RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/99 p. 1
  • Kuyeukwa Kworufu rwaKristu Munyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuyeukwa Kworufu rwaKristu Munyika Yose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kuti Unotenda Zvawakaitirwa naJehovha naJesu
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Chiitiko Chinotidzidzisa nezvaMambo Wekudenga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kudya kwaShe Kwemanheru Kunoreva Zvakawanda Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nei Tichikoshesa Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 3/99 p. 1

Kuyeukwa Kworufu rwaKristu Munyika Yose

1 Jehovha akatidururira zvikomborero zvakawanda. Mugumisiro wokunaka kwake nemutsa unorondedzerwa zvakajeka se“chipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.” Hungu, “Mutsa . . . usina kufanirwa waMwari” (NW) wakazonaka zvokuti hatigoni kuurondedzera.—2 VaK. 9:14, 15.

2 Chipo Chake Chakakura Kupfuura Zvose: Jesu Kristu, soMudzikinuri wevanhu, ndiye chipo chikuru pane zvose. Kuratidza kuda kwake zvikuru nyika yevanhu, Jehovha akapa Mwanakomana wake anodiwa uye akaberekwa ari mumwe oga. (Joh. 3:16) Chikomborero chakadaro chisina kufanira chakabva kuna Mwari chinofanira kuyeukwa munyika yose. Rini uye sei? Manheru omusi weChina, 1 April 1999, vaKristu munyika yose vachayeuka Kudya kwaShe Kwemanheru, vachichengeta Chirangaridzo chechibayiro chikuru kupfuura zvose.—1 VaK. 11:20, 23-26.

3 Kristu akatifira nyange “tichiri vatadzi,” uye tingaratidza kuonga kwedu somunhu oga nokuyeuka Chirangaridzo chorufu rwake uye nokukoka vamwe kuti vavepo nesu pazuva iroro rinokosha zvikuru.—VaR. 5:8.

4 Chiitiko Chinokosha Zvikuru: Kuyeukwa kworufu rwaKristu kunonyanya kusimbisa kuti akatsigira uchangamire hwaMwari asingakanganisi. Kunotiyeuchidzawo kuti tinogona kuva nembiri yakanaka naJehovha nokutenda muchibayiro chaJesu, nokudaro tichivimbiswa ruponeso. (Mabasa 4:12) Chokwadi, ichi ndicho chiitiko chinokosha zvikuru chegore!

5 Kuda vavakidzani vedu kunooneka pakuvakoka kwedu kuzochengeta nesu Kudya kwaShe Kwemanheru. Kubatsira kworudzikinuro kunoramba kuchiwanika namamiriyoni anodzidza nezvekukosha kwarwo kukuru. (VaF. 3:8) Avo vanotenda muchibayiro chaKristu vangawana tariro yakasimba youpenyu husingaperi.—Joh. 17:3.

6 Mwaka weChirangaridzo unopa mikana chaiyo yokuti tiratidze kuonga mutsa mukuru usina kufanirwa waMwari. Iyi ndiyo nguva yakanakisisa yokuitawo basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kubatsirwa kwakakura kwakamirira vose vanofunga nezvechipo chepachena chisingagoni kutsanangurika chaJehovha vachinyengetera ndokuronga kuvapo pakuchengetwa kweKudya kwaShe Kwemanheru kwegore rino!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe