RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 3 pp. 14-15
  • Tinogona Kufara Iye Zvino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinogona Kufara Iye Zvino
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUGUTSIKANA
  • KUTSUNGIRIRA KANA UCHIRWARA
  • KUSIMBISA WANANO
  • Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Nyemwerera Zvinokubatsira!
    Mukai!—2000
  • Manyuko Akakwirira Zvikuru Ouchenjeri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 3 pp. 14-15
Nyanzvi yesainzi nemudzimai wayo vachibika pamwe chete

Tinogona Kufara Iye Zvino

UNOGONA kurarama upenyu husina kurwara, kuchembera, uye kufa. Asi iye zvino, tine matambudziko atiri kusangana nawo. Chii chingakubatsira kuti ufare pasinei nematambudziko aungava nawo? Bhaibheri rine mazano ezvaungaita iye zvino kuti urarame upenyu hunogutsa uye hunofadza. Ngationei mamwe ematambudziko atinosangana nawo uye mazano atinopiwa neBhaibheri.

KUGUTSIKANA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo.”​—VaHebheru 13:5.

Mazuva ano pane zvinhu zvinonzi nevanhu munhu wese anofanira kuva nazvo. Asi Bhaibheri rinotaura kuti tinogona kugutsikana nezvatinenge tiinazvo. Tingazviita sei?

Usanyanya “kuda mari.” Vanhu vanozvipira kuisa upenyu hwavo panjodzi, kusiya mhuri dzavo, kukanganisa ushamwari, kana kuita zvinhu zvisina unhu, vachingoitira kuti vawane mari. (1 Timoti 6:10) Asi zvinoguma nei? Pakupedzisira munhu anoda pfuma ‘haambofi akagutsikana.’​—Muparidzi 5:10.

Koshesa vanhu, kupfuura zvinhu. Ichokwadi kuti tinoda zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu. Asi zvinhu hazvikwanisi kutiratidza rudo kana kutitenda, vanhu chete ndivo vanokwanisa kudaro. Kuva ‘neshamwari dzechokwadi’ kunoita kuti tigutsikane.​—Zvirevo 17:17.

TINOGONA KUFARA IYE ZVINO KANA TIKATEVEDZERA MAZANO ARI MUBHAIBHERI

KUTSUNGIRIRA KANA UCHIRWARA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwoyo unofara mushonga wakanaka.”​—Zvirevo 17:22.

Kufara kwakafanana ‘nemushonga’ unogona kukubatsira kutsungirira kana uchirwara. Asi ungafara sei iwe uchirwara?

Tenda zvaunoitirwa. Kana ukagara uchingofunga nezvedambudziko rako, uchaona kuti “mazuva ese” unenge usingafari. (Zvirevo 15:15) Pane kuramba uchifunga nezvedambudziko rako, Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.” (VaKorose 3:15) Ratidza kuti unotenda kunyange ukaitirwa zvinhu zvidiki. Zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani, kuzvipa nguva yekuona kunaka kwakaita zuva parinovira, kunzwa kamhepo kanofefetera, uye kunyemwererwa nemunhu waunofarira.

Batsirawo vamwe. Kunyange kana uchirwara unofanira kuyeuka kuti, “kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Vamwe pavanotenda zvaunenge wavaitira, unonzwa kufara, uye hauzorambi uchingofunga nezvedambudziko rako. Kana ukaitirawo vamwe zvinhu zvinoita kuti vafare, zvichaita kuti newewo ufare.

KUSIMBISA WANANO

Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’​—VaFiripi 1:10.

Kana murume nemudzimai vakaita nguva shoma vari pamwe chete izvozvo zvinogona kukanganisa imba yavo. Vanofanira kuisa wanano yavo pekutanga muupenyu. Wanano ndechimwe chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe zvinhu.

Itai zvinhu pamwe chete. Rongai kuti muite zvinhu pamwe chete. Bhaibheri rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” (Muparidzi 4:9) Munogona kubika mese, kuita maekisesaizi, kumbofurwa nemhepo, kana kuita zvimwe zvinhu zvamunofarira.

Ratidza kuti unoda mumwe wako. Bhaibheri rinokurudzira murume nemudzimai kuti vadanane uye varemekedzane. (VaEfeso 5:28, 33) Kunyemwerera mumwe wako, kumumbundira, kunyange kumupa chipo chidiki kunogona kusimbisa wanano yenyu. Asi pane zvimwe zvamunofanira kungoitirana muri vaviri kwete paine vanhu.​—VaHebheru 13:4.

“NDAKAZOWANA CHINANGWA CHEUPENYU!”

—Ryoko Miyamoto wekuJapan.

Upenyu hwainge hwakaoma. Murume wangu aiva chidhakwa uye kwese kwaaishanda aipedzisira adzingwa. Aisada kuchengeta mhuri apa taiva nevana 4. Ndakaedza nepandaigona napo kushanda nesimba asi zvinhu zvakaramba zvakangotiomera. Ndakafunga kuti, ‘Asi ndiwo marongerwo akaitwa upenyu hwangu, kana kuti ndiri kurangirwa zvivi zvandakaita?’

Mumwe musi mumwe weZvapupu zvaJehovha akasvika pamba pedu. Ainyemwerera uye airatidza kuti ane chokwadi nezvaari kutaura. Akataura nezveUmambo hwaMwari uye upenyu husingaperi, achibva ati aida kudzidza neni Bhaibheri. Kubva pane zvandaidzidza ndakatanga kuona kuti Mwari ariko uye ane rudo, akachenjera, uye anoda zvinhu zvakanaka. Ndakadzidzawo kuti chii chinoitika kana tafa uye kuti kutambura kwandaiita kwaisareva kuti ndiwo marongerwo akatoitwa upenyu hwangu.

Ndakazotanga kuona kuti kana uchida kufara muupenyu unofanira kuva neukama hwakasimba naMwari. Kuziva chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri kwandibatsira chaizvo uye kuri kuita kuti ndisaramba ndichinetseka mupfungwa. Ndakazowana chinangwa cheupenyu!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe