana. Saka mashoko ekuti “imbwa diki” anogona kunge akatoita kuti mukadzi uyu aone kuti aidiwa. Mukadzi uyu wechiGiriki akanzwisisa zvaitaurwa naJesu achibva ati: “Hungu, Ishe; asi chokwadi imbwa duku dzinodya mafufu anowa patafura ravanatenzi vadzo.” Jesu akarumbidza kutenda kwaiva nemukadzi uyu achibva aporesa mwanasikana wake.​—Mateu 15:27, 28.

Zano remuapostora Pauro rekuti ngarava imbomira kufamba rakanga rakanaka here?

A relief carving of a large cargo ship

Ngarava hombe yaitakura zvinhu (makore ekuma100 C.E.)

Ngarava yakanga iina Pauro ichienda kuItaly yakanetseka pakufamba nemhaka yemhepo yaiva nesimba. Pavakamboti zororei, Pauro akavaudza kuti dai vambomira rwendo rwacho. (Mabasa 27:9-12) Zvaakataura zvaiva nemusoro here?

Vafambisi vengarava vaiziva kuti kufamba nemugungwa reMediterranean munguva yechando kwaiva nengozi. Saka zvaikurudzirwa kuti ngarava dzisafamba kubva nechepakati paNovember kusvika nechepakati paMarch. Asi rwendo rwakataurwa naPauro rwaizoitwa muna September kana kuti October. Mubhuku rake rinonzi Epitome of Military Science, munyori weRoma anonzi Vegetius (akararama kumakore ekuma400 C.E.) akati: “Mimwe mwedzi inofambika zvakanaka, asi mimwe hazvina chokwadi, kwozoita mimwe yekuti haitofambiki.” Vegetius akati zvakanga zvakanaka kufamba kubva musi wa27 May kusvika 27 September. Asi mwedzi yaisava nechokwadi yaitangira musi wa15 September kusvika 11 November uye yaisatombofambika yaitangira musi wa11 March kusvika 26 May. Pauro aizviziva nekuti akanga amboita nzendo dzakawanda. Mufambisi wengarava nemuridzi wayo vanofanira kunge vaizvizivawo, asi havana kuteerera Pauro uye ngarava yavo yakabva yaparara.​—Mabasa 27:13-44.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe