RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/94 p. 4
  • Kuvaka Kutenda muMusiki Worudzi Rwomunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvaka Kutenda muMusiki Worudzi Rwomunhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kubetsera Vamwe Kukudza Muiti Wedu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Kupa Mashoko Akanaka Nechimiro Chendangariro Chakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kusakurira Fariro Pashanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 6/94 p. 4

Kuvaka Kutenda muMusiki Worudzi Rwomunhu

1 Vanhu vakawanda zvikurusa vakasvika kurudzi rwakati rwemhedziso pamusoro pamavambo oupenyu. Nenzira inosuruvarisa, vakawanda vakapesvedzerwa nomutoo wakaipa kugamuchira mhindumupindu semhinduro. Bhuku raShoko raMwari rinonzvera zvikuru mativi ose ari maviri enhau yacho uye rinogovera chibvumikiso chikuru mukutsigira Bhaibheri. Tinogona sei kubetsera vanhu vapachokwadi avo vakaratidzira kudisa kuteerera? Kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero. Apo tinodzokera, kwakanaka nguva dzose kuva nechimwe chinhu mumurangariro chokutaura icho chichavaka kutenda muna Jehovha soMusiki wedu.

2 Kana munhu wacho akaratidzira kudavira Bhaibheri, uku kusvika kungava kunobudirira nokuda kwokutanga kurukurirano yenyu:

◼ “Isaya 45:18 inotaura zvakasimba pamusoro pamavambo echisiko chose; ndingada kuziva icho munofunga pamusoro pacho. [Rava uye bvumira tsinhiro.] Jehovha anozvizivisa amene soMusiki wamatenga napasi. Zvakadiniko noupenyu papasi rino? Isaya 42:5 inomupa mbiri yose nokuda kwaihwohwowo. [Rava.] Kana icho Bhaibheri rinotaura chiri chechokwadi, mhindumupindu inofanira kuva yenhema. Munonzwa here kuti munogona kuvimba neBhaibheri?” Nongedzera kuganhuro 8 rebhuku raShoko raMwari, uye ratidza zvimwe zvikonzero zvokudavira Jehovha soMusiki.

3 Ungagona kuvamba kurukurirano yako nechimwe chinhu chakafanana neichi:

◼ “Pashanyo yangu yokupedzisira, mubvunzo wakamutswa, Chii chiri nguva yemberi yomunhu napasi? Cherekedzai kuti bhuku randakakusiirai rinopindura sei mubvunzo iwoyo.” Tendeukira kupeji 189 ndima 12 yebhuku raShoko raMwari uye mukurudzire kurava ndima 13. Kana imwe fariro ikaratidzwa, ungabvunza, kuti: “Ichinjoi dzinokatyamadza, dzamunofunga, kuti dzichaitika papasi?” Kana kwakakodzera, iri pfundo rinogona kukurukurwa panguva iyoyo kana kuti pashanyo yako inotevera kupfurikidza nokupfuurira kupinda mudzimwe ndima muganhuro rimwe cheteri rebhuku raShoko raMwari.

4 Kana saimba akaratidzika kuva anoti farirei zvorudzidziso, ungabvunza kuti:

◼ “Makacherekedza here kuti vanhu vakawanda nhasi vanopa mbiri kuchisiko chisiri munhu kana kuti chinodanwa somunhu kuti Mai Chisiko? [Bvumira tsinhiro.] Bhaibheri haritisiyi tiri murima pamusoro poMusiki chaiyeiye.” Rava Zvakazarurwa 4:11. Pashure pokunge rugwaro rwacho rwaraviwa, saimba angazvitaurira amene. Unogona ipapo kudanira ngwariro kupfundo rakananga kana kuti maviri anobva muganhuro 8 rebhuku raShoko raMwari ndokusimbisa zvichida donzo roMusiki rokushandura pasi rose kuva paradhiso muUmambo hwaKristu.

5 Imwe nzira yaungagona kuvamba nayo shanyo yedzokerero iri kupfurikidza nokutaura, kuti:

◼ “Rudzi rwomunhu rwakatambura marwadzo akawanda norusuruvaro nemhaka youshati nouipi. Jehovha, Musiki wapasi rino, akapikira kuti iyi migariro ichasvika kumugumo. [Rava Zvirevo 2:21, 22.] Avo vanomuziva soMuiti wavo ndokuita kuda kwake vanogona kutarira mberi kuzvikomborero zvinoshamisa.” Kana kwakakodzera panguva yacho, pfuurira nekurukurirano yaZvakazarurwa 21:4, 5.

6 Vaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira vakasvika pakuziva kuti kwakanakisisa kuronga nguva dzakagadzwa dzeshanyo dzedzokerero. Kuva negadziriro chaidzoidzo nokuda kweiri basa kuchatibetsera kutevera fariro nokukurumidza. Sarudza nguva iri yakanakisisa nokuda kwako uye nokuda kwavanhu vanogara mundima yacho. Kupfurikidza nokugoverana kwako nguva dzose muiri basa, uchawana mufaro mukuita basa ro“kuita vadzidzi.”—Mat. 28:19, 20, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe