RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/97 p. 1
  • “Vanhu Vose Vachazombodanana Here?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vanhu Vose Vachazombodanana Here?”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • “Ida Muvakidzani Wako Sezvaunozviita”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Unoda “Muvakidzani Wako Sezvaunozviita” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Rudo Rwako Rwakakura Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 10/97 p. 1

“Vanhu Vose Vachazombodanana Here?”

1 Shoko rakaisvonaka, rinonyandura, uye rinofadza richafanira kuziviswa mumitauro 169 munyika yose. Ishoko rokutii? Uye richaziviswa sei?

2 Shoko racho nderekuda muvakidzani. Richawanwa muMashoko oUmambo turakiti Nha. 35, rine musoro unoti “Vanhu Vose Vachazombodanana Here?” Mashoko oUmambo rinonzvera nokupfupikisa mamiriro ezvinhu azvino ari munyika yose, richiratidza kuti kushayikwa kwerudo pakati pevanhu ndiko chikonzero chikuru chekuora mwoyo nokurwadziwa. Rinotsanangura kuti nei, zvikurukuru muzuva redu, kuda muvakidzani kwatonhora uye zvakunoreva nokuda kwenguva yemberi.

3 Mukuwedzera, Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 rinoratidza kuti kuda muvakidzani kwechokwadi kuripo pakati pemamiriyoni ari kurarama munyika nhasi. Rinozivisa avo vari kugoverana mukumutsidzira chiKristu chepakuvamba—kunamata kwemuzana rokutanga ramakore, kwakaratidzwa nokuda muvakidzani sezvakadzidziswa naJesu Kristu.—Ruka 10:25-37.

4 Mashoko oUmambo turakiti Nha. 35 rinogumisa nokutsanangura kuti nyika yose yorudzi rwomunhu nokukurumidza ichashandisa kuda muvakidzani mukutonga kwoUmambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu. Avo vanorava shoko iri vachakurudzirwa kuwana bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? uye vachadzidza nzira yekuva nayo rutivi rwegadziriro yepasi rose yerudo iyo inorondedzerwa zvakadzama muShoko raMwari.

5 Ndiani Achaendesa Shoko Iri? Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvichave zvichigoverana shoko iri rokuda muvakidzani nevanhu vakarovedzana nazvo, vavakidzani, nehama dzokunyama mumwedzi yaOctober naNovember. Vose vanokwanirisa vanokurudzirwa kugoverana mukuparadzirwa kwepachena kweMashoko oUmambo turakiti Nha. 35.

6 Vavariro inokosha yenhimbe iyi ndeyekunyandura kufarira kwevanhu kuva nefundo yeBhaibheri mungava mubhurocha raAnodei kana kuti mubhuku raZivo. Mukuwedzera, nhamburiko yemwoyo wose yomumwe nomumwe wevabatiri vaJehovha ichaguma nouchapupu hwakakura kuna Mwari werudo, Jehovha, nokuMwanakomana wake, Jesu Kristu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe