Mashoko Oushe
◼ Mapazu anoverengeka omuzvitsuwa kupota nyika akashuma nhamba dzapamusoro dzakatanhamara itsva muvaparidzi nokuda kwaJanuary. Mamwe aiwaya akanga ari Dominican Republic, Haiti, Martinique, Mauritius, Philippines, Taiwan, uye Trinidad.
◼ Zimbabwe yakava nenhamba dzapamusoro mbiri dzinotevedzana muna January naFebruary. Vakapfuura 26 000 muvaparidzi kwenguva yokutanga nevane26 014 vachishuma muna February.