RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/97 p. 1
  • Betsera Vasina Zivo Kunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsera Vasina Zivo Kunzwisisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Uri Kushandisa Bhurocha raAnodei Kutanga Zvidzidzo Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 4/97 p. 1

Betsera Vasina Zivo Kunzwisisa

1 Kupfurikidza nebasa rekuita vadzidzi, tinodzidzisa vamwe chinoda Mwari kwavari. (Mat. 28:19, 20) Nhamburiko huru yekuita izvozvo iri kushandiswa munyika yose neZvapupu zvinopfuura mamiriyoni mashanu. Budiriro haiyerwi nemaawa anopedzwa, mabhuku agoverwa, kana kuti fundo dzeBhaibheri dzinotangwa. Tinosvika chinangwa chedu apo vanhu vanonzwisisa ndokuita chiito pamusoro pezvavanodzidza.

2 Kubetsera vamwe mumudzimu kunobatanidza ku“pa njere vasina mano.” (Pis. 119:130) Mwoyo inoororwa uye vanhu vanosundwa bedzi apo vano“nzwisis[a].” (Mat. 15:10) Sezvo basa redu rinokura uye rinokomba, tinosvika pakunzwisisa zvikuru kudikanwa kwekutaura nokudzidzisa norupfave. Ndicho chikonzero nei Sosaiti yakabudisa bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Rine kosi yefundo yakakwana inofukidza dzidziso huru dzeBhaibheri. Zvidzidzo zvacho zvipfupi, mashoko acho haana kuoma, uye murayiridzo wacho uri nyore kunzwisisa, zvichipa bhurocha racho kukwezva kukuru.

3 Iri bhurocha richashandiswa pamwe chete nebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda mukati memwedzi yaApril naMay. Kunorumbidzwa kuti apo unoronga mubato wako webasa wevhiki nevhiki, uronge kugovera magazini paChitanhatu asi shandisa bhurocha racho muushumiri hwako mukati mevhiki rose rasara. Endesa bhurocha racho kuvanhu vakagamuchira nokudisa mabhuku munguva yakapfuura. Yeuka kuti rinogona kuva rinobetsera zvikuru mukudzidzisa vana, vanhu vanotaura mutauro wokumwe, uye avo vane mano ekurava akaganhurirwa.

4 Shandisa Kusvika Kwakapfava: Pakugovera bhurocha raAnodei, nongedzera kupeji 2, uko rinotsanangura kuti “bhurocha rino rakagadzirwa sekosi yefundo yeBhaibheri.” Nongedzera kundima 3 papeji 3 kuratidza chikonzero nei munhu wacho achifanira kufunda Bhaibheri. Nyandura fariro yake nemimwe yemisoro yezvidzidzo iyo inoratidza zvokwadi dzeBhaibheri dzakapfava. Ratidzira kuti iri bhurocha rinoita sei kuti kudzidza kufadze, uye karakadza kumupa betsero yemunhu oga.

5 Itisa Fundo Inofambira Mberi: Vavariro yedu ndeyekuita zvakawanda zvinopfuura kungoitisa fundo—tinoda kuita vadzidzi vachava vatsigiri vakasimba vekunamata kwechokwadi. Bhurocha racho rinogona kufukidzwa mumavhiki mashomanene uye rinofanira kutungamirira zvakananga kukufundwa kwebhuku raZivo. (Ona mashoko emuzasi papeji 31.) Kubva pakutanga chaipo, betsera mudzidzi kuziva sangano raJehovha. (Ona bhuku raKurangarira, mapeji 355-6.) Simbisa kukosha kwemisangano yeungano, uye tsanangura kuti kuipinda kunogovera nzwisiso huru yemashandisirwe ekunamata kwechokwadi.—VaH. 10:24, 25.

6 Kugoverana kwakazara muiri basa chairo mukati maApril naMay kune chokwadi chokutiunzira mufaro unobva mukubetsera vanhu vepachokwadi “[kuwana] njere” dzinotungamirira kuupenyu.—Zvir. 4:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe