RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/95 p. 4
  • Rugwaro Rwose Runobetsera Pakudzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rugwaro Rwose Runobetsera Pakudzidzisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri—Nhungamiro yaMwari Kuvanhu Vose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Shoko raMwari Rinogovera Nhungamiro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kugovera Kwatingaita Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 11/95 p. 4

Rugwaro Rwose Runobetsera Pakudzidzisa

1 Mirangariro pamusoro poukoshi hweBhaibheri yakawanda uye yakasiyana-siyana. Zvisinei, tinopwiswa kuti mukati memapeji aro mune mhinduro kuzvinetso zvinotambudza zvorudzi rwomunhu pamwe chete nenhungamiro inovimbika nokuda kwenzira yedu yomunhu oga muupenyu. (Zvir. 3:5, 6) Uchenjeri hwezano raro hauenzaniswi. Mipimo yetsika yarinoreverera haikurirwi. Shoko raro rine simba, “rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.” (VaH. 4:12) Tinogona sei kubetsera vamwe kuti vaone chinodikanwa chokubvisa iri bhuku pasherufu ndokurinzvera nenzira yokungwarira? Ungashuva kuedza zvimwe zvezvikarakadzo zvinotevera pakugovera bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? mukati maNovember.

2 Sezvo vanhu vakawanda vachinetseka pamusoro pokusvitsa zvinodikanwa zvavo zvikuru, zvichida uku kusvika kwaizowana ngwariro yavo:

◼ “Vanhu vakawanda vandinotaura kwavari mazuva ano vanonetseka pamusoro pokusvitsa misengwa yavo yezvemari. Vakawanda vanobatwa mukuronda zvinhu zvokunyama, uye ikoku kunoguma nenhamo. Ndokupi kune nzvimbo yakanakisisa yokutendeukira kwairi panhau dzakadaro? [Bvumira mhinduro.] Ndakawana kuti Bhaibheri rinopa zano rinoshanda iro rinogona kutibetsera kudzivisa zvinetso zvisiri madikanwa. Regai ndikuratidzei mumwe muenzaniso.” Tendeukira kupeji 163 mubhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? uye rava 1 Timotio 6:9, 10, iyo yakanokorwa mashoko mundima 3. Ita dzimwe tsinhiro pandima 4, uye ipapo govera bhuku racho.

3 Hechinoi chimwe chikarakadzo chaungarangarira:

◼ “Nguva iri yose yatinorava pepanhau kana kuti kuteerera kunhau tinonzwa pamusoro pechimwe chinetso chinoodza mwoyo icho chinotiita kuti tinzwe tichida kuziva. [Dudza chimwe chiitiko chinokangaidza chakashumwa misi ichangobva kupfuura iyi munhau.] Tinogona sei kugonana nezvinetso zvakaita seizvi? [Bvumira mhinduro.] Shure muna 1983 aichimbova purezidhendi weUnited States [Ronald Reagan] akati Bhaibheri rine shoko gurusa rati rambonyorwa uye kuti ‘mukati mamapeji aro mune mhinduro dzose dzezvinetso zvose izvo munhu ati amboziva.’ Zvaakataura zvinoyeuchidza icho Bhaibheri rimene rinotaura. [Rava 2 Timotio 3:16, 17.] Regai ndikuratidzei nei tichigona kuvimba neBhaibheri.” Ratidzira mamwe mapfundo makuru anobva muturakiti raChikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri. Kumbira kudzoka gare gare kuzokurukura kuti kunofadza sei kuti uporofita hweBhaibheri huri kuzadzika muzviitiko zvenyika zvazvino uno.

4 Kana mune vanhu vakawanda vasiri vorudzidziso mundima yenyu, ungaedza uku kusvika:

◼ “Vanhu vakawanda munharaunda ino vanorangarira mabhuku matsvene akati kuti seanozvipokanidza uye senganowo zvadzo. Ivo vakaona zvinhu zvakaipa zvakawanda zvikuru zvichiitwa muzita rorudzidziso zvokuti havavimbi kunyange neBhaibheri. Kutaura idi, vanhu vakawanda zvikuru vari kushamisika kana Bhaibheri riri Shoko raMwari kana kuti romunhu. Ndoupi uri murangariro wenyu?” Bvumira mhinduro. Kuchitsamira pamhinduro yasaimba, tendeukira kuchikamu chebhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? icho chinobata nechirambidzo kana kuti murangariro wasaimba, uye kurukura pfundo rimwe kana kuti maviri. Somuenzaniso, ungava nomukana wokushandisa ndima 27-9 kuvambira papeji 66, pasi pomusoro muduku unoti “Jesu—Munhu Chaiyeiye.”

5 Murayiridzi Wedu Mukurusa akava nechokwadi chokuti zivo yokuda kwake inowanika kuna vose avo vanoda kudzidza. Kubetsera vamwe kunzwisisa ukoshi hweBhaibheri chaihwoihwo ndichimwe chezvinhu zvakanakisisa chatinogona kuita kuvabetsera; kunogona kuponesa upenyu hwavo.—Zvir. 1:32, 33.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe