RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 6 pp. 12-14
  • Nei Kuine maBhaibheri Akasiyana-siyana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kuine maBhaibheri Akasiyana-siyana?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • BHAIBHERI REKUTANGA
  • GREEK SEPTUAGINT
  • LATIN VULGATE
  • KWAKATANGA KUVA NEDZIMWE SHANDURO
  • Zita raMwari ne“Testamente Itsva”
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • “Shanduro yeSeptuagint” Yaibatsira Kare uye Inobatsira Iye Zvino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mauyire Akaita Bhaibheri Kwatiri—Chikamu Chokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Unofanira Kudzidzira chiHebheru nechiGiriki Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 6 pp. 12-14
MaBhaibheri akasiyana-siyana

Nei Kuine MABHAIBHERI Akasiyana-siyana?

Nei mazuva ano kuine maBhaibheri akasiyana-siyana? Unofunga kuti anobatsira here kana kuti anotoita kuti munhu atadze kunzwisisa. Kuziva kuti ndiani akaashandura uye kuti aizviitirei kunogona kukubatsira kuona aungashandisa.

Akanyora Bhaibheri ndiani uye rakatanga kunyorwa riini?

BHAIBHERI REKUTANGA

Bhaibheri rinowanzokamurwa kuva zvikamu zviviri. Chekutanga chine mabhuku 39 ane “mashoko matsvene aMwari.” (VaRoma 3:2) Mwari akafemera varume vakatendeka kuti vanyore mabhuku aya uye vakatora makore anenge 1 100 kubvira muna 1513 B.C.E. kusvikira gore ra443 B.C.E richangoti pfuurei. Mabhuku akawanda akanyorwa muchiHebheru, uye ndosaka tichiati Magwaro echiHebheru, uye anozivikanwa seTestamende Yekare.

Chikamu chechipiri chine mabhuku 27 uye ose ‘ishoko raMwari.’ (1 VaTesaronika 2:13) Mwari akafemera vadzidzi vaJesu Kristu vakatendeka kuti vanyore mabhuku aya uye vakatora makore anenge 60 kubvira munenge muna 41 C.E. kusvikira muna 98 C.E. Akawanda akanyorwa muchiGiriki, uye ndosaka tichiati Magwaro echiKristu echiGiriki, uye anozivikanwa seTestamende Itsva.

Mabhuku aya 66 ndiwo anoumba Bhaibheri, shoko raMwari rakanyorerwa vanhu. Saka chii chakazoita kuti pave nemaBhaibheri akasiyana-siyana? Inzwa zvikonzero zvitatu.

  • Kubatsira vanhu kuti vagone kuriverenga mumutauro waamai.

  • Kubvisa zvikanganiso zvaiitwa nevairikopa, zvoita kuti mashoko acho afanane neaiva muBhaibheri rekutanga.

  • Kushandisa mashoko ari nyore kunzwisisa.

Verenga unzwe kuti zvikonzero izvi zvakashandiswa sei mumaBhaibheri maviri akatanga kushandurwa.

GREEK SEPTUAGINT

Pachine makore 300 Jesu asati auya panyika, nyanzvi dzechiJudha dzakatanga kushandura Magwaro echiHebheru muchiGiriki. Shanduro iyi yakazozivikanwa seGreek Septuagint. Shanduro iyi yakagadzirirwei? Kuti ibatsire vaJudha vakawanda vakanga vasingagoni kutaura chiHebheru kuti varambe vachiziva ‘zvinyorwa zvavo zvitsvene.’—2 Timoti 3:15.

Septuagint yakabatsirawo mamiriyoni evamwe vanhu vaitaura chiGiriki kuti vazivewo zvinodzidziswa neBhaibheri. Yakavabatsira sei? Purofesa W. F. Howard akati, “Kubvira nechekuma50 C.E, Septuagint ndiyo yakanga yava Bhaibheri reChechi yechiKristu raishandiswa nemamishinari mumasinagogi kuratidza vanhu ‘kubva mumagwaro kuti Jesu ndiye aiva Mesiya.’” (Mabasa 17:3, 4; 20:20) Ndicho chimwe chikonzero chakaita kuti vaJudha vakawanda vapedzisire “vasingachafariri Septuagint,” yakadaro imwe nyanzvi inoongorora Bhaibheri inonzi F. F. Bruce.

Vadzidzi vaJesu pavairamba vachiwana mabhuku eMagwaro echiKristu echiGiriki, vaibva vaabatanidza neSeptuagint, uye mabhuku ese iwayo ndiwo atava kuti Bhaibheri mazuva ano.

LATIN VULGATE

Makore anenge 300 kubva pakapera kunyorwa Bhaibheri, Jerome, uyo aiva nyanzvi panyaya dzechitendero, akabudisa Bhaibheri rechiLatin uye rakazozivikanwa seLatin Vulgate. MaBhaibheri echiLatin akanga ariko nechekare, saka Jerome akabudisirei rimwe? Aida “kugadzirisa zvinhu zvakanga zvakanganiswa, kubvisa zvakanga zvawedzeredzwa uye kuisa zvakanga zvasiyirirwa,” rinodaro The International Standard Bible Encyclopedia.

Jerome akagadzirisa zvakawanda zvacho. Asi nekufamba kwenguva, vatungamiriri vechechi vakazoita chikanganiso chakakura! Vakati Latin Vulgate ndiro chete Bhaibheri raifanira kushandiswa, uye mutemo uyu wakaramba uchishanda kwemazana emakore! Pane kuti shanduro iyi ibatsire vanhu kunzwisisa Bhaibheri, nekufamba kwenguva hapana kubatsira kwayakazoita nekuti vakawanda vakanga vasingagoni chiLatin zvachose.

KWAKATANGA KUVA NEDZIMWE SHANDURO

Panguva iyoyo, vamwe vanhu vakaramba vachishandura Bhaibheri, uye rimwe rinonyanya kuzivikanwa nderinonzi Syriac Peshitta rakashandurwa makore ekuma400 C.E. Pakazosvika makore ekuma1300 ndipo pakasimudzirwa basa iri zvekare nechinangwa chekuti munhu anenge wese akwanisewo kuverenga Magwaro mumutauro waanonzwisisa.

Makore ekuma1300 ava kunopera, John Wycliffe wekuEngland akatanga kubudisa Bhaibheri mumutauro wainzwisiswa nevanhu veikoko weChirungu. Nzira yekuprinda yaJohannes Gutenberg yakaita kuti nyanzvi dzeBhaibheri dzikwanise kuprinda uye kuparadzira maBhaibheri mumitauro yakawanda yekuEurope.

MaBhaibheri eChirungu paakatanga kuwanda, vamwe vakatanga kuti hapana chikonzero chekuva nemaBhaibheri akasiyana-siyana emutauro mumwe chete. Mumwe mukuru wechechi ainzi John Lewis wekuma1700 akanyora kuti: “Mamwe mashoko anopedzisira ava echinyakare, saka zvakakosha kuti Shanduro dzekare dzirambe dzichigadziridzwa kuitira kuti dzishandise mutauro unonzwisiswa.”

Mazuva ano, nyanzvi dzeBhaibheri dzava kunyatsokwanisa kuongorora shanduro dzekare. Vanonyatsonzwisisa mitauro yakashandiswa pakatanga kunyorwa Bhaibheri uye vava nezvinyorwa zvekare zveBhaibheri zvakawanikwa munguva pfupi yapfuura. Izvi zvinovabatsira kuziva kuti muBhaibheri rekutanga makanga makanzi kudii.

Saka kuva neshanduro dzemaBhaibheri dzemazuva ano kwakanaka. Kana vanhu vakashandura nemwoyo wekuda kukudza Mwari, shanduro idzodzo dzinogona kutibatsira. Asi mamwe acho anoda kungwarirwa.a

Kana uchida kuverenga Bhaibheri paindaneti mumutauro wako, enda pawebsite inonzi www.pr2711.com. Tarisa pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > BHAIBHERI.

a Verenga nyaya iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2008 yakanzi “Ungasarudza Sei Shanduro yeBhaibheri Yakanaka?”

ZITA DZVENE RAMWARI RINOWANIKA MUBHAIBHERI

Zita dzvene raMwari muchidimbu cheSeptuagint yaishandiswa panguva yakararama Jesu

Zita dzvene raMwari muchidimbu cheSeptuagint yaishandiswa panguva yakararama Jesu

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene inoshandisa zita dzvene raMwari rekuti Jehovha muMagwaro echiHebheru uye muMagwaro echiKristu echiGiriki. MaBhaibheri akawanda mazuva ano haashandisi zita iroro. Anoshandisa rekuti “Ishe.” Vashanduri vawo vanoti zita raMwari, mumutauro wechiHebheru (YHWH), rakanga risimo mushanduro yeMagwaro echiHebheru inonzi Greek Septuagint. Asi ichokwadi here?

Nechepakati pemakore ekuma1900, pakawanika zvidimbu zvekare zveSeptuagint zvaishandiswa panguva yakararama Jesu. Zvine zita dzvene raMwari rakanyorwa nemabhii echiHebheru. Zvinoita sekuti vanhu vaikopa Bhaibheri ndivo vakazobvisa zita dzvene iri vachibva varitsiva nerechiGiriki rekuti Kyʹri·os rinoreva kuti “Ishe.” Shanduro yeNyika Itsva yakadzosera zita dzvene iri pese paraiva rabviswa muMagwaro.

MASHOKO ARI MUBHAIBHERI AKACHINJWA HERE?

Mupumburu waIsaya wakawanikwa paGungwa Rakafa

Mupumburu waIsaya une makore 2 000 wakawanikwa paGungwa Rakafa. Zvirimo zvakafanana nezviri muBhaibheri ratinaro mazuva ano

Vanhu vaikopa Bhaibheri vanewo zvavakakanganisa Asi zvikanganiso izvozvo hazvina kubva zvaita kuti mashoko arimo achinje. “Hapana dzidziso inokosha yechiKristu inganzi yakakanganiswa.”—Our Bible and the Ancient Manuscripts.

VaJudha havana kunyanya kuita zvikanganiso zvakawanda pavaikopa. “Vanyori vechiJudha vakararama makore akatanga chiKristu vakaedza chaizvo kukopa zvakarurama Magwaro echiHebheru.”—Second Thoughts on the Dead Sea Scrolls.

Semuenzaniso, pamipumburu yakawanikwa paGungwa Rakafa, paiva newaIsaya uye ndewekare nemakore 1 000 kana uchienzaniswa nemimwe mipumburu iriko. Mupumburu wacho wakafanana here nezviri mumaBhaibheri mazuva ano? “Musiyano waungangowana ndeweshoko rinogona kunge rakangowedzeredzwa kana kuti rakabviswa.”—The Book. A History of the Bible.

Zvava nyore kuona uye kugadzirisa zvikanganiso zvaiitwa nevanhu vakanga vasina unyanzvi pakukopa, zvakadai sekuchinjaniswa kwemabhii kana kuti kwemashoko. “Hakuna rimwe bhuku rekare rinotsigirwa neumboo sezvinoitwa Testamende Itsva.”—The Books and the Parchments.

“Kuvatendi vanenge vachityira kuti zvimwe mashoko ari muBhaibheri akachinja, zivai kuti zviri muBhaibheri ndizvo chaizvo uye zvakarurama pasinei nekuti mashoko acho aikopwa nemaoko.”—The Book. A History of the Bible.

Saka Bhaibheri rakachinjwa here? Aiwa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe