Gadzirira Vadzidzi veBhaibheri nokuda Kwoushumiri
1 Nharidzano yokupedzisira mukuitisa fundo dzeBhaibheri kuita vadzidzi vatsva, vashandi vachatikumbanira mukudzidzisa vamwe. (Mat. 28:19, 20) Naizvozvo donzo refundo hakusati kuchingova kupa zivo chete; inofanira kuroverera kutenda kwomwoyo wose muvadzidzi vedu ndokuvagadzirira kugoverana tariro yavo navamwe. (2 VaK. 4:13) Munzirai dzinoshanda umo tinogona kuvabetsera kuva vakakwaniriswa kudzidzisa vamwe?—2 Tim. 2:2.
2 Gadza Ushumiri Senharidzano: Kubva pamavambo pamene, kujekese kuti kunamata kwechokwadi kunobatanidza “kuziviswa pachena kworuponeso.” (VaR. 10:10, NW) Zita redu rimene, Zvapupu zvaJehovha, rinoreva kuti tinofanira kutaura kuvamwe. Vabetsere kuona kuti kudzidziswa kwavo hakusati kuri nokuda kworuponeso rwavo vamene chete. Apo vanova vadzidzisi ivo vamene, avo vanovateerera vanewo banza roruponeso.—1 Tim. 4:16.
3 Hwirudzura Izvo Zviri Kudzidzwa: Kuhwirudzurwa kwapanhambo nenhambo kweizvo zvakadzidzwa iyamuro yokudzidzisa inokosha. Kunobetsera mudzidzi kukura mumudzimu sezvo zvokwadi itsva dzinodzidzwa dzinorovererwa mundangariro yake nomwoyo. Takawana ikoku isu timene pakupindura mibvunzo yehwirudzuro iyo inobatanidzwa muFundo yeNharireyomurindi. Gadzirira mibvunzo yakapfava, yakananga yokuti mudzidzi wako apindure mumashoko ake amene.
4 Hwirudzuro yako ingagona kuva nechimiro chomugariro webasa romumunda. Bvunza mubvunzo kana kuti rondedzera mugariro unowanzosanganwa nawo pakupupurira kuvamwe. Newe uchishanda sasaimba, ita kuti mudzidzi wako aratidzire izvo aizotaura. Murumbidze nokuda kweizvo aita zvakanaka, uye ipa zvikarakadzo zvinoshanda izvo zvichamubetsera kuva anotobudirira zvikuru nguva inotevera. Iyi rovedzo ichamudzidzisa nzira yokushandisa nayo izvo akadzidza uye ichakudziridza unyanzvi hwake mukushandisa Bhaibheri.
5 Bhuku raKurangarira: Iva nechokwadi chokuti mudzidzi wacho ane kopi yebhuku raKurangarira, uye murovedze kurishandisa. Ratidza kugovera kwarinoita zvikarakadzo pakutanga kurukurirano, kupindura mibvunzo yeBhaibheri, kana kuti kubata nezvirambidzo. Shandisa bhuku racho mufundo kuratidzira nzira dzokutaura nadzo kuvamwe nomutoo unopwisa. Iri bhuku rinogona kuvaka chivimbo chake, kuchiwedzera kutanga kwake kuzivisa shoko roUmambo.
6 Simbisa Ukoshi Hwemisangano: Misangano yeungano, zvikurukuru Musangano weBasa neChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari, zvakaitirwa kutigadzirira nokuda kwebasa romumunda. Zvinokosha zvose zvokupupurira kunobudirira zvinohwirudzurwa nokuenzanisirwa naavo vane ruzivo rwokuzviwanira navane unyanzvi. Simbisa ukoshi hwemisangano, uye ita zvaunogona kumubetsera kupinda. Kupinda nguva dzose kunogona kugovera mudzidzi wako simba iro anoda kuva mudzidzi wechokwadi waJesu.
7 Usingafaniri kufuratirwa muenzaniso wako umene womunhu oga. Kudisa kwako nokuva wenguva dzose mubasa rokuparidzira zvinoratidza kuonga kwako kukuru zvokwadi. Nzira yakadaro inokurudzira mudzidzi wako kuita zvakawanda kuratidzira kutenda kwake. (Ruka 6:40) Zvose izvozvi zvinogona kubetsera munhu mutsva kurangarira ushumiri seropafadzo uye kuva anoonga kuva negoverano mahuri.—1 Tim. 1:12.