RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/99 p. 1
  • Vakoke Kuti Vauye

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakoke Kuti Vauye
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Kupinda Kwatinoita Misangano Kunoratidzei Nezvedu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • “Mudzimu Nomwenga Vanoramba Vachiti: ‘Uya!’”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 3/99 p. 1

Vakoke Kuti Vauye

1 Kukoka kwakaitwa mazana emakore akawanda akapfuura zvino kwava kuziviswa munyika 233 pasi pose: “Huyai, ngatikwire kugomo raJehovha, . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” (Isa. 2:3) Kuratidza vanhu kune sangano raJehovha ndeimwe nzira yakanakisisa yatingavabatsira nayo kuenderera mberi mumudzimu kunoita kuti vawane upenyu husingaperi.

2 Vamwe vaparidzi vangatya kukoka vanhu kuHoro yoUmambo kuzosvikira pavanenge varatidza kuenderera mberi kwakati mufundo yeBhaibheri yepamusha. Zvisinei, dzimwe nguva vanhu vachatanga kupinda misangano yeungano nyange vasati vambotanga kufundiswa Bhaibheri. Hatifaniri kunonoka kukoka vanhu noushamwari nokuvakurudzira kuuya kumisangano.

3 Zvokuita: Shandisa zvakanaka mahendibhiri kuti uzivise vanhu nezvemisangano yomunharaunda yedu. Dudza kuti misangano yacho haibhadhariswi uye kuti hapana mari inombounganidzwa. Tsanangura kuti misangano yacho inoitwa sei. Taura kuti kune kosi chaidzo dzeBhaibheri uye kuti mabhuku okufunda anopiwa vose kuti vaone zviri kufundwa. Taura nezvekuti upenyu nemararamiro zvevanenge varipo zvakasiyana-siyana. Dudza kuti ivo vanhu vanobva munharaunda imomo uye kuti vana vemazera ose vanodiwa kuti vauye. Tinofanira kukoka vatinofunda navo, tichitaura kuti tingada kuvabatsira munzira chero ipi zvayo kuti vapinde.

4 Chimwe chezvinhu zvokupedzisira zvakanyorwa muBhaibheri kukokwa neushamwari kuti titore gadziriro dzaJehovha dzoupenyu: “Mweya nomwenga vanoti: Uya! . . . Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:17) Hapana chingatsiva kukoka vamwe kuti vapinde misangano yedu.

5 Isaya 60:8 nenzira yokuporofita inoratidza mazana ezviuru zvevarumbidzi vatsva vava kupinda muungano dzevanhu vaMwari senjiva dzi“nobhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo.” Tose tinogona kukoka vatsva kumisangano yedu ndokuita kuti vanzwe kuti vanodiwa. Nenzira iyi, tichave tichishandira pamwe naJehovha sezvaanokurumidzisa basa rokuunganidza.—Isa. 60:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe