RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w18 November p. 32
  • Chipo Chipi Chatingapa Jehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chipo Chipi Chatingapa Jehovha?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Mashoko Akafanana
  • “Kuzadza Ruoko Nechipo chaJehovha”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • “Tumari Tuviri” Twakapiwa Nechirikadzi Twaikosha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Tinotenda Jehovha Nekuda Kwerudo Rwenyu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
w18 November p. 32
donate.jw.org

Chipo Chipi Chatingapa Jehovha?

JESU akamboti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Chokwadi ichocho chinoshandawo paushamwari hwedu naJehovha. Nei zvakadaro? Jehovha akatipa zvipo zvakawanda zvinoita kuti tifare, asi tinogona kuwana mufaro wakatokura patinopa chipo kuna Jehovha. Chipo chipi chatingapa Jehovha? Zvirevo 3:9 inoti: “Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.” Zvinhu zvedu “zvinokosha” zvinosanganisira nguva yedu, zvatinogona, simba redu, uye pfuma yedu. Patinoshandisa zvinhu izvozvo kuti kunamata kwechokwadi kufambire mberi, tinenge tichipa Jehovha chipo, uye izvi zvinoita kuti tiwane mufaro mukuru.

Chii chichatibatsira kuti tisarega kupa Jehovha zvinhu zvatiinazvo? Muapostora Pauro akaudza vaKorinde kuti ‘vatsaure chimwe chinhu’ chekupa sechipo. (1 VaK. 16:2) Ungaita sei kana uchida kuziva nezvenzira dzekupa nadzo dzinoshanda kwaunogara? Ona bhokisi riri pasi apa.

Mune dzimwe nyika haukwanisi kupa chipo chemari paIndaneti. Zvisinei, mashoko nezvedzimwe nzira dzekupa nadzo zvipo anowanika papeji yapaIndaneti inotaura nezvekupa zvipo. Mune dzimwe nyika papeji iyoyo pane pakanzi Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa uye panopindurwa mibvunzo inowanzobvunzwa nevanhu nezvenyaya yekupa zvipo.

Nzira iri nyore yekupa nayo zvipo paIndaneti

IRI NYORE KUWANA

  • paIndaneti

    Nyora paIndaneti kuti donate.jw.org

  • JW Library

    Baya pakanzi “Donations” papeji yekutanga yeJW Library®

IRI NYORE KUSHANDISA

Ipa chipo chako kana kuti ita kuti chigare chichipiwa:

  • Basa Remunyika Yese

  • Ungano yako

  • Gungano Remunharaunda

  • Gungano Redunhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe