RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 October p. 32
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Hungu Wako Ngaave Hungu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Teerera Mwari Ubatsirwe Nezvaakavimbisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 October p. 32

Waizviziva Here?

Itsika ipi yaiitwa nevaJudha yakaita kuti Jesu ashore nyaya yekuita mhiko?

Murume ari kupika ari mutemberi

MAERERANO neMutemo waMosesi pane pazvainge zvakakodzera kuti vaJudha vapike. Zvisinei, vanhu vakararama panguva yaJesu vakanga vava kungoti chero zvavataura votozvisimbisa nemhiko. Izvi vaizviitira kuti vanhu vabvume zvavaitaura, asi Jesu akashora tsika yacho kaviri. Akadzidzisa kuti: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.”​—Mat. 5:33-37; 23:16-22.

Theological Dictionary of the New Testament inotsanangura kuti Talmud inotibatsira kuona kuti zvakanga zvakajairika kuti vaJudha vaite mhiko kuti varatidze kuti mashoko avo ndeechokwadi. Iyi imhaka yekuti Talmud inonyatsotaura muudzamu kuti imhiko dzipi dzaifanira kuchengetwa uye kuti ndedzipi dzaigona kutyorwa.

Jesu haasi iye ega akashora tsika iyi. Semuenzaniso, munyori wenhoroondo yechiJudha, Flavius Josephus akataura nezvevanhu vekamwe kapoka kechiJudha achiti: “Vanodzivisa kupika vachiti kwakaipa kupfuura kureva nhema. Vanoti munhu anopika kuitira kuti vamwe vabvume zvaari kutaura, murevi wenhema.” Rimwe bhuku rechiJudha rinozivikanwa seWisdom of Sirach, kana kuti Ecclesiasticus, (23:11) rinotiwo: “Munhu ane tsika yekupika haateereri mutemo zvachose.” Jesu akashora tsika yekurerutsa mhiko. Kana tichitaura chokwadi nguva dzese, hatifaniri hedu kuita mhiko kuti vanhu vabvume mashoko edu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe