Misangano Inokurudzira Mabasa Akaisvonaka
1 Mativi maviri anokosha ekunamata kwedu kupinda misangano yeungano nokugoverana mubasa remumunda. Zviri zviviri zvinopindirana. Chimwe chinopesvedzera chimwe chacho. Misangano yechiKristu inokurudzira mabasa akaisvonaka, rakaisvonaka rawo riri basa rekuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (VaH. 10:24) Kudai taizorega kupinda misangano, nokukurumidza tingarega kuparidza nemhaka yokuti tinenge tisina kukurudzirwa kuita kudaro.
2 Pamisangano yevhiki nevhiki, tinogamuchira murayiridzo womudzimu wakagadzirirwa kutisunda kuparidza. Kurumidziro yenguva iri kuramba ichisimbiswa, zvichitisunda kuendesa kuvamwe shoko rinopa upenyu reBhaibheri. Tinokurudzirwa ndokusimbiswa kutsungirira mubasa rekuparidza. (Mat. 24:13, 14) Kupfurikidza nokushandisa mikana yekutsinhira pamisangano, tinova nomuitiro wekutaura kutenda kwedu pane vamwe. (VaH. 10:23) Kupfurikidza nokunyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, tinogamuchira rovedzo kuti tive vashumiri vanobudirira zvikuru ndokuvandudza unyanzvi hwedu hwekudzidzisa.—2 Tim. 4:2.
3 Kukurudzirwa Kwatinoitwa neMisangano Yebasa Kuti Tiparidze: Tose zvedu tinokurudzirwa kunzvera mashoko ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo pachine nguva. Ipapo aya mashoko anorovererwa mundangariro dzedu sezvatinopinda Musangano Webasa ndokuona mharidzo dzichienzanisirwa pachikuva. Patinenge tiri mubasa remumunda, tinogona kufunga nezvoUshumiri Hwedu hwoUmambo, kuyeuka mharidzo dzakaenzanisirwa, nenzira iyoyo ndokupa uchapupu hunobudirira zvikuru. Izvi zvakaitika kuvaparidzi vakawanda.
4 Senzira yekuronda Misangano Yebasa, vamwe vanorangana nevamwe kugoverana pamwe chete muushumiri. Vaparidzi vanenge vachiri kuyeuka zvakajeka mapfundo emumunda uye vanonyandurwa kuaedza nemhaka yokuti misangano iyi yavakurudzira kugoverana mubasa rekuparidza vhiki imwe neimwe.
5 Hapana chinotsiva misangano yedu yechiKristu, kwatinoungana nevatinonamata navo ndokukurudzirwa mabasa akanaka. Kana ushumiri hwedu huchizobudirira, tinofanira kupinda misangano yeungano nguva dzose. Ngatiratidzei kuonga iyi gadziriro yakaisvonaka inobva kuna Jehovha kupfurikidza noku“sarega kuungana kwedu.”—VaH. 10:25.