RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp18 nha. 1 p. 3
  • Bhaibheri Richiri Kushanda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Richiri Kushanda Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Chinhu Chinoyamura Chaizvo Pakushandura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kuchengeta Murangariro Wakadzikama Weruzivo Rwemakomupiyuta
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
wp18 nha. 1 p. 3
Munhu ari muchadenga, ndege, scientist, mhuri, uye murume ari kuverenga Bhaibheri

Bhaibheri Richiri Kushanda Here?

VAMWE VANOTI AIWA. Mumwe chiremba akati kushandisa Bhaibheri kwakafanana nekudzidzisa chemistry uchishandisa bhuku rakanyorwa kuma1920. Munhu asingabvumi kuti Bhaibheri rinoshanda anogona kukubvunza kuti ungashandisa here bhuku remakombiyuta rakanyorwa kare kuti uzive mashandiro emakombiyuta emazuva ano. Izvi zvinoratidza kuti vamwe vanofunga kuti Bhaibheri harichashandi.

Iye zvino zvakwava nemaTV neindaneti, zvine musoro here kutsvaga mazano kubva muBhaibheri? Mawebsite akawanda ari kupa vanhu mazano panyaya dzakasiyana-siyana. Vanhu vakadzidza, vane mukurumbira uye vanyori vemabhuku vari kubuda paTV vachipawo mazano. Kunewo mabhuku akawanda anotengeswa mumashopu, uye vakawanda vari kuatenga.

Nezvese izvi zvavako mazuva ano, munhu angatsvagirei mazano muBhaibheri rakanyorwa makore anenge 2 000 apfuura? Ichokwadi here kuti kutsvaga mazano mubhuku rekare iroro kwakafanana nekushandisa bhuku rekare rechemistry kana remakombiyuta? Aiwa, hachisi chokwadi. Zvinhu zvesainzi zvinogara zvichichinja, asi zvinodiwa nevanhu pakurarama hazvichinji. Vanhu vachiri kuda kuziva chinangwa cheupenyu, zvavangaita kuti vawane mufaro, vanzwe vakachengeteka, vagarisane mumhuri, uye vave neshamwari dzechokwadi.

Kunyange zvazvo Bhaibheri rakanyorwa kare, rinobatsira pazvinhu izvi uye pane zvimwewo zvakawanda. Rakafemerwa neMusiki wedu uye rinotibatsira pane zvese zvatinoita muupenyu uye pamatambudziko atingasangana nawo. (2 Timoti 3:16, 17) Zvarinotaura hazvimbotadzi kushanda! Iro pacharo rinoti: “Shoko raMwari ibenyu.”—VaHebheru 4:12.

Zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi here? Richiri kushanda here kana kuti harichashandi? Magazini ino ichakubatsira kupindura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe