Vakoke Kuti Vauye
1 Kukoka kwakaitwa mazana emakore akawanda akapfuura zvino kwava kuziviswa munyika 233 pasi pose: “Huyai, ngatikwire kugomo raJehovha, . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” (Isa. 2:3) Kuratidza vanhu kune sangano raJehovha ndeimwe nzira yakanakisisa yatingavabatsira nayo kuenderera mberi mumudzimu kunoita kuti vawane upenyu husingaperi.
2 Vamwe vaparidzi vangatya kukoka vanhu kuHoro yoUmambo kuzosvikira pavanenge varatidza kuenderera mberi kwakati mufundo yeBhaibheri yepamusha. Zvisinei, dzimwe nguva vanhu vachatanga kupinda misangano yeungano nyange vasati vambotanga kufundiswa Bhaibheri. Hatifaniri kunonoka kukoka vanhu noushamwari nokuvakurudzira kuuya kumisangano.
3 Zvokuita: Shandisa zvakanaka mahendibhiri kuti uzivise vanhu nezvemisangano yomunharaunda yedu. Dudza kuti misangano yacho haibhadhariswi uye kuti hapana mari inombounganidzwa. Tsanangura kuti misangano yacho inoitwa sei. Taura kuti kune kosi chaidzo dzeBhaibheri uye kuti mabhuku okufunda anopiwa vose kuti vaone zviri kufundwa. Taura nezvekuti upenyu nemararamiro zvevanenge varipo zvakasiyana-siyana. Dudza kuti ivo vanhu vanobva munharaunda imomo uye kuti vana vemazera ose vanodiwa kuti vauye. Tinofanira kukoka vatinofunda navo, tichitaura kuti tingada kuvabatsira munzira chero ipi zvayo kuti vapinde.
4 Chimwe chezvinhu zvokupedzisira zvakanyorwa muBhaibheri kukokwa neushamwari kuti titore gadziriro dzaJehovha dzoupenyu: “Mweya nomwenga vanoti: Uya! . . . Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:17) Hapana chingatsiva kukoka vamwe kuti vapinde misangano yedu.
5 Isaya 60:8 nenzira yokuporofita inoratidza mazana ezviuru zvevarumbidzi vatsva vava kupinda muungano dzevanhu vaMwari senjiva dzi“nobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo.” Tose tinogona kukoka vatsva kumisangano yedu ndokuita kuti vanzwe kuti vanodiwa. Nenzira iyi, tichave tichishandira pamwe naJehovha sezvaanokurumidzisa basa rokuunganidza.—Isa. 60:22.