Ndiani Achateerera Shoko Redu?
1 Sezvisakamboitika nakare kose munhau yomunhu, vanhu vakazadzwa nezivo, yakawanda yacho isingabetseri uye inototsautsa. Somugumisiro, vakawanda vanonzwa vakurirwa, uye inobva yava denho kuti tivaite kuti vateerere shoko pamusoro poUmambo hwaMwari. Havanzwisisi kuti mugumisiro wakanaka zvakadini kuteerera kwavo Shoko raMwari unogona kuva navo pavari.—Ruka 11:28.
2 Tinofara kuti mumativi akawanda enyika, makumi ezviuru evanhu ari kuteerera shoko iroro uye ari kugamuchira chikarakadzo chedu chefundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mune dzimwe ndima, zvisinei, davidzo yacho haisati ichidokuva yakakura kudaro. Shanyo zhinji dzatinoita muushumiri hadzina migumisiro yakanaka, uye tingashamisika kuti ndiani achateerera shoko redu.
3 Tinofanira kudzivisa kuora mwoyo. Pauro akatsanangura, kuti: “Ani naani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye, . . . wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? . . . Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” (VaR. 10:13-15) Kana tikadyara mbeu yoUmambo nokushingaira, Mwari achaita kuti ikure muavo vane mwoyo yakatendeseka.—1 VaK. 3:6.
4 Chinokosha Kuita Shanyo Dzedzokerero Dzenguva Dzose: Mundima munoratidzika sokuti vanhu vashoma vanoteerera shoko redu, tinodikanirwa kupa ngwariro kukukudziridza fariro ipi neipi yatinowana, kana tagovera mabhuku kana kuti kwete. Nei kukurumidza kugumisa kuti hapana chichapedzwa? Kana tadyara mbeu, hatizivi uko ichava nebudiriro. (Mup. 11:6) Kana tikadzoka takagadzirira kugoverana chimwe chinhu chinobva muMagwaro, kunyange kana kwenguva pfupi bedzi, tingakwanisa kusvika mwoyo wemunhu wacho. Tinogona kusiya turakiti kana kuti kugovera magazini yazvino. Pakupedzisira, tinokwanisa kuenzanisira fundo yeBhaibheri. Tinozoshamisika zvinofadza kuona kuti Jehovha anokomborera zvikuru sei nhamburiko dzedu.—Pis. 126:5, 6.
5 Turakiti rakasiyiwa nemumwe mukadzi akaratidza fariro yakati kuti. Haana kuzowanika pamusha zvakare kusvikira mwedzi miviri gare gare, uye ipapo akava akanyanyobatikana zvikuru zvokusagona kutaura. Turakiti rimwe chetero rakamusiyirwa zvakare. Pasinei zvapo nenhamburiko dzinopfuurira dzomuparidzi dzokumusvika pamusha, kwakatora mimwe mwedzi mitatu kumuona, ndokuwanazve kuti akanga ari kurwara. Hanzvadzi yacho yakashanyazve vhiki yakatevera, uye kurukurirano pfupi yakatevera pamusoro peturakiti racho. Apo hanzvadzi yacho yakazodzokera vhiki yakatevera yacho, mukadzi wacho akaratidza fariro yapachokwadi mushoko roUmambo. Kuchinja kwemamiriro ezvinhu muupenyu hwake kwakamuita kuti azive chinodikanwa chake chomudzimu. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye nembavarira akafunda vhiki iri yose pashure pacho.
6 Kungofanana nechipi nechipi chatingada kudyara, angava maruva, miriwo, kana kuti fariro mushoko roUmambo, kusakurira kunodikanwa. Ikoku kunoda nguva, shingairo, chimiro chendangariro chokuitira hanya, uye tsungiriro kuti usarega. Gore rakapera, vanhu vanopfuura chikamu chetatu mumiriyoni avo mbeu yoUmambo yakanga yavamba kukura mavari vakabhabhatidzwa! Kana tikaramba tichiparidza, tichava nechokwadi chokuwana vamwe vakawanda vachateerera shoko redu.—Enzanisa naVaGaratia 6:9.