Kutarisira Zvinhu zvaTenzi
1 Munguva dzeBhaibheri mutariri aiva nenzvimbo inovimbwa zvikuru. Abrahama akapa mutariri wake basa rokutsvakira mudzimai mwanakomana wake, Isaka. (Gen. 24:1-4) Chaizvoizvo, mutariri wacho akanga ane mutoro wokuva nechokwadi chokupfuurira kwomutsara wemhuri waAbrahama. Mutoro wakadini! Hazvishamisi kuti muapostora Pauro akati: “Pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka”!—1 VaK. 4:2.
Utariri hwechiKristu
2 Mamwe mativi oushumiri hwechiKristu anorondedzerwa muBhaibheri soutariri. Somuenzaniso, muapostora Pauro akataura kuvaEfeso nezve“[utariri, NW] hwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu.” (VaEf. 3:2; VaK. 1:25) Akarangarira basa rake rokuendesa mashoko akanaka kumarudzi soutariri hwaaifanira kubata nokutendeka. (Mabasa 9:15; 22:21) Muapostora Petro akanyorera hama dzake dzakazodzwa kuti: “Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti. Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.” (1 Pet. 4:9, 10; VaH. 13:16) Chipi kana chipi icho vaKristu ivavo vomuzana rokutanga ramakore vakanga vanacho mune zvokunyama chakanga chiri mugumisiro womutsa usakafanirwa waJehovha. Vakanga vari, naizvozvo, vatariri vezvinhu izvozvo uye vaifanira kuzvishandisa munzira yechiKristu.
3 Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvine murangariro wezvinhu wakafanana. Zvakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari uye zvinorangarira zvose zvazvinazvo—upenyu hwazvo, simba razvo romuviri, zvinhu zvazvo zvokunyama—sezvibereko zve“nyasha zhinji dzaMwari.” Savatariri vakaisvonaka, zvinonzwa zvine mutoro kuna Jehovha Mwari wenzira yazvinoshandisa nayo zvinhu izvi. Mukuwedzera, zvakapiwa zivo yamashoko akanaka. Ichiwo ndichakapiwa chazvinoshuva kushandisa munzira yakaisvonaka inobvira: kukudza zita raJehovha uye kubetsera vamwe kusvika pazivo yechokwadi.—Mat. 28:19, 20; 1 Tim. 2:3, 4; 2 Tim. 1:13, 14.
4 Zvapupu zvaJehovha zviri kuita sei mabasa azvo savatariri? Mushumo wegore negore unoratidza kuti gore rapera roga, munyika yose zvakapedzera maawa anopfuura bhiriyoni rimwe zvichiparidza “evhangeri . . . yoUshe” uye zvakaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura 4 500 000 vanhu vanofarira. (Mat. 24:14) Kutendeka kwazvo savatariri vaJehovha kwakaratidzwawo nemipiro yazvo yorupo kubasa romunyika yose nomukutsigira Horo dzoUmambo dzomunzvimbomo, kupfurikidza nomutsa wazvo kuvatariri vanofambira navamwe, uye kupfurikidza nomutsa wazvo usiri wenguva dzose kuavo vanoshayiwa zvikuru—vakadai savanyajambwa vehondo. Seboka, vaKristu vechokwadi vari kutarisira zvakanaka zvinhu zvaTenzi.
“Mutariri Wakatendeka, Wakachenjera”
5 Utariri huripo kwete bedzi pamwero womunhu mumwe nomumwe asiwo wesangano. Jesu akadana ungano yavaKristu vakazodzwa vari pasi pano kuti “mutariri wakatendeka, wakachenjera.” (Ruka 12:42) Basa rouyu “mutariri wakatendeka” nderokugovera “mugove wezvokudya” nokutungamirira mukuparidzwa munyika dzakawanda kwamashoko akanaka. (Zvak. 12:17) Zvine chokuita naizvozvi, boka romutariri wakatendeka, rinomirirwa noMutumbi Unodzora, rine mutoro wakapiwa naMwari wokutarisira zvakarurama “matarenta” aro okunyama noomudzimu. (Mat. 25:15) Mukutsinhirana nomuenzaniso wo‘mutariri wakatendeka,’ masangano mamwe namamwe amapazu anoita nhamburiko yose kushandisa mipiro yose yemari nomutoo wokutarisira, kufambisira mberi fariro dzoUmambo. Mipiro yose yakadaro inoitwa nechivimbo, uye “mutariri wakatendeka, wakachenjera” une mutoro wokuva nechokwadi chokuti inoshandiswa nokuda kwechinangwa chinovavarirwa uye kuti inobatwa nokuchenjera, norutsuta, uye nenzira inoshanda.
6 Muenzaniso wokushandiswa nokuchenjera kwemari dzinopiwa unooneka mukukura kwebasa rokudhinda reZvapupu zvaJehovha mukati mezana ramakore rechi20. Kuparadzirwa kwamaBhaibheri pamwe chete namabhuku eBhaibheri—magazini, mabhuku, mabhurocha, mabhukwana, maturakiti, uye Mashoko oUmambo—zvakaita rutivi rukuru mukuparadzirwa kwa“mashoko akanaka” mukati maano “mazuva okupedzisira.” (Marko 13:10, NW; 2 Tim. 3:1) Uye magazini yeNharireyomurindi yave iri chishandiswa chikuru mukugovera “zvokudya nenguva yakafanira” ku“imba yaMwari” neshamwari dzavo, “boka guru” ra“mamwe makwai.”—Mat. 24:45; VaEf. 2:19; Zvak. 7:9, NW; Joh. 10:16.
7 Pakutanga, mabhuku ose eZvapupu zvaJehovha aiburitswa navadhindi vanobhadharwa. Asi mukati mama1920, kwakasarudzwa kuti zvaizova zvakanaka nezvinobetsera mumudzimu kana vabatiri vaJehovha vakadhinda ivo pachavo. Kutanga nenzira duku muna 1920, basa rokudhinda pashoma napashoma rakakura muBrooklyn, New York, kutozosvikira rava rakakura zvikuru. Pakasvika 1967 zvivako zvokudhindira zvakafukidza mabhuroko mana omuguta. Kudhinda kwakanga kwaitwawo mune dzimwe nyika, asi mudzakawanda dzadzo, kwakanga kwavhiringidzwa neHondo Yenyika II.
8 Kunyange zvazvo basa rokudhinda muUnited States rakanga rakura, rakanga risina kukura zvakakwana kugovera nyika yose. Naizvozvo, mumakore apashure pehondo, mabasa okudhinda akatangwa kana kuti akanga ave kutoitwa mudzimwe nyika dzakawanda, kubatanidza Canada, Denmark, England, Greece, South Africa, Switzerland, uye West Germany. Pakasvika kutanga kwama1970, Australia, Brazil, Finland, Ghana, Japan, Nigeria, uye Philippines dzakanga dzawedzerwa parudungwe rwacho. Dzimwe dzenyika idzi dzakaburitsawo mabhuku makuru. Uyewo mukutanga kwama1970, vafundisi veGilead vakarovedzwa unyanzvi hwokudhinda ndokutumirwa kudzimwe dzeidzi nyika kuti vabetsere hama dzomunzvimbomo nebasa rokudhinda.
9 Mukati mama1980, nhamba yenyika umo magazini aidhindwa yakasvika nhamba yapamusoro ye51.a Izvozvi zvose zvakabvumikisa kuva kushandiswa kwakaisvonaka kwakadini kwezvinhu zvaTenzi! Ufakazi hwakasimba zvakadini hwokukura kwebasa roUmambo! Uye chipupuriro chakasimba zvakadini chetsigiro yorupo yamamiriyoni ezvapupu zvimwe nezvimwe zvaJehovha zvaka‘kudza Jehovha nezvinhu zvavo zvinokosha’! (Zvir. 3:9) Nokudaro, vakazvibvumikisa kuva vatariri vakaisvonaka veizvo Jehovha akavakomborera nazvo munzira dzakasiyana-siyana.
Chinjo Inooneka
10 Mukati mama1970 namavambo ama1980, fambiro mberi huru dzakaitwa muruzivo rwokudhinda, uye Zvapupu zvaJehovha zvakagamuchira unyanzvi hutsva hwokudhinda. Kare, zvakanga zvashandisa mutoo wokudhinda wekare weletterpress. Uyu wakachinja pashoma napashoma sezvo zvakatanga kugamuchira kudhinda kwazvino uno kweoffset. Somugumisiro, zvinyorwa zvakaisvonaka zviri kubudiswa nemifananidzo yamavara ose, panzvimbo pemifananidzo yamavara maviri (rutema norumwezve ruvara) iyo yaibvira pamaletterpress akare. Uyezve, ruzivo rwamakombiyuta rwakachinja basa rose rokugadzirira kudhinda. Zvapupu zvaJehovha zvakatanga Multilanguage Electronic Phototypesetting System (MEPS), gadziriro yekombiyuta iyo zvino inotsigira kudhinda muinopfuura mitauro 370 yakasiyana-siyana. Hapana purogiramu inobhadharwa inoenzana neMEPS mukugona kwayo kushanda mumitauro yakawanda zvikuru.
11 Nemhaka yoruzivo rwamakombiyuta rweMEPS nokushandiswa kwedzimwe gadziriro itsva dzakadai seelectronic mail, imwe fambiro mberi huru yakaitwa mukubudisa zvokudya panguva yakafanira. Kare, kuchishandiswa ruzivo rwekare, magazini asiri echiNgezi aiva namashoko mwedzi yakati kana kuti kunyange gore pashure pechiNgezi. Zvino, Nharireyomurindi inobuda panguva imwe cheteyo mumitauro 115 yakasiyana-siyana, uye Mukai! mu62. Izvi zvinoreva kuti munyika yose vanopfuura 95 muzana vaavo vanopinda fundo yevhiki nevhiki yeNharireyomurindi yeZvapupu zvaJehovha vanorangarira mashoko mamwe chetewo panguva imwe cheteyo. Ichochi chikomborero chakadini! Chokwadi kwakanga kuri kushandiswa kwakaisvonaka kwezvinhu zvaTenzi kushandisa ruzivo rwose irworwo rutsva!
Zvinodikanwa Zvakasiyana-siyana Zvesangano
12 Idzi gadziriro itsva dzakachinja zvinodikanwa zvesangano zvebasa rokudhinda—romunyika yose reZvapupu zvaJehovha. Michina yokudhinda yeweb offset inokurumidza zvikuru kupfuura letterpress dzekare, asi inodhurawo zvikuru. Gadziriro dzamakombiyuta dzinotsigira basa rinobatanidzwa, rakadai sokunyora, kushandura, kunyora mifananidzo, uye kuitwa kwemifananidzo, nepo dzichipa dzimwe bviro dzakawanda kupfuura gadziriro dzekare, dzinodhurawo zvikuru. Nokukurumidza zvakava pachena kuti kwakanga kusisiri kuchengetedza mari kudhinda magazini munyika 51 dzakasiyana-siyana. Nokudaro, muma1990, “mutariri wakatendeka” akaongororazve zvinhu. Ndeipi yakanga iri mhedziso?
13 Ongororo dzakaratidza kuti “zvinhu zvinokosha” zvakapiwa neZvapupu zvaJehovha neshamwari dzazvo zvingashandiswa zviri nane kana basa rokudhinda raizobatanidzwa pamwe chete. Nokudaro nhamba yamapazu anodhinda pashoma napashoma yakaderedzwa. Germany ndiyo yava kudhinda magazini namabhuku enyika dzakawanda dziri muEastern neWestern Europe, kubatanidza dzimwe dzakanga dzamboita kudhinda kwadzo pachadzo. Italy inogovera magazini namabhuku kumativi eAfrica neEurope yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva, kubatanidza Greece neAlbania. MuAfrica, kudhindwa kwemagazini kwakaganhurirwa kuNigeria neSouth Africa. Kubatanidzwa kwakafanana kwakaitika kupota nyika.
Zvinhu Zvokuyera
14 Pachasvika July 1998, kudhinda magazini kuchava kwamiswa munyika dzinoverengeka dzeEurope kubatanidza Austria, Denmark, France, Greece, Netherlands, neSwitzerland. Mutoro wokudhinda muEurope uchatakurwa neBritain, Finland, Germany, Italy, Spain, uye Sweden. Nenzira iyoyi, ndyiko dzisiri madikanwa dzichadziviswa uye mipiro ichishandiswa munzira iri nani nokuda kwebasa renyika yose. Kwakasarudzwa sei kuti inyika dzipi dzaizopfuurira senzvimbo dzokudhindira uye ndedzipi dzaizorega kudhinda? Maererano nomurayiro wake wokutarisira nouchenjeri zvinhu zvaTenzi, “mutariri wakatendeka” nokungwarira akayera kushanda kwokudhinda munzvimbo imwe neimwe.
15 Chikonzero chikuru nei kudhinda kwakamiswa mudzimwe nyika uye kwakabatanidzwa nokumwe chakanga chiri kuita zvinoshanda. Kuita kuti nyika imwe idhinde mabhuku enyika dzimwe dzinoverengeka zvinoita kuti zvinhu zvive nyore zvikuru uye kushandiswa kuri nane kwemichina inodhura. Kudhinda zvino kwave kuitwa uko ndyiko dzakati dererei, uko zvinhu zvinowanikwa, uye zvokutumirisa zvakanaka. Nokudaro, zvinhu zvaTenzi zviri kushandiswa zvakanaka. Chokwadika, kurega kudhinda munyika hakurevi kuti basa rokuparidza ikoko richamira. Kuchangova kune mugove wakawanda wezvinhu zvakadhindwa, uye mazana ezviuru eZvapupu zvaJehovha ari munyika idzodzo achapfuurira nokushingaira kutaurira vavakidzani vavo “mashoko akanaka orugare.” (VaEf. 2:17, NW) Uyezve, uku kuronga patsva kwakaguma nedzimwe betsero.
16 Kududza imwe betsero, yakawanda yemichina yokudhinda nayo yazvino uno yakabva kuDenmark, Greece, Netherlands, uye Switzerland yakatumirwa kuNigeria nokuPhilippines. Vashandisi vane unyanzvi vokunyika dzokuEurope vakagamuchira chikumbiro chokuenda nemichina yacho yokudhinda ndokurovedza vashandisi vomunzvimbomo kushanda kwayo. Nokudaro, nyika idzodzo zvino dzave kuwana magazini akanaka zvikuru zvakafanana ayo dzimwe nyika dzakanga dzava nawo.
17 Rangarira imwezve betsero: Ndyiko yokudhinda magazini zvino iri kutakurwa munyika shomanene umo kudhinda kuri kupfuurira. Somugumisiro, munyika uko kudhinda kwakamiswa, mari zvino yave kuwanikwa nokuda kwamamwe madonzo, zvakadai sokuvaka Horo dzoUmambo nokubetsera kutarisira zvinodikanwa zvehama dzedu dziri munyika dzine urombo. Nokudaro, kushandiswa kwokungwarira kwezvinhu zvaTenzi kunoreva kuti mashoko aPauro kuvaKorinte anogona kushandiswa nenzira inoshanda zvikuru pamwero wenyika dzakawanda: “Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo . . . kuti kuve nokuenzana.”—2 VaK. 8:13, 14.
18 Somugumisiro wouku kubatanidzwa, Zvapupu zvaJehovha kupota nyika zvakabatanidzwa pamwe chete zvikuru kupfuura nakare kose. Hachisi chinetso kuZvapupu zviri muDenmark kuti magazini avo adhindirwe muGermany, kunyange vaimbozvidhindira ivo pachavo. Vanofara nebasa rehama dzavo dzeGermany. Ko Zvapupu zvaJehovha muGermany zvinotsamwira idi rokuti mipiro yazvo iri kushandiswa kugovera mabhuku kuDenmark—kana kuti nokuda kweRussia, Ukraine, uye dzimwe nyika here? Chokwadika kwete! Vanofara kuziva kuti mipiro yehama dzavo munyika idzodzo inogona zvino kushandiswa nokuda kwezvimwe zvinangwa.
Kutarisira Zvinhu
19 MuHoro dzoUmambo dzose dzeZvapupu zvaJehovha kupota nyika, mune bhokisi remipiro rakanyorwa kuti “Mipiro Yebasa Romunyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mipiro isingakumbirwi inoiswa mumabhokisi iwayo inowanika kuti ishandiswe kupi nokupi kunenge kune kushayiwa. Kuti mipiro yacho inoshandiswa sei zvinosarudzwa no“mutariri wakatendeka” namasangano mamwe namamwe amapazu. Nokudaro, uko zvinobvumirwa nomutemo, mari inoiswa mubhokisi remipiro munyika imwe ingatsigira mibato yeZvapupu zvaJehovha mune imwe nyika iri kure nezviuru zvamakiromita. Mipiro yakashandiswa mune dzimwe nyika kugovera betsero dzokukurumidza kuvatendi biyavo vari kutambura nemhaka yezvinhu zvakaita samadutu, chamupupuri, kudengenyeka kwapasi, uye hondo dzavagari vemo. Uye mipiro yakadaro iri kushandiswa kutsigira vafundisi vari munyika dzinopfuura 200.
20 Muungano dzeZvapupu zvaJehovha, kazhinji kazhinji, nhau dzemari dzinongodudzwa kamwe chete pamwedzi—uye kwamaminiti mashomanene bedzi. Hapana ndiro dzemipiro dzinopfuudzwa muHoro dzoUmambo kana kuti pamagungano. Hapana zvikumbiro zvemari zvinotumirwa kuvanhu. Hapana zvirongwa zvokutsvaka mari zvinoitwa. Kazhinji kazhinji, Nharireyomurindi inongova nenyaya imwe chete pagore inotsanangura nzira iyo avo vanoshuva kudaro vanogona nayo kuita mipiro kuWatch Tower Bible and Tract Society kuitira kutsigira basa romunyika yose. Hapana kududzwa kwenguva dzose kwezvemari muMukai! Ipapoka, basa rakakura zvikuru romunyika yose rokuparidza mashoko akanaka, kuvaka Horo dzoUmambo dzinodikanwa, kutarisira avo vari mubasa chairo renguva yakazara, uye kupa yamuro kuvaKristu vanoshayiwa riri kuitwa sei? Jehovha akakomborera vanhu vake munzira inoshamisa nomudzimu worupo. (2 VaK. 8:2) Tinoshandisa mukana uno kuonga vose avo vakava negoverano muku‘kudza Jehovha nezvinhu zvavo zvinokosha.’ Vanogona kuva nechokwadi chokuti “mutariri wakatendeka” achapfuurira kutarisira zvinhu zvaTenzi. Uye tinonyengetera kuti Jehovha apfuurire kukomborera gadziriro dzinoitwa dzokuwedzera kwebasa romunyika yose.
[Mashoko Omuzasi]
a Munomwe dzeidzi nyika, kudhinda kwakaitwa nemafemu anobhadharwa.