Rucheno Rwunounza Rukudzo Kuna Mwari
1 Rumwe rwamativi akatanhamara omutemo waMosesi rwakanga rwuri zvinodikanwa zvawo zvine chokuita norucheno. Irwo rwakaparadzanisa rudzi rwaIsraeri savanhu avo, kuti vanamate Mwari wavo nomazvo, vaifanira kuzvichengeta vamene vakachena munyama nomumudzimu.—Eks. 30:17-21; Revh. 11:35, 36; 15:1-11; Isa. 52:11.
2 Nhasiwo rucheno chiratidzo chavanhu vaJehovha. Vanamaneja vakawanda venhandare vakataura sezvakaita inisipekita mukuru wokudzima mwoto weMoscow uyo akati: “Iyi kokorodzano ndiyo inoorora zvikurusa. Kwakaisvonaka kuti vanhu vakawanda kudai vamarudzi akasiyana-siyana vanogona kuwana mutauro wavose. Ndinoshamiswa norucheno uye kurongeka zvavanhu venyu. Ndave ndichishanda panhandare ino kwamakore 20 uye handisati ndatongoona chinhu chipi nechipi chakafanana nacho.”
3 Nenzira inofadza, muBhaibheri mune mashoko anopfuura 400 ane chokuita na“kuchena,” “kutsvinda,” uye “kushamba.” Mutemo waMwari kuna Israeri wakanga une mirau yakananga iyo yaikurudzira rucheno rwenyama uye miitiro yakanaka youtsanana. (Eks. 30:18-21; Dheut. 23:11-14) Murayiro wo“kuda wokwako” unosundawo vaKristu kuzvichengeta vamene, misha yavo uye nzvimbo dzavo dzemisangano zvakachena.—Mat. 22:39.
4 Basa rokuchengeta idzi nzvimbo dzakachena harifaniri, zvisinei, kusiirwa mutezo mumwe kana kuti mishomanene mumhuri kana kuti ungano. Mutoro womunhu ari wose. PaHoro yoUmambo vakuru vanoita rudungwe rwokuchenesa horo, uye pakokorodzano dzedu tine bato rezvokuchenesa. Kana vose vakabatira pamwe, iri basa harisati richizorema.
5 Chimbudzi: Goja chimbudzi pashure pokushandisa. Nokuda kwechimbudzi chine chemba, shandisa mishonga yokuuraya zvipembenene. Geza maoko nesipo nemvura pashure pokushandisa chimbudzi. Geza chigaro chechimbudzi, singi, uye zvimwe zvinoshandiswa muchimbudzi nemushonga unouraya zvipembenene nguva dzose. Nguva dzose vavarira kusiya chimbudzi chakachena pashure pokushandisa. (Mat. 7:12) Mukuwedzera kukurovedza vana vedu mukushandiswa kwezvimbudzi pamusha, usatongoita kuti vana vaduku vaende kuchimbudzi vasingaperekedzwi pahoro kana kuti pakokorodzano. Varindiri vangakumbira vana vaduku vasingaperekedzwi kuchimbudzi kuti vaende ndokutora mumwe munhu mukuru kuti avaperekedze.
6 Kugadzirirwa kwezvokudya: Geza maoko nesipo nemvura usati wagadzirira nokupa zvokudya. Chengeta marara ari mugaba rine chivharo; rasa marara nguva dzose. Usarega midziyo ine tsvina usiku hwose. Geza miriwo uye michero zvakakwana usati washandisa. Kana kugadzirirwa kwezvokudya kuchiitirwa panze, usarega ndiro nemidziyo zvichisvika pasi. Usarega huruva ichisvika pamusoro pezvokudya.
7 Tinogona kushandisa idzi nheyo pakokorodzano dzedu here? Hungu, ikoku kuchabetsera kudzivisa zvinetso zvoutano izvo zvichaunza ruzvidzo pazita raJehovha.
8 Matare ekokorodzano anoshanda zvakaoma kuti mabhini emarara awanike panzvimbo dzakafanira munhandare dzekokorodzano. Mapepa, makanda emichero uye mamwe marara zvinofanira kuiswa mumabhini amarara. Havasati vari vebato rokuchenesa bedzi, asi tose zvedu savanhu vakachena vaJehovha tinofanira kungwarira ikoku.
9 Kupfurikidza nokungwarira kuzvichengeta timene, dzimba dzedu, Horo dzedu dzoUmambo uye nzvimbo dzedu dzekokorodzano zvakachena tichabvumikisa kuti tiri kugadzirira nokuda kwoupenyu munyika itsva yakacheneswa yaMwari.—2 VaK. 7:1.