Zviyeuchidzo zvaJehovha Zviri Kutinyandura Mumudzimu Here?
1 Wezvamapisarema akarumbidza Jehovha, achiti: “Zviyeuchidzo zvenyu ndezveitiro hanya kwandiri.” (Pis. 119:99, NW) Shoko rechiHebheru nokuda kwa“zviyeuchidzo” rinopa mufungo wokuti Jehovha anotiyeuchidza zvakanyorwa mumitemo yake, mirayiro yake, mirau yake. Kana tikaita chimwe chinhu, zvichatinyandura mumudzimu uye zvichatiita kuti tifare.—Pis. 119:2.
2 Savanhu vaJehovha, nguva dzose tinogamuchira tsiuro uye zano. Zvakawanda zvacho takazvinzwa kare. Kunyange zvazvo tichinzwisisa iyi kurudziro, tinokanganwa. (Jak. 1:25) Jehovha nenzira yokushivira anogovera zviyeuchidzo zvorudo. Muapostora Petro akanyora zvimwe zveizvi zviyeuchidzo kuitira kuti ‘tigonyandura mano edu okufunga kwakajeka kuti tifanire kuyeuka murayiro waShe.’—2 Pet. 3:1, 2.
3 Nguva nenguva tinoyeuchidzwa nezvoukoshi hwefundo yomunhu oga uye kupinda misangano. Ikoku kunoitwa nemhaka yokuti iyi mibato yakakosha kwazvo kugarikano yedu yomudzimu.—1 Tim. 4:15; VaH. 10:24, 25.
4 Denho hurusa nokuda kwavamwe ndeyokuita basa rechiKristu rokuparidza. Kunoda nhamburiko, kutsungirira, uye kupfuurira. Kunyange zvazvo kuchida zvakawanda kwatiri, tinobetserwa ku“mira takasimba” kupfurikidza nokuva ne“tsoka dzedu dzakagadzirirwa nemashoko akanaka.”—VaEf. 6:14, 15, NW)
5 Basa redu rinofanira kusundwa nezvinopfuura kuziva chete mundangariro zvinodikanwa zvaJehovha. Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti mwoyo unogovera sundwo yatinoda kuita “ziviso yapachena yoruponeso.” (VaR. 10:10, NW) Kana tine kutenda kwakasimba uye kana mwoyo wedu uchida zviyeuchidzo zvaJehovha, tichasundwa kutaura noushingi mukupa rumbidzo kuzita rake.—Pis. 119:36; Mat. 12:34.
6 Apo tinoshanda zvakaoma mukuita mabasa akanaka, tinokarira nenzira yakarurama kuti ikoku kuchatiunzira mufaro. (Mup. 2:10) Pauro anozivisa mufaro sechibereko chomudzimu waJehovha, uye tinofanira kutsvaka kuuratidzira wakawanda. (VaG. 5:22) Petro akawedzera kuti “nhamburiko yapachokwadi” ichatuswa noushumiri hunobereka zvibereko, uhwo hunoparira mufaro.—2 Pet. 1:5-8, NW.
7 Apo tinenge tatarisana nedenho, tinofanira kuyeuka kumira kwakasimba kwavaapostora sezvo vakazivisa, kuti: “hatigoni isu kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” (Mabasa 4:20) Tinosimbiswa kuti tipfuurire mberi apo tinoyeuka kuti ‘kupfurikidza nokuita zvinhu izvozvi, tichaponesa vose vari vaviri isu timene naavo vanotiteerera.’—1 Tim. 4:16.
8 Hatirwadziwi kana kuti kugumburwa nemhaka yokugamuchira zviyeuchidzo nguva nenguva. Panzvimbo pezvo, tinonzwisisa zvikuru ukoshi hwazvo hukuru. (Pis. 119:129) Munguva dzino dzinotambudza, tinoonga kuti Jehovha anoramba achititumira zviyeuchidzo kuti atinyandure mumudzimu ndokutisunda kuva vanoshingairira mabasa akaisvonaka!—2 Pet. 1:12, 13.