Unogona Kukumbanira Zvakare Mapoka Here?
1 Mukati mamakore mashanu apfuura, zviuru zvamapiyona enguva dzose zvakakuwana kuri madikanwa kusiya mapoka emapiyona. Ko iwe wakanga uri mumwe wavo here? Kana zvakadaro, pasina panikiro wakanga une chikonzero chokurega iyi ropafadzo. Zvichida chakanga chiri chimwe chinhu chaisakarirwa uye chausina kugona kudzora. Ko chikonzero ichocho chichiripo here? Kana utano, zvinetso zvemari, kana kuti misengwa yemhuri zvakaita kuti kuve madikanwa kuti urege, ko migariro yako yavandudzika here? Ungagona here kuita gadziridzo dzine mufungo dzingakubvumidza kufarikanya zvikomborero zvokuita upiyona hwenguva dzose zvakare? Wati wafunga here pamusoro pokukumbira zvakare?
2 Sezvaunoziva, kuronga kwakanaka nokusanoronga zvinodikanwa kana uchizobudirira sapiyona. Nepo pachiwanzova pasina nguva yenhandaro, nhambo pfupi dzapiyona dzokuzorora dzinowanzobvumikisa kuva dzinogutsa zvikuru nedzinotusa. (Zvir. 19:17; Mabasa 20:35) Kupfurikidza nokuramba wakabatikana mubasa, unodzivirirwa papesvedzero yamararamire oudyire, ari nyore anorondwa nenyika. Jehovha akapikira kuti achakupfumisa mumudzimu kana uchizvibayira uye uchiisa fariro dzoUmambo pakutanga. Une chokwadi chokuwana mufaro wechokwadi negutsikano kupfurikidza nokuva womwoyo wose mubasa raJehovha.—Zvir. 10:22; VaK. 3:23, 24.
3 Ko ushumiri hwenguva yakazara hunofanira kurangarirwa seropafadzo yakazarukira bedzi vashomanene chaivo here? Aiwa. Nemhaka yemhiko yedu yetsauriro, muKristu ari wose anofanira kurangarira zvakakomba basa renguva yakazara kutoti migariro ichikuita kuve kusingabviri.—Mark. 12:30.
4 Kana utano hwako nemitoro yapaMagwaro zvisingakubvumiri zvakajeka kuita upiyona panguva ino, unogona kuvimba kuti Jehovha anoziva uye anonzwisisa. Achakutusa nokuda kwokutendeka kwako muizvo migariro yako inobvumidza. (1 VaK. 4:2; 2 VaK. 8:12) Kana, kunyanguvezvo, zvino kuchiratidzika kuva kwakakukodzera kupayona zvakare, huregererei kusvika mutariri anotungamirira ndokukumbira kumbiriso?
5 Mhuri Yako Inogona Kubetsera Here? Ungave wakasiya mapoka acho nemhaka yokuti waifanira kutarisira misengwa yemhuri. Kunobvira here kuti mimwe mitezo yemhuri zvino inokwanisa kupa rubatsiro rungakugonesa kupinda zvakare mubasa roupiyona? Nokuda kwavamwe, nebetsero duku chete mukutarisira mitoro yakati, kuita upiyona kunogona kuva kunobvira zvakare.
6 Batira pamwe yakanaka nenhamburiko duku yomuraudzo zvemimwe mitezo yemhuri zvinogona kuita kuti ikoku kuve kunobvira. Betsero ingava muchimiro chorubatsiro rwemari kana kuti chokufambisa, pamwe chete nerangano dzenguva dzose dzokushanda pamwe chete mubasa. Sezvingabvira pane dzimwe nzira dzavanogona kubatsira nadzo. Kana migariro isingakubvumidzi kutora iyi ropafadzo yebasa zvakare, zvichida rubatsiro rwakadaro runogona kupiwa kune mumwe mutezo wemhuri unogona kuita kudaro.
7 Huregerereiko kukurukura nhau iyi semhuri? Kariro dzingava dzakanaka kana mukakuita gadziriro yemhuri yose. Kana mumwe piyona achigona kuwedzerwa kumapoka acho, mhuri yose inogona kunzwa nenzira yakarurama kuti vari kuva negoverano. Mudzimu worupo wakadaro uchawedzera kwete bedzi uchapupu hwoUmambo mundima asi uchakweverawo mhuri yacho pamwe chete zvikuru mumudzimu.—Ruka 6:38; VaF. 2:2-4.