RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/95 p. 2
  • Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuoneke

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuoneke
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Kuenderera Mberi Kwako Ngakuoneke
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Budirira—Fambira Mberi
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Vechiduku—Kufambira Mberi Kwenyu Ngakuonekwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kufambira Mberi Kwako Ngakuonekwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 12/95 p. 2

Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuoneke

1 Yeuka shure kusvikira kunguva yawakatanga kunzwa shoko roUmambo. Zvokwadi dzakapfava nyore dzakanyandura chishuvo chako chezivo uye nzwisiso. Nokukurumidza wakanga wava kukwanisa kuona dikanwo yokuita chinjo mumararamire ako nemhaka yokuti nzira dzaJehovha dzakakwirira zvikuru kwazvo kupfuura nzira dzako. (Isa. 55:8, 9) Wakaita fambiro mberi, wakatsaurira upenyu hwako, uye wakabhapatidzwa.

2 Kunyange pashure pokuita fambiro mberi yomudzimu yakati, pakanga pachine humwe utera hwaifanira kukurirwa. (VaR. 12:2) Zvichida wakanga uchitya munhu, uko kwakakuita kuti uzengurire kugoverana mubasa romumunda. Kana kuti zvichida wakanga uchikundikana kuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari. Panzvimbo pokurega, wakanga wakatsunga kuita fambiro mberi kupfurikidza nokuzvigadzira umene nharidzano dzoumwari.

3 Makore anoverengeka angava akapfuura zvino kubvira pawakaita tsauriro yako. Uchitarira shure, ndokupi kufambira mberi kwaunogona kuona mauri umene? Wakasvitsa dzimwe dzenharidzano dzako here? Une shingairo imwe cheteyo yawaimbova nayo “pakuvamba” here? (VaH. 3:14) Timotio akanga atova muKristu akakura mumudzimu ane makore oruzivo rwokuzviwanira apo Pauro akamukurudzira, kuti: “Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.”—1 Tim. 4:15.

4 Kuzvinzvera Kwomunhu Oga Kunodikanwa: Apo tinofungisisa pamusoro pemararamire edu omunguva yakapfuura, tinowana kuti tinopfuurira kuva nohumwe utera hwatakanga tinahwo apo takatanga here? Takakundikana kusvitsa dzimwe dzenharidzano dzatakagadza here? Kana zvakadaro, nemhaka yei? Kunyange zvazvo takanga tine vavariro dzakanaka, tingava takaverengera. Zvichida takabvumira funganyo dzoupenyu kana kuti dzvinyiriro dzetsika ino kutidzivisa.—Ruka 17:28-30.

5 Nepo tichigona kuita zvishoma pamusoro penguva yakapfuura, tinogona zvirokwazvo kuita chimwe chinhu pamusoro penguva yemberi. Tinogona kuzvinzvera timene nenzira yokutendeseka, kuwana patiri kuperevedza, uye ipapo kuita nhamburiko yakasimba yokuvandudza. Tingada kuita zviri nani mukuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari, zvakadai sokuzvidzora, unyoro, kana kuti mwoyo murefu. (VaG. 5:22, 23) Kana tine chinetso chokuwirirana nevamwe kana kuti kubatira pamwe navakuru, kunokosha kuti tisakurire kuzvininipisa uye kuzviisa pasi.—VaF. 2:2, 3.

6 Tinogona kuita kuti kufambira mberi kwedu kuoneke kupfurikidza nokusvasvavirira ropafadzo dzebasa here? Nenhamburiko yomuraudzo hama dzingakwanisa kukwanirisa savabatiri vanoshumira kana kuti vakuru. Vamwe vedu vangakwanisa kunyoresa samapiyona enguva dzose. Nokuda kwavamwe vakawanda, kuita upiyona hwebetsero kungava nharidzano inosvikika. Vamwe vangavavarira kunatsa miitiro yefundo yomunhu oga, vachiva vatori rutivi vanoshingaira zvikuru mumisangano yeungano, kana kuti kuva vanobudirira zvikuru savaparidzi veungano.

7 Ndokwomumwe nomumwe wedu, chokwadika, kusarudza patinofanira kuita fambiro mberi. Tinogona kuva nechokwadi chokuti nhamburiko yedu yapachokwadi yokuti “tipfuurire mberi pakukwaniswa” ichawedzera zvikuru mufaro wedu ndokutiita mitezo inobudirira zvikuru yeungano.—VaH. 6:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe