Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvinhui zvatinofanira kuenda nazvo kumisangano?
Vhiki imwe neimwe tinogamuchira murayiridzo unobetsera uye kurudziro pamisangano yeungano. (Isa. 48:17; VaH. 10:24, 25) Kuti tinobetserwa zvikuru sei, zvisinei, kunotsamira zvikurukuru pakuti tinouya takasanogadzirira here kana kuti kwete.
Kungava kwakanaka nokuda kwomutezo mumwe nomumwe wemhuri kuti uve nemashoko awo umene efundo uye zvimwe zvinhu zvinodikanwa nokuda kwemisangano. Ikoku kwaizobatanidza Bhaibheri, bhuku renziyo, chinyorwa (zvinyorwa) zviri kufundwa, bhuku rezvinonyorwa, uye peni kana kuti penzura.
Nokuda kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe HwaMwari, Rudungwe rweChikoro Choubati Ushe HwaMwari uye Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari zvinodikanwa. Izvi zvinhu zvinotibetsera kurangarira musoro wehurukuro dzomudzidzi dziri kupiwa uye kutevera mutariri wechikoro apo anopa zano. Tinogona kushandisa somunhu oga zano uye zvikarakadzo kuitira kuti tinatse hurukuro dzedu timene uye mharidzo mubasa romumunda. Kubvira muna January, dzakawanda zvikurusa dzehurukuro dzomurayiridzo dzakavakirwa muna Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. Kwaizova kunobetsera kuti mutezo mumwe nomumwe wemhuri uunze kopi yawo umene nokuda kwenongedzero.
Nokuda kwoMusangano Webasa, tinofanira kuva neUshumiri Hwedu hwoUmambo hwazvino uno uye bhuku raKurangarira. Endai nezvinyorwa zvipi nezvipi zvichanongedzerwa kwazviri mumusangano wacho, zvakadai samabhuku ayo achashandiswa mumharidzo dzichaenzanisirwa. Vakuru vanofanira kuva nekopi yaTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu.
Vabereki vanofanira kuedza kuti vana vavo vagare vakanyarara uye vape ngwariro pamisangano yeungano. Kuvagovera makopi avo vamene eNharireyomurindi uye zvimwe zvinyorwa, kunyange vasati vakwanisa kurava, kunovakurudzira kuva nefariro. Apo vaduku vanodzidziswa kuremekedza zvinyorwa zvoubati ushe hwaMwari uye kuzvishandisa, tsika dzomudzimu dzoupenyu hwose, dzakanaka dzinotangwa.
Mufaro uye gutsikano zvatinowana mumisangano yeungano zvinowedzerwa zvikuru apo tinouya takashongedzwa zvizere. (2 Tim. 3:17) Iyoyi ndiyo nzira yakanakisisa yokuva nechokwadi nayo chokuti taka“zadzwa nezivo yakarurama yokuda [kwaMwari] muuchenjeri hwose uye kunzwisisa kwomudzimu.”—VaK. 1:9, NW.