Shandisa Mabhurocha Kukwezva Ndangariro Nomwoyo
1 Chokwadi cheBhaibheri chinofanira kutaurwa nemutoo unokwezva ndangariro nomwoyo. Apo Jesu aitsanangura chokwadi kuvateereri vake, aisarudza misoro yaivanakidza nokuvanyandura. (Ruka 24:17, 27, 32, 45) Kubudirira kweushumiri hwedu kunotsamira zvikuru panhamburiko dzatinoita dzokuedza kuziva zvinhu zvemudzimu zvinodiwa nevateereri vedu.
2 Mabhurocha anogona kuva zvishandiso zvinobudirira mukusvika ndangariro nomwoyo yevatinosangana navo muushumiri. Fanofunga kuti ndivanaani vangafarira shoko riri mubhurocha rimwe nerimwe riri kushandiswa muna August:
—Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Vanhu vakaodzwa mwoyo mune zvemari kana kuti vakawirwa nenjodzi vachaonga shoko iri rinonyaradza pamusoro peramangwana risina kutambura.
—Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana? Pwere dziri kufunga zvakakomba pamusoro peramangwana radzo dzichabatsirwa nemhinduro dzinobva muBhaibheri dziri mubhurocha iri.
—Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! Mifananidzo yakawanda nemagwaro akanokorwa zvichabatsira vana vaduku nevane mano okurava akaganhurirwa kunzwisisa zvinangwa zvaMwari.
—Hurumende Ichaunza Paradhiso. Chero munhu ane chokuita nehurumende angangofarira shoko iri pamusoro pokuti Hurumende yaMwari ichapedza sei zvinetso zvakaoma zvevanhu.
—Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Vanogadzira nokuviga zvitunha vanoonga kugara vane makopi ebhurocha iri nokuda kwemhuri dzinofirwa. Vaparidzi vanopupura munzvimbo dzemakuva vanoshandisa bhurocha iri kunyaradza vanochema. Hanzvadzi mbiri dzakataura nemhuri yevanhu vanomwe vainyengetera paguva. Somugumisiro wekugovera shoko rinonyaradza raibva mubhurocha, fundo yeBhaibheri yakatangwa namai vacho zuva raitevera!
—Unofanira Kudavira Utatu Here? Munhu akanyura zvikuru murudzidziso angafarira chokwadi chinowanika muchinyorwa ichi chakazara nemaidi chinofumura dzidziso yakabata chiKristudhomu.
3 Nyatsoziva zviri mubhurocha roga roga, uye tema kuti ungarishandisa zvakanakisisa sei mundima yako. Nokuda kwemataurire aungaita akakarakadzwa, ona peji yokupedzisira yechinyorwa cheUshumiri Hwedu hwoUmambo chaJuly 1998. Jehovha ngakomborere nhamburiko dzenyu dzokusvika ndangariro nemwoyo yevanhu.—Marko 6:34.