RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/95 p. 3
  • Ratidza Kurangarira Vamwe—Rutivi 2

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kurangarira Vamwe—Rutivi 2
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Funga Zvakanakira Vamwe Uye Iva Nemutsa Uchitevedzera Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Nzvimbo Dzekunamatira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 2/95 p. 3

Ratidza Kurangarira Vamwe—Rutivi 2

1 Sezvinobvira nenzira ine mufungo, tinoda kuchengeta ukama hwakanaka navanhu vanogara munzanga medu. Ikoku kunoda kuti tiratidze kurangarira nokuremekedza faniro dzavo nemirangariro.

2 Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwetsika dzakanaka. Mipimo yedu yetsika munharaunda, kuchikoro, uye kunzvimbo yebasa, pamwe chete napamagungano edu, yakaparira tsinhiro zhinji dzakanaka.—Onai Nharireyomurindi, June 15, 1989, peji 20.

3 Mufambiro wakaisvonaka, chokwadika, unobatanidza zvinhu zvizhinji, zvakadai sokutendeseka, kushingaira, uye tsika dzakanaka. Unobatanidzawo kuva anoremekedza vagari vanogara munharaunda yakapoteredza Horo yedu yoUmambo. Mufambiro wedu woumwari pane dzimwe nguva ungafuratirwa kana tichikundikana kuva vanorangarira vavakidzani vedu. Pauro akatikurudzira kuti “fambai bedzi zvakafanira Evhangeri.”—VaF. 1:27.

4 Panguva nenguva, nyunyuto dzakaitwa navagari vanogara pedyo neHoro dzoUmambo dzakati nemhaka yechavanorangarira kuva kushayika kwokurangarira kunoratidzwa navanopinda misangano. Hama nehanzvadzi vanofanira kudzivisa kuungana murutivi menzira pamberi peHoro yoUmambo uye kuita kurukurirano dzine ruzha dzinogona kunzwika mumisha iri pedyopo. Vana havafaniri kubvumirwa kumhanya vachipinda nokubuda muHoro yoUmambo. Kurovera nenzira isina mufungo masuo emotokari kana kuti kuridza huta dzemotokari zvinogona kudzongonyedza nharaunda. Mufambiro worudzi urwu unopa mukurumbira usina kufanira paungano. Uyewo, kunokosha kuti tichengete mirayiro yose yezvinofamba mumugwagwa apo tinofambisa motokari munharaunda yacho.—VaR. 13:1, 2, 5.

5 Motokari hadzifaniri kumiswa panzvimbo dzavaridzi kana kuti munzvimbo madzinodzongonyedza zvinofamba mumugwagwa kana kuti kuvhara migwagwa inopinda muvazhe dzavanhu. Nzvimbo dzokumisa motokari dzinotarisirwa nemakambani ebhizimisi ari pedyo nokuda kwavatengi vavo hadzifaniri kushandiswa kutoti kana mvumo yapiwa. Uko ungano nhatu kana kuti ina dzinoshandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo, misangano inorongwa rinodokuva zuva riri rose revhiki, uye ikoku kunoda kusanobatira pamwe pakati pemitumbi yavakuru.—Onai Nharireyomurindi, October 1, 1988, peji 17, ndima 13.

6 Bhaibheri rinotikurudzira ku“ita zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari,” uye ikoku kunobatanidza kuratidza kurangarira vokunze. (1 VaK. 10:31-33, NW) Kana tichi‘tarira fariro dzomunhu oga dzavamwe,’ hatizovhozhokeri nenzira isina mufungo panzvimbo yavo. (VaF. 2:4) Tichadzivisawo kudzongonyedza mibato yebhizimisi yavatengesi vomunzvimbomo.

7 Kurangarira vamwe—mose muri muviri mukati nokunze kweungano—iratidzirwo yokunze yezvatinonzwa mumwoyo medu. Zvatinoita nokutaura zvinofanira kuratidzira kuti ‘tinoda vavakidzani vedu sesu timene.’—Mat. 7:12; 22:39.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe